Nemiwo mabvuma kuti muporofita?

19 Aug, 2016 - 00:08 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa
INI ndakambonamata nemumwe mupositori aipa tsananguro nekubatsira vanhu zvekuti waiti Mwari vanesu chokwadi. Asi rimwe zuva mudzimu waaishandisa wakabuda ari pakati pekushandira uchiti wakanga waneta nekushandiswa kumasowe asi usingaitirwe zvawaida. Ndakabva ndikangosiya murume iyeye achiporofita nekubatsira vanhu.

Murume wekunzi muporofita wekusvikirwa nemudzimu akagara asiri muporofita. Pese paaibatsira vanhu akanga achishandisa mudzimu wekurapa uri paari unomurotesa mishonga, uye haana kumbogara agashira Jesu semuponesi wake chaizvo zviye zvakanzi naJohn Wesley kunyatsotendeuka nekugashira Jesu chaizvoizvo, zvekuti dai kuri kunaiwa nemvura unenge wasara wakati chakwata.

Muporofita waMwari haaende kun’anga, nekuti Mwari havashande nen’anga. Mambo akanga agadzwa naMwari ainzi Sauro akaenda kun’anga achida kunobvunzira zvinhu zvine chekuita naMwari. “Sauro akati kuvaranda vake: Nditsvagirei mukadzi anosvikirwa, ndiende kwaari ndinomubvunza.”

Asi Mwari vakataura pachena kuti vanhu vavo, kusanganisira maporofita, havafanire zvachose kunobvunzira varoyi, midzimu nemasvikiro (Revitiko 19:31, 20:27). Asi kufanana naSauro, Madzibaba Tatenda Zuvarimwe vakatobuda muKwayedza yesvondo rapera vari pan’anga nemagemenzi avo. Mwari havasi muramu uye havasi sapota yeDhiMbare kana Bosso, saka musatambe navo.

Ipapa ndipo panondinetsa kuti isu sevanhu tinongomhanya kuti munhu muporofita – nyangwe nemidzimu nemashave.

Handiti nyangwe murume uye anonzi Mupinganjira wekubatwa aine nyoka paroadblock gore rakapera akati aibatsirwa nenyoka kurapa vanhu.

Kwayedza payakaenda kumba kwake maanoshandira vanhu vakawana makaturikwa machira matsvuku ane michinjikwa michena.

Jesu haana hukama nemashavi, nenyoka nevafemberi? Nhamo yatiinayo ndeyekuti tinoda kuudzwa pamusoro pezviri kutinetsa zvekuti chero benzi chairo rikanzi rinoporofita tinoswera takariteerera tichigutsurira kuti hemeni hemeni.

Asi muporofita muBhaibheri munhu aitaura mashoko aanenge apihwa naMwari. Muporofita aive muromo kana kuti mutauriri waMwari, achitaura nezita raMwari nesimba raakapihwa naMwari. Saka zvinhu zvaitaurwa nemuporofita, kana kuti zvinotaurwa nemuporofita hazvisi zvake kana zvevanhu, asi ndezvaMwari.

Zvino isu vanhu vatave kuti maporofita vanhu vanoporofita zvikwambo nevaroyi asi havataure zvinoda Mwari kana Bhaibheri raMwari havaverenge. Vanhu vanotsvaga kune chibhanzi kunge Bharami akanzi neBhaibheri aive mufemberi, kureva kuti akanga ari muporofita wenhema.

Maporofita edu maporofita ekuita profit nekunakirwa nenyama. Maporofita ekutsvaga kurarama munyika isina mabasa. Maporofita edu anozvigadza, uye hapana anoda kuvatanga kuti avabvunzisise kuti mweya yavanoti “mweya wati . . .” mweya ipi chaizvo. Nekuti panyika pano mweya yakawanda, uye nekuda kwekuti mweya, inoita zvinoshamisa isu vanhu venyama.

Moses panguva yaakaenda kunoudza Faro kuti zvanzi naMwari siya vanhu vangu vaende, Moses aitaura akamirira Mwari, uye aine simba raMwari. Moses akakanda tsvimbo yake ikapinduka kuita nyoka nesimba raMwari, asi Faro akashevedzawo n’anga dzake dzikashandisawo masimba adzo kutevedzera zvinhu zvaMwari.

Zvatinoti chiporofita nhasi kuudzwa zvinhu zvichazoitika kana kuti vanhu vakatiroya, asi Mwari vakakura kudarika zvinhu zvatinoti ndicho chiporofita. Kutaura zvichazoitika hachisi chiporofita. Mashura hachisi chiporofita.

Mamwe mapositori akanga achitaura chishamiso chakaitwa nemumwe muporofita chekukwira mumuti akagara pakabazi katete asingadonhe, asi izvozvo zvinoitwa nemashave emakudo, ndiwo anogarapo akati kongonya.

Basa chairo guru remaporofita muBhaibheri raive rekugadzirisa zvinhu zvakatsveyama zvine chekuita nekunamata. Chiporofita chaive nebasa rekuudza vanhu chokwadi chinodiwa naMwari. Nhasi uno chiporofita chikuru chinowanikwa mushoko raMwari, kwete muvanhu vanopfeka magemenzi vachitaura nendimi.

Saka ini kana ndonzwa muporofita uyu achiti ave kurega kunamata, ndinoti ave kudzokera kwake chaiko, haana kumbogara ari waMwari. Kana wakasangana naJesu, ukataura naMwari zvechokwadi zvekuti unenge uchitaura wakamumiririra, haungoramba Jesu zviri nyore.

Peter akaenda akanochema misodzi yaipisa paakaramba Jesu katatu jongwe risati rarira. Judhasi akaenda akanodzosera masi yemapristi akanga amutenga kuti atengese Jesu. Mushure macho Judhasi akazvisungirira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey