New Curriculum makeke: Kateera

05 May, 2017 - 00:05 0 Views
New Curriculum makeke: Kateera

Kwayedza

Malven Mugadzikwa —
CHIDZIDZO chemutambo mutsva weWoodball – chinova chimwe chezvidzidzo zvitsva zviri muNew Curriculum – chakaparurwa nguva pfupi yadarika mudunhu reHarare uye pari zvino vamwe vana vari mushishi kugadzirira kuenda kunokwikwidza mumutambo uyu kuUganda.

Vachitaura pakuparurwa kwemutambo uyu, mukuru wedzidzo mudunhu reHarare, VaChristopher Kateera, vanoti kuparurwa kwawo mucherechedzo wekukoshesa kuri kuita dunhu ravo chirongwa cheNew Curriculum.

“Chinangwa chekuita mutambo uyu kuda kufambirana nehurongwa hweNew Curriculum. New Curriculum inokurudzira kuti mwana wega-wega anofanira kuvawo nemitambo miviri pamitambo yese inoitwa muzvikoro yaanogona. Mutambo weWoodball ndemumwe wemitambo yatiri kuda kuti itambwe muzvikoro nyika yese asi dunhu reHarare ndiro rakatanga nawo.

“Kubva kunhabvu kusvika kumitambo midiki, mwana anofanirawo kuwana mutambo waanogona kutamba. Tinodaro nekuti ndiyo imwe nzira yekutsvaga zvipo zviri muvana uye yekuzvivandudza. Zimbabwe ndiyo zvakare nyika yekutanga kuita mutambo uyu panyika dziri mudunhu reSouthern Africa,” vanodaro VaKateera.

VaKateera vanoenderera mberi vachiti, “Mutambo weWoodball wakavambwa mugore ra1990 senzira yekuzvivaraidza asi pari zvino wava kutambwa kunyika dzakawanda pasi rose. MuAfrica, Uganda ndiyo nyika yekutanga kuita mutambo uyu muna 2007.”

VaKateera vanokurudzira mamwe matunhu munyika kuti aumbewo makomiti nezvikwata muzvikoro kuti vazokwikwidza mumutambo uyu.

Sachigaro wekomiti yeWoodball mudunhu reHarare, VaAnthony Mhene, vanoti vari kuronga zvikwata zvichanokwikwidza kuUganda muna Chikumi gore rino.

“Mutambo uyu takauparura muHarare asi tava kutotanga kuita hurongwa hwekuti utekeshere muzvikoro zvose zvemunyika uye tava kugadzira matimu evakuru neevana vechikoro ekuti aende kuUganda, vapinde mumakwikwi ekutanga. Izvi tiri kuzviitira kuti vana vedu vanoenda ikoko vadzidze nezvemutambo uyu kwawakatangira kwacho muAfrica uye kuti varairidzi vavo vave neruzivo rwakadzama nezvawo,” vanodaro VaMhene .

Share This:

Sponsored Links