Uncategorized

Ndumurwa dziri kuroodzwa

20 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
Ndumurwa dziri kuroodzwa Merbo Chinowadzimba

Kwayedza

Merbo Chinowadzimba

Merbo Chinowadzimba

DUNHU reMbire, kuMashonaland Central, ndiro riri pachinhanho chechipiri patsika dzekuroodzwa kwevanasikana vasati vabva zera – vakawanda vacho vachiri ndumurwa.

Kusiira chikoro panzira, nzara, urombo nekufirwa nevabereki zvimwe zvezvikonzero zvinonzi zviri kupesvedzera tsika inodzvanyirira kodzero dzevanasikana iyi.

Kwayedza nguva yadarika yakashanyira kwaShe Chitsungo, kuMushumbi mudunhu reLower Guruve, ikanzwa kuti kune vanasikana vari kuroorwa vasati vasvitsa makore 18 okuberekwa.

Vamwe vevana vakaroorwa vachiri vaduku ava vakakwanisa kukurukura nebepanhau rino vakapa zvikonzero zvakasiyana zvakavapinza munyatswa iyi.

Pasi memutemo wemuZimbabwe, munhu anonzi abva zera ndokunge ava nemakore 18 okuberekwa zvichikwira. Wose asati asvitsa makore 18 anotorwa semwana.

Kwayedza yakaenda uku panguva yaiitwa chirongwa chaitsigirwa nesangano reWomen’s Action Group (WAG) chekuwanisa vagari veko ruzivo rwezveutano.

Vamwe vevana ava vanoroodzwa vari zvindumurwa zvine makore ekuberekwa gumi kusvika pamakore 17, izvo zvisingatenderwe nemutemo. Pazera iri, vana ava vanenge vasati vave kukwanisa kuzviitira sarudzo yezvavanoda kana zvavasingade.

Prosperity Luckmore (16) anoti akasiira chikoro panzira achienda kunoshanda basa remumba nekuda kwehurombo.

Prosperity anoti: “Ndakagumira chikoro muGrade 4 ndichibva ndabva kumusha kwedu kuMozambique, uko kune vabereki vangu. Ndakatangisa kushanda basa remumba ndichiine makore gumi nekuti vabereki vangu vakakundikana kundiwanira mari yechikoro.

“Ndakashanda mudzimba dzakawanda zvisinei nekuti basa racho ndakange ndisingarigoni, asi nhamo nenzara zvakaita kuti ndishande. Vanhu vandaishandira vaindipa mari yavaida, vamwe vaingondipa zvekudya kana mbatya bedzi.”

Mwana uyu anoti akaroorwa aine makore 14 uye ari kutarisira kusununguka mwana wake wekutanga munguva pfupi iri kutevera.

Merbo Chinowadzimba (15) akatiwo ari kutarisira kusununguka pamuviri paanapo mumwedzi mitatu iri kutevera.

“Pamuviri pandinapo pane mwedzi mitanhatu uye ndakagumira dzidzo yangu paGrade 7 mushure mekunge vabereki vangu vashaya mugore ra2013. Ndakasarudza kuroorwa nekuti hapana akange achizokwanisa kundichengeta,” anodaro.

Anoti nekuda kwepamuviri paanapo, ari kusangana nematambudziko ekurwadziwa nemusana uye pasi peguvhu, izvo zviri kuita kuti akundikane kufamba zvakanaka.

“Ndakapihwa mari nemurume wangu yekunyoresa paMushumbi Clinic saka ndipo pandichasunungukira.

Tatenda Matamba (27), wekwaSabhuku Mwanza, kwaShe Chitsungo kwakare, anoti dambudziko rezvifambiso ndiro riri kuomera madzimai akazvitakura.

“Tose tinouya kuzogarira pano paMushumbi Clinic nekuti hakuna zvipatara zvakawanda. Kana zvichinge zvadzimba uri kumba unotogona kupedzisira wasunungutswa nechembere nekuti kuzoona ngoro yosundwa kusvika pano, unetenge wasununguka kare,” anodaro.

Mukuru wesangano reWAG, Mai Edinah Masiyiwa, vanoti madzimai nevanasikana vari panyatwa yekumbunyikidzwa nenzira dzakasiyana, dzinosanganisira kubatwa chibharo. Sabhuku Mushawemhuka, VaGomo Mushawemhuka, vakatsinhira nezvekuroodzwa kwevanasikana vachiri ndumurwa munzvimbo yavo.

“Munzvimbo yangu muno vana vari kuroorwa vaine makore gumi chaiwo okuberekwa uye vazhinji vacho vanosiira chikoro panzira. Havana ruzivo nezveHIV, havaoni kuipa kwazvo nekuti havana kufunda, vanotofunga kuti kuroorwa ndiko kunopedza matambudziko avo.

“Mumatare edu tanzwa nekutonga nyaya idzi tichiti vaende kumatare edzimhosva asi vazhinji tinoona vabereki vacho vave kuita zvekuripirana nezvipfuyo. Ndinofunga kuti vabereki vanenge vave kufunga kuti kana mwana amitisiwa anofanira kuroorwa

nekutya kuti angazoita nzenza kana kuti titi hudyire here hatizivi?” vanodaro Sabhuku Mushawemhuka.

Vanoti dzimwe nyaya dzekuroorwa kwevanasikana vasati vabva zera dzine chekuita nezvitendero, zvikuru kumamwe makereke echipositori.

“Matambudziko anozovapo ndeekuti ini ndave harahwa kudai, ndini zvakare ndinenge ndave kuriritira vana vemwana wangu. Watove mutoro nekuti sevana vari kumitisana muno, vazhinji ndeve mazera mamwe, zvichitangira munzira pavanobva kuchikoro. Pahuviri hwavo hapana anenge ari kushanda saka mukomana anogona kutiza oenda kuSouth Africa kana kuMozambique,” vanodaro.

District Nursing Officer wekuMbire, Sister Mindy Chipokosa, vanoti mudunhu ravo mune zvipatara zvevechidiki zviviri bedzi.

“Muno tine maYouth Friendly Clinic maviri panzvimbo yekunge ari 13.

‘‘Saka ndinoona riri dambudziko nekuti vechidiki vanofanira kuwaniswa ruzivo maringe nenyaya dzeutano hwavo vasati vapinda mumatambudziko.

“Vana vari kupinda munyaya dzepabonde vasati vabva zera zvinova zvinoita kuti vasangane nematambudziko panguva yavanenge vakazvitakura nepakusununguka.

“Mwana ari pasi pemakore 18 okuberekwa kana akabata pamuviri anosangana nezvibingaidzo zvakaita sekukundikana kusununguka opedzisira avhiiwa, kurasikirwa neupenyu nekurasikirwa neropa,” vanodaro Sister Chipokosa.

Vanoti dunhu ravo riri panhamba yepiri yekumitiswa kwevana vasati vabva zera.

“Paongororo yakaitwa nesangano reKatswe- Sister hood zvakaonekwa kuti dunhu rino riri panhamba yepiri munyaya dzekuroodzwa kwevana apo tiine chikamu che52% muMashonaland Central Province, tichiteverwa neMashonaland West kuchizoti Harare ine 10%,” vanodaro.

Mukuru wekamba yemapurisa yeMushumbi Police Station, Chief Inspector Samuel Bennett, vakakurudzira vanasikana vanenge varoodzwa vasati vabva zera kuti vamhan’are nyaya idzi kumapurisa nekukasika.

“Kamba dzemapurisa dzinogara dzakazaruka nekudaro mhan’arai nyaya idzi kuchikamu chemapurisa cheVictim Friendly Unit paMushumbi Police Station kana pedyo nemi.

‘‘Kuroodza vana imhosva huru nokudaro mutemo unosunga munhu wose anopinda munyaya dzepabonde nevana vari pasi pemakore 18, kunyangwe pakava nekutenderana, nekuti vanotorwa sevanhu vasina chavanoziva,” vakadaro Chief Insp Bennet.

Share This:

Sponsored Links