Uncategorized

‘Ndofa ndiri bhachura here?’ … ‘Ndinongochaya mapoto nevakadzi’

06 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
‘Ndofa ndiri bhachura here?’ … ‘Ndinongochaya mapoto nevakadzi’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
MURUME wekwaChundu, kuHurungwe, ari kuchema-chema kuti ane rushambwa urwo rwunomutadzisa kuroora achiti chake kungochaya mapoto bedzi nemadzimai anozomukanda saga kana vapedza naye.

Kusvika pari zvino, murume uyu anoti achaya mapoto “zvakasimba” nemadzimai anosvika mana asi vose vakamuramba paaingotaura kuti ava kuda kunobvisa pfuma yeroora kuvabereki vavo.

Kwayedza yakaita hurukuro naDavison Dhiriyamu (47) wemubhuku raBairachena svondo rapera apo aive pane rimwe bira rakaitwa kudunhu raanogara apo iye aitsvaga chitopota chen’anga chinogona kumubvisa jambwa raanoti rakamugara iri.

“Mudzimai wangu wekutanga akashaya saka kubva ipapo ndiri kuzama kuti ndiwane mumwe wekugarisana naye asi zviri kuramba. Vandinochaya navo mapoto vose vanozondiramba pandinongoronga zvekuti ndinovaroora.

“Kubva pakashaya mudzimai wangu, ndava nemadzimai mana akandiramba mushure mekunge ndataura nhau yekuroora. Asi panguva yatinenge tichichaya mapoto, zvinhu zvose zvinenge zvichifamba zvakanaka — zvinotozoipa apo vanenge vapedza neni,” anodaro Dhiriyamu.

Murume uyu — uyo asina kumbobvira aita mwana — anoti anombofamba kumaporofita nekun’anga uko anongoodzwa kuti mhepo yemudzimai wake wekutanga ndiyo yakamugara zvekumutadzisa kuroora.

“Maporofita nen’anga vandinoshanyira vanongoti ndine mhepo yemudzimai wangu wekutanga uyo akashaya inoita kuti ndisaroore. Zvinhu zvinondinetsa kuti mhepo iyi inonditevera sei ini ndisina kuuraya munhu, akatoshayawo nekurwara.

“Zvino ndofira mugota here ini ndava kuswedera kuve hari yofanzirofa?” anodaro.

Dhiriyamu anoti ari kutsvaga rubatsiro kubva kun’anga dzembiri nemaporofita kuti vamubatsire padambudziko rake.

“Kana iri iyo mhepo yemudzimai wangu iri kuita kuti nditambure kudai, ndinokumbirawo kuti vanozvigona vandibatsire nekuti nguva yareba. Ndinoziva madzimai mazhinji achishuvira kuvawo vanhu vakaroorwa asi ini pandinongotaura shoko rekuti ndafunga kunokandawo mashereni kumusha kwenyu, ndinobva ndaita kunge chidembo chanhuhwa mumba. Mukadzi anobva angotuta twake otoenda. Handisi munhu anoshusha uye ndinopa rudo rwechokwadi,” anodaro.

Zvakadaro, nyanzvi munyaya dzechivanhu vari zvakare mutungamiriri wesangaro reZimbabwe National Practitioners’ Association (ZINPA), Sekuru Friday Chisanyu, vanoti dambudziko rerushambwa rwakadai rinowanikwa kuvarume pamwe nekumadzimai uye rinogadziriswa zvichipera.

“Kune vamwe varume vanotofira mugota zvedi, zvisingarevi kuti havagoni kupfimba asi kuti vanenge vaine rushambwa rwunenge rwakarevererwa pavari nevavengi. Vamwe vanogona kuroora asi mbereko yoramba kubata, zvimwe chetezvo nekuvanasikana vanogona kunge vakanaka zvikuru pachiso asi vachishaya anovaroora,” vanodaro. Sekuru Chisanyu vanoti sangano ravo rine nyanzvi dzinokwanisa kubatsira vane matambudziko akadai.

Share This:

Sponsored Links