‘Ngatichengetedzei tsika dzechivanhu’

07 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
‘Ngatichengetedzei tsika dzechivanhu’

Kwayedza

Malven Mugadzikwa —
MUIMBI ari kusimukira mumusambo weMbende Jerusarema — Rishon Murandu — anoti nziyo dzake dzakanangana nekudzoreredza tsika dzechivanhu dzakanaka uye dzinoyemurika.

Murandu, uyo anoimba nechikwata cheArts Laboratory Band, anoti zvakakosha kuchengetedza tsika dzechivanhu sezvo dziri idzo dzinoumba hunhu hwakanaka.

“Chinangwa changu chikuru ndechekuti mutambo weMbende-Jerusarema uve hwaro kana kuti mwongo wekudzoreredza tsika dzedu dzimwe dzacho dzinove dzava kurasika.

“Vazhinji vanoziva Mbende-Jerusarema uri mutambo unotambwa kwaMurehwa chete. Mukuridza kwandiri kuita nziyo dzangu ndichisanganisa ngoma nemagitare, ndiri kuda kuti Jerusarema risangova rekwaMurehwa chete asi kuti rive richitererwa nekuonekwa pasi rose.

“Ndinoda zvakare kuti tidzoreredze tsika dzevanhu vemuZimbabwe sezvo zhinji dzacho dzava kuyeredzwa nekuda kwechizvino-zvino chazara muvanhu,” anodaro Murandu.

Murandu akatanga kunyora nziyo dzemusambo uyu mugore ra2002 ndokuzotsikisa dambarefu rake rekutanga – Mbende- Jerusarema – muna 2011.

Muchinda uyu anoti dambarefu rake iri harina kunyanya kuita mukurumbira sezvo vanhu vazhinji vakanga vasati vava kuziva nezvake.

Dambarefu rake rechipiri, Yarira Ngoma, iro raakabuditsa muna 2014 anoti ndiro rakaita mukurumbira nekambo kanonzi Muroora ako anoti kaifarirwa neveruzhinji.

“Kambo aka kakanyanya kufarirwa nevanhu nenyaya yekuti kanocherechedza tsika dzedu dzechivanhu dzekupemberera muroora kana apinda mumusha. Kambo katakaridza tichida kuratidza kukosha kwakaita muroora kana apinda mumusha. Kanobuditsawo kukosha kwakaita vanhukadzi zvakare,” anodaro.

Murandu anoti parizvino ari kufara nekuti veruzhinji vava kutsgira nziyo dzake.

Anoti dambarefu rake idzva richangobuda — Tsika Dzekwedu — riri kutambirwa neveruzhinji nekuda kwenziyo dzinodakadza pamwe nemavhidhiyo acho.

“Kubva muvanhu vari kuteerera nziyo dzepadambarefu iri zviri kuratidza kuti hunyanzvi hwatakawedzera mukubatanidza magitare nengoma zviri kuita kuti vafarire kuteerera nekuona mavhidhiyo acho. Padambarefu idzva iri, pane kambo kanonzi Tsika Dzekwedu kanobuditsa kukosha kwekwatakabva uye makuriro atakaita mutsika dzedu dzechivanhu,” anodaro Murandu.

Anoenderera mberi achiti, “Padambarefu rekupedzisira iri pane kambo zvakare kanonzi Vanodanana kari kunyanyofarirwa neveruzhinji. Kambo aka kanodzidzisa veruzhinji kuti mukugarisana kwatakaita hatifaniri kunzwa godo tikaona vanodanana. Kanodzidzisa kuti vanhu ngavayemure rudo rwevanhu pane kuedza kuparadza,” anodaro Murandu.

Murandu anoti vane matambudziko avari kusangana nawo sechikwata ayo anosanganisira kushomeka kwemidziyo yekuridzisa.

Anotiwo zvakare ane shuviro yekuti vakwanise kuita mashoo nekuridza pamakungano akasiyana asi dambudziko nderekuti havasati vava nemotokari yekufambisa nekudaro vari kukumbira rubatsiro kune vanokwanisa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey