Ngatiite muonera pamwe kumapurazi

17 Oct, 2014 - 09:10 0 Views

Kwayedza

Evans Zininga
HURUMENDE nemasangano anomirira vashandi vemumapurazi pamwe nemamwe mapoka akasiyana zvinofanira kubatana mukurwisa kupararira kwedenda reHIV neAIDS sezvo riri dambudziko gukutu kunzvimbo dzekumapurazi.
Muonera pamwe uyu unodiwa nekuti kana vashandi vasina utano hwakanaka zvinodzosera budiriro yenyika kumashure.

Zvakadaro, kuburikidza nemararamiro emumapurazi, zviri nyore kuti vanhu vatapurirane zvirwere zvepabonde pamwe neutachiona hweHIV nekuda kwekushaya dzidziso kana kuti yambiro yakakwana.

Hurombo hwakanyanya zvakare kumapurazi izvo zvinokonzera kuti vanhukadzi vambunyikidzwe panyaya dzepabonde.

Pamusoro pezvo, nzvimbo dzakadai idzi zhinji dzacho hadzina zvinovaraidza veruzhinji zvakaita senhandare dzemitambo yakasiyana.

Izvi zvinoita kuti vashandi vemumapurazi ava vangorarama hupenyu hwekuziva kuti zuva rikabuda vanonoshanda, vodya pamwe nekurara.

Mazuva ano zvakare vashoma vanoona nezveutano vari kushanyira kumapurazi vachipa vagari veko dzidziso pamusoro pekuzvichengetedza panyaya dzepabonde.

Dambudziko iri rinowedzerwa nekuti vashandi vazhinji vekumapurazi havakwanisi kuendesa vana vavo kuchikoro zvinoita kuti vakomana nevasikana varoorane vasati vabva zera.

Havakwanise zvakare kuwanawo rumwe ruzivo rwakaita sekuverenga mapepanhau, kunzwa zvirongwa zveparedhiyo kana paterevhizheni.

Avo vari kurarama neutachiona hweHIV, vari kusangana nematambudziko ekuti vakwanise kuwana mapiritsi emaARV ayo anowanikwa kuzvipatara zvikuru sezvo vamwe vacho vanenge vasina mari yekufambisa kuenda kuzvipatara izvi.

Kunze kwazvo, havakwanise kuwana zvekudya zvinovaka muviri nekuda kwekushaya chouviri.

  • Evans Zininga ndimanaging Director weZanu PF Youth League and Lasch Enterprises P/L Joint Venture.

Share This:

Sponsored Links