‘Ngatichengetedzei nhaka yedu’

16 Apr, 2015 - 00:04 0 Views
‘Ngatichengetedzei nhaka yedu’

Kwayedza

SHaSHA yekukwenya magitare Madzibaba Nicholas ‘Senior Lecturer’ Zakaria vanoti vanofara nekusvitsa kweZimbabwe makore 35 yawana kuzvitonga kuzere sezvo izvi zviri kupa mukana wekuti indaisitiri yemimhanzi inge ichisimukira zvikuru.

Vanoti pavakatanga kuridza magitare kumakore ekuma1970 kwaive nezvikwata zvishoma nekuti nyaya dzemhanzi dzaitarisirwa pasi asi iye zvino zvikwata zvaveko zvakawandisa kuburikidza nekuwana kuzvitonga kuzere kwenyika ino.

Vakaenderera mberi vachiti kubvira mugore ra1980 ndipo pakatanga kusimukira nyaya dzemimhanzi nekuda kurutsigiro rwaipihwa vaimbi nemapoka akasiyana anosanganisira mapuromota pamwe nevamwe vakotsveri.

“Zuva rekuwana kuzvitonga zvizere munyika yedu rakakosha chaizvo kwandiri uye nenyika yese.

“Tiri kuenderera mberi nekurarama Mwari vachitichengeta.

“Indasitiri yedu yakura zvikuru kubva patakatanga kurova magitare kare. Zvikwata zvavepo zvakawanda uye zvinorova mhanzi inofadza zvikuru.

“Ini hangu semuimbi ndakwanisa kuvakawo imba yangu iyo ndinoita zvandinoda ndakasununguka.

“Kare ndaive roja asi zvashanduka kuburikidza nekuwana kuzvitonga kuzere kwakaita nyika yedu,” vakadaro Senior Lecturer.

Vanoti pane vaimbi vane chitsama avo vasimukira munyaya dzemagitare kubvira pakawana nyika kuzvitonga kuzere.

Vaimbi ava ndevanoti Alick Macheso, Njerema Boys inotungamirwa naParadzai Mesi, Mercy Mutsvene, ZimPraise, Oliver Mtukudzi (Tuku akatanga kunetsa kare kunyangwe apo Zimbabwe yakange isati yawana kuzvitonga kuzere), Thomas Mapfumo, Suluman Chimbetu, Progress Chipfumo, Pastor Charamba naMai Olivia Charamba, Blessing Shumba, Mathias Mhere, Hosiah Chipanga uye naRockford ‘Roki’ Josphat.

Pavaimbi veZim-dancehall, Senior Lecturer vanoti, avo vakaita saSeh Calaz, Soul Jah Luv pamwe naKiller T vane mazita asi havasati vane chiremerera chikuru.

Zvakadaro, vakakurudzira vechidiki kuti vachengetedze nhaka yerusununguko rweZimbabwe sezvo vari ivo vatungamiriri vemangwana. “Vechidiki ngavabatisise nhaka yedu iyi yekuwana kuzvitonga kuzere nekuti yakakosha zvikuru.

“Ukaona nhaka yakagadzirwa iwe rako basa kuichengetedza zvakanaka, usabvongodze nekuti zvinogona kuzokuremera mangwana.

“Kupaza inyore asi kuvaka ibasa guru.

“Ngativei vanhu vakashinga mubasa redu pazvese zvatinoita,” vakadaro.

Svondo rino Madzibaba Zacharia vari kunanga kuDotito kuMt Darwin uko kwavakakokwa kuzopemberera zuva rekuwana kwenyika kuzvitonga kuzere.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>