Newcastle yakatenga Mitrovic

24 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

NEWCASTLE United yakatenga Aleksander Mitrovic kubva kuAnderlecht ndokumupa kondirakiti yamakore mashanu.

Mutambi uyu, uyo ane makore 20 ekuberekwa, akanwisa ka23 mumitambo 44 yaakatambira Anderlecht mwaka wadarika uye akangomirira kuti mapepa ake agadziriswe kuti chibvumirano chekutengwa kwake chifambire mberi.

Akatamba nhabvu inofadza mwaka wadarika muChampions League izvo zvakamuona achinwisa apo chikwata chake chakasangana neBorussia Dortmund uye neArsenal mumutambo wakapera uri mangange 3-3 kuEmirates muna Mbudzi mwaka wadarika.

Chizvarwa chekuSerbia ichi chakati chiri kutarisira kukura mumutambo uyu kuti chigozivikanwa semutambi mukuru munhabvu.

“Pachange paine tarisiro huru zvakanyanya kuno, ichokwadi, asi ndinozvifarira. Chikwata chino ndinochiziva. Ndinoziva vamwe vatambi vakachitambira vakaita saAlan Shearer uye ndinovimba kuzofamba mumatsimba ake. Chichave chiremerera chikuru kwandiri,” akadaro.

Mitrovic anotevera aimbove mutambi wePSV Eindhoven Georginio Wijnaldum kuenda kuSt James’ Park uye murairidzi wacho Steve McClaren ari kufara nevatambi vaakatenga ava.

“Ndinofunga kuti mutambi uyu anogona zvikuru. Takarwa zvakasimba kuti timutenge nekuti ndinoziva aidiwa nezvikwata zvakawanda muEurope.

“Aleksandar mutambi achakura muchikwata chino uye munhu watinoona kuti achatibatsira kusvika kwatinoda kuenda. Sebhodhi rechikwata takashanda nesimba kuti timutenge auye kuchikwata chedu izvo zvinorakidza kuti tinoda kuenda kure,” akadaro McClaren.

Mitrovic akanwisa ka30 kubva mumitambo 78 iyo yaakatambira Anderlecht paakatengwa kubva kuPartizan Belgrade mugore ra2013. — Sky Sports News.

Share This:

Sponsored Links