New Curriculum inoda kutsigirwa

24 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
New Curriculum inoda kutsigirwa

Kwayedza

CHIRONGWA chekuvandudza dzidzo yemuZimbabwe, cheNew Cirriculum, pachaitaurwa nezvacho nguva yadarika chakakonzeresa mitauro yakawanda apo vamwe vaichitsigira asi vamwe vachipa mafungiro avowo.

Zvakatora nguva kuti gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vatsanangurire nyika mamiriro chaiwo echirongwa ichi.

Asi chinoshamisa ndechekuti chirongwa ichi chisati chatanga, bazi rezvedzidzo iri rakatenderera nenyika yose richinzwa mafungiro everuzhinji pamusoro pacho.

Sekutaura kwaDr Dokora, vanhu vanodarika miriyoni imwe chete vakapa mafungiro avo pamusoro peNew Cirriculum vachitsigira gwaro iri panguva iyo bazi ravo raiunganidza pfungwa dzeveruzhinji.

Ndokusaka tichiti zvinoshamisa kana tichitarisa gakava razovepo, kusanganisira nekudare reParamende, apo chirongwa ichi chakatanga kutevedzwa.

Zvisinei, zvinofadza pari zvino kuona kuti zvikoro zvava kugamuchira gwaro iri nemawoko maviri.

Izvi zvinofanirwa kurumbidzwa zvikuru nekuti chinangwa chiri pakusimudzira dzidzo yemuZimbabwe.

Nemusi weMuvhuro svondo rino, zvimwe zvikoro zvekuEpworth, muHarare, zvakakwikwidza zvichiratidzira zvidzidzo zvemitambo zviri muNew Cirriculum pasi pemakwikwi anodaidzwa kuti Science, Sports and Arts Festival (CASSAF).

Zvikoro izvi zvakakwikwidza mune zvakasiyana zvinosanganisira kuridza mbira nehosho nekutamba, kuimba, madhirama nerunako (modelling).

Zvidzidzo izvi zvakakosha nekuti kune vamwe vana vasingagone zvekuverenga mabhuku kana kunyora asi vari shangwiti mumitambo yakasiyana.

Vana vakadai ava vakarovedzerwa mumitambo iyi vanokwanisa kuwana raramo kubva mairi mune remangwana.

MuZimbabwe tine mienzaniso yakawanda zvikuru yevanhu vakasiyana vari kurarama kuburikidza nemitambo.

Nhasi uno Charles Manyuchi ishasha yetsiva achizivikanwa pasi rose uye ari kurarama kuburikidza nemutambo uyu. Ndokusaka kutaura kuno Manyuchi ari kuSingapore uko kwaacharwa neimwe shasha.

Zviri pachena kuti kudai chipo chemuchinda uyu chakashaya akachisimudzira, angadai asina kusvika paave pari zvino.

Saka zvakakosha kusimudzira pamwe nekutsigira vana vane zvipo zvakasiyana muzvikoro.

Kune vamwe vane zvipo zvekuimba, kumhanya kana kuveza, avo vasingafanirwe kutarisirwa pasi asi kuti vanofanirwa kutsigirwa.

Tikadzamisa pfungwa tinoona kuti zvidzidzo zvakawanda zviri muNew Cirriculum hazvisi zvitsva asi kuti zvakabvira kare zvichiitwa.

Muenzananiso ndewezvidzidzo zvemabasa emawoko sekurima nemitambo, izvo zvaingoitwa kubva nakare asi kuti zvimwe zvacho zvaitangira padanho resekondari.

Hongu, ichokwadi kuti panogona kunge paine kuperevera pane zvekushandisa mune zvimwe zvezvidzidzo izvi, asi hazvirevi kuti zvakaipa.

Zvakakosha kuti zvikoro zvose, vabereki nemapoka anoona nezvedzidzo vaise misoro pamwe chete mukusimudzira chirongwa cheNew Cirriculum kuti dzidzo yeZimbabwe ifambire mberi.

Share This:

Sponsored Links