‘Ngatidye tose mari yemaroja’

12 May, 2017 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa —
CHIREVO chekuti pfuma yenhaka inoparadza hukama chava kuzadzikiswa nenyaya yehanzvadzikomana nehanzvadzisikana vekuHillside, muHarare, avo vasvitsana kumatare edzimhosva vachirwira mari yemba yevabereki vavo inobviswa nemaroja.

Victoria Kamuzengeni akamhan’arira hanzvadzi yake Michael Morelife kuHarare Civil Court achida kuti amupewo chidimbu chemari yaanopihwa nemaroja anogara pamba yakasiiwa nevabereki vavo vashakabvu.

“Changamire, ndauya nechikumbiro chekuti hanzvadzi yangu Michael andipewo mari yaanowana kumaroja sezvo imba iri yevabereki vedu tese, naizvozvo tinofanira kugovana,” anodaro Kamuzengeni

Anoenderera mberi achiti Morelife anotora mari iyi ega izvo zvinomurwadza zvikuru.

“Morelife ane tsika yekuti mwedzi ukapera anotora mari yese orakasha ega asingandipewo sehanzvadzi yake. Izvi zvinondirwadza chose nekuti imba takasiirwa tese asi iye anoita kunge ndeyake ega,” anodaro.

Morelife anopikisana nehanzvadzi yake achiti haamupe mari nekuti paaimbogarapo akasiya chikwereti chakakura chemvura nemagetsi, naizvozvo mari yaanofanirwa kumupa ndiyo yaari kubhadharisa chikwereti ichi.

“Kamuzengeni paaigara pamba apa akasiya bhiri remagetsi nemvura rakakura saka hazvigoni kuti ndimupe mari yemaroja nekuti ndiyo yandiri kubhadharisa mabhiri aya,” anodaro Morelife.

Anoti nguva yadarika aimbopa hanzvadzi yake mari inobhadharwa nemaroja pasati pave nechikwereti ichi.

“Ndaisimbomupa mari uye hameno kuti sei anyepera dare kuti handina kumbobvira ndamupa mari kugara kwese uku,” anodaro Morelife.

Mutongi Nyasha Marufu akati vaviri ava vanofanira kugovana mari yemba kana vachinge vapihwa nemaroja.

Share This:

Sponsored Links