NetOne yoita basa sebasa

26 May, 2017 - 00:05 0 Views
NetOne yoita basa sebasa

Kwayedza

Abel Ndooka —
KAMBANI yeNetOne yakaparura chirongwa che”Basa sebasa” icho chichaona vanhu vanosvika 20 000 – kunyanya vechidiki – vachipinzwa mabasa ekutengesa mitsara yemunharembozha (lines) pamwe chete neairtime, izvo zvinoenderana nechirongwa cheHurumende chekuvandudza upfumi, cheZim-Asset.

Vachitaura nevatori venhau muHarare pakuparurwa kwechirongwa ichi svondo rapera, vakafanobata chigaro chachamangwiza wekambani iyi, VaBrian Mutandiro, vanoti vari kushanda nesimba kuti zvishuviro zvavo zvizadziswe.

“Takavamba chirongwa cheBasa sebasa nechinangwa chekuumba mabasa anodarika 20 000. Isu seNetOne, tiri kushanda zvakasimba kuti kambani yedu isimbe uye isimukire. Saka tiri kupinzawo vanhu mabasa, avo vatichange tichishanda navo kushambadza zvirongwa zvedu. “Izvi zvichasimbisa chirongwa cheHurumende cheZim-Asset,” vanodaro.

VaMutandiro vakawanawo nguva yekutenderera panzvimbo yeMarket Square, muHarare, vachitengesa airtime pamwe nemitsara yenharembozha.

“Takatanga nekwaMachipisa, kuHighfield, uye chirongwa ichi chakatambirwa zvakanaka, vanhu vari kuchitsigira. Iye zvino tave kuenda kune mamwe maguta akasiyana nechivimbo chekuti basa redu richaramba richikura.

“Patakatanga, tine vatakapinza mabasa, avo vari kumhanya-mhanya kutengesa mitsara yenharembozha asi vashoma uye tinotarisira kuti vasvike 20 000 nekufamba kwenguva,” vanodaro VaMutandiro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey