NetOne yorerutsira ruzhinji nezvirongwa

07 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
NetOne yorerutsira ruzhinji nezvirongwa

Kwayedza

Munyori weKwayedza —
KAMBANI huru mune zvekufambiswa kwemashoko — yeNetOne — yauyazve nezvirongwa zvakananga kugutsa ruzhinji rweZimbabwe zvichitevera kuparura kwayaita zvirongwa zvitatu izvo zvinobatsira nekurerutsira vanhu pakutaura pamwe nekuterera nhepfenyuro dzavanofarira nemitengo yakaderera.

Svondo rapera, NetOne yakaparura zvirongwa zvinoti Khuluma 24/7, OneRadio neNews On One.

OneRadio chirongwa chekuti vanoshandisa masaisai eNetOne havachasariri shure pakuterera zvirongwa zvavanofarira zvakaita seTilda Live nezvimwewo panhepfenyuro yeStar FM sezvo vave kukwanisa kungozvinzwa chero nguva uye nemari shoma-shoma.

News on One chirongwa chekuti vanoshandisa NetOne vanokwanisa kuterera nhau kubva kunhepfenyuro dzavanofarira chero nguva nemari shoma.

Khuluma 24/7 chirongwa chekuti vanoshandisa NetOne vanokwanisa kuchaya nhare vachishandisa masaisai nemari yakaderera.

Pari zvino kuchaya nhare kunoita $0.16c pamineti imwe asi neKhuluma 24/7 vanhu vanoshandisa $0.10c chete.

Vachitaura pakuparurwa kwezvirongwa izvi muguta reHarare, mukuru weNetOne – VaBrian Mutandiro – vanoti kambani yavo iri kuenderera mberi nekupa ruzhinji rweZimbabwe zvirongwa zvinoita kuti varambe vachibudirira panyaya dzekufambiswa kwemashoko nekunzwa zvinenge zvichiitika asi vachishandisa mari shoma.

“NetOne ine mufaro kubura zvirongwa zvitsva izvi kuruzhinji rweZimbabwe. Zvirongwa izvi tiri kuzviparura tichitsigira donzvo reHurumende rekuti vanhu vagone kutaura nekutaurirana nemari yakaderera sezvo kufambiswa kwemashoko kwakakosha mukurarama nekubudirira kweupenyu hwevanhu,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “OneRadio neNews On One zvirongwa zvataita tichitarisa kuti vanhu vane mabasa akasiyana-siyana zvinokonzera kuti pamwe varasikirwe nenguva yekunzwa nhau kana zvirongwa zvavanofarira panhepfenyuro dzavanofarira. Asi nezvirongwa izvi, vanhu vanokwanisa kunzwa nhau nezvirongwa zvavanofarira nenguva yavada.

“Khuluma 24/7 chirongwa chatakaita mushure mekuona kuti zvirongwa zvizhinji zvekuchaya nhare hazvibati masaisai ose, izvo zvinosiya vatsigiri vedu vachidhurirwa nekutaura. Ichi chirongwa chinoita kuti vanoshandisa NetOne vakwanise kutaura nevanhu vose kuburikidza nemasaisai uye nemutengo wakaderera.

“Zvakare, zvichaita kuti vanoshandisa mamwe masaisai vauyewo kuNetOne kune zvirongwa zvinoita kuti vasasarira panhau nezvirongwa zvavanofarira pamwe nekutaura kwakachipa.”

VaMutandiro vanoti zvirongwa zvitatu izvi zviri kuparurwa mushure mechimwe chirongwa, cheOneFusion, nekambani yavo gore rapera.

“OneFusion iri kuita mukurumbira, iri kubata homwe dzevanhu vose zvakaenderana sezvo ichitangira pa$5 kusvika $200. OneFusion ye$5 inowanisa munhu maminetsi makumi matanhatu (60 minutes) kunhamba dzeNetOne, gumi nemasere (18 minutes) kune mamwe manetwork, 300 MB dzedata, 700 MB dzeWhatsApp, 900MB dzeFacebook nemameseji gumi. Izvi zvinogara kwemwedzi wose,” vanodaro VaMutandiro.

Share This:

Sponsored Links