New Curriculum: $12m yemabhuku

21 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
New Curriculum: $12m yemabhuku VaDokora

Kwayedza

Tandayi Motsi —
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti Hurumende yakaisa padivi mari inosvika $12 miriyoni yekutenga mabhuku ekuverenga nezvimwe zvekushandisa muzvikoro pasi pechirongwa cheNew Curriculum.

Dr Dokora vakataura mashoko aya nguva yadarika mudare reSenate apo vaipindura mubvunzo wemumiriri wekuMashonaland Central, Senator Jenia Manyeruke, avo vaida kuziva hurongwa huri kuitwa neHurumende kuitira kuti zvikoro zvive nemabhuku ekuverenga anodiwa pasi pechirongwa cheNew Curriculum.

“Ndinoda kuziva mamiriro ezvinhu maringe nekuendeswa kwemabhuku ekuverenga kuzvikoro pasi pechirongwa cheNew Curriculum nekuti dunhu randinomirira riri kwakadziva-dziva kwenyika. Varairidzi nevamwe vakuru vezvikoro vari kuti havasati vave nemabhuku aya?” vanodaro Sen Manyeruke.

Dr Dokora vanoti bazi ravo riri mushishi kushanda nesimba kuti zvikoro zvive nemabhuku ekuverenga anokwanirana.

“Tiri kutora matanho akasiyana kuitira kuti mabhuku aya ange aripo. Chekutanga, pane mari iripo pasi pechirongwa chinonzi School Improvement Grand iyo yatiri kushandisa kutenga mabhuku aya. Danho rechipiri, kune makambani anodhinda mabhuku ekuverenga ayo atiri kushanda nawo zvakare kuti mabhuku aya nezvimwe zvinodiwa pakudzidzisa vana zvivepo.

“Sebazi redzidzo, pari zvino tine chirongwa zvakare chatiri kuita chemari iri pakati pe$11 miriyoni ne$12 miriyoni yatiri kuisa padivi yekushandisa kutenga mabhuku nezvimwe zvinodiwa mukuzadzikisa gwaro reNew Cirriculum,” vanodaro.

Dr Dokora vanoenderera mberi vachiti: “Tiri kukurudzira varairidzi kuti vatipe mabhajeti avo kuitira kuti tivape mari yekuti vatengese zvekushandisa padzidzo.

‘‘Asi pari zvino ndinoti varairidzi vari kufundisa zveNew Cirriculum vane zvimwe zvavari kufanoshandisa zvakaita semabhuku eHistory, Geography neMathematics.

“Tiri kuti mabhuku aya achiri kushanda nekuti tikaatarisa tinoona kuti ane zvimwe zvikamu zvinoenderana neNew Curriculum.”

Vanoti kune vamwe varairidzi vari kuti mamwe emabhuku avaishandisa kare mukudzidzisa haasisina chiyamuro pasi pechirongwa cheNew Curriculum, chinova chisiri chokwadi.

“Unovanzwa varairidzi ava vachiti mabhuku ataishandisa kare takatoarasira kure sezvo asisabatsire.

‘‘Asi isu tiri kuti mabhuku aya achiri nebasa nekudaro anofanirwa kushandiswa mudzidzo. Tinovimba kuti varairidzi vari muzvikoro izvi vane bhuku rematicha rinonzi Teacher’s Handbook kana kuti Teacher’s Manual, iro rinoenderana nezvidzidzo zviri muNew Curriculum nekuti rakanyorwa kuchitariswa zviri musirabhasi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links