Nemadora: Unozodei?

04 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
Nemadora: Unozodei?

Kwayedza

Zviri Mugapu naMuchaneta Chimuka

SVONDO rino VaJoseph Makonese vekuSunningdle 3, muHarare, vanotsanangura pamusoro pemabikirwo emadora. Madora kudya kunonaka uye kuchivaka muviri. Kana uine madora parwendo, usakanganwe kutakura kachigubhu kemvura yekunwira-nwira kuti zviendeke.

Zvinodiwa:

Madora, munyu, mafuta kana dovi, mhiripiri

Mabikiro:

Fashaidza makomichi mana emvura.

Nyika madora mumvura inopisa kwemaminitsi angaite gumi.

Geza madora, uchaona achibuda mvura yakatsvukuruka.

Ramba uchiageza uchirasa mvura kusvika achena.

Chitora madora woisa mumvura shoma ine munyu nemhiripiri. Kwatisa dakara mvura yapera.

Wozodii?

Isa mafuta mupani woisa pamoto. Kanda madora uchiakanga kusvikira asara asisina hunyoro hwakanyanya.

Kana uchida ane dovi, kurungira dovi mumvura, wokanda madora. Siya achifashaira kusvika aita muto wakakora.

Kana zvadai, chinakirwa hako!

Madora unogona kuadya akadaro kana nesadza. Unozodei kunze kwekunakira?

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>