Ngatitaurei nevana nguva dzose

29 Jan, 2015 - 10:01 0 Views
Ngatitaurei nevana nguva dzose

Kwayedza

ZVINOITA here kuti mubereki akaona kuti mwana ava nemukomana kana musikana waari kudanana naye ogara pasi kutaura nhaurwa yekudzivirira pamuviri nezvirwere zvepabonde kunyangwe asati abve zera? Mubereki anofanira kutaura nhau iyi mwana asati abubudza kuitira kuti ive inotangika uye kuti mwana agare achiziva kuti muviri wake wakakosha pamwe nekuti hapana munhu ane mvumo yekumubata-bata.

Muzvikoro, zvidzidzo zvekodzero dzevana uye kuti hapana munhu ane mvumo yekubata-bata mwana zvinodzidziswa. Tinoona kuti vana vazhinji vanenge vakabhinyiwa kana vanoshungurudzwa vanotaurira shamwari kuchikoro kana mudzidzisi. Izvi zvinodaro nekuti mwana anenge awana chenjedzo oziva kuti zvakaipa zvanga zvichiitika hazvitenderwi uye kuti ane kwekuchemera.

Vana vamazuva ano vanokasira kukura kana tichienzanisa nevakare naizvozvo tinoona kuti mumwe musikana anogona kutevera kunyangwe aine makore gumi kana gumi nerimwe. Kare, musikana aizotevera ave nemakore gumi nemashanu kana kudarika. Izvi zvava kukonzerwa nekudya kwakanaka kunoita kuti muviri ukasire kudaira.

Tiri kuona kuti pwere dzimwe dziri mugwaro rechinomwe chairo kupuraimari dziri kubata pamuviri izvi zvinoreva kuti vanenge vava kutoita bonde kare.

Zvino kana mwana aziva varume ari mudiki kudai zvinoita here kuti mubereki ape mwana uyu dziviriro yemimba nemakondomu kuti asabate zvirwere zvepabonde? Inhau yakaoma.

Beatrice Savadye mudzimai anomiririra kodzero dzevana anoti pane dambudziko remwana wekuShurugwi iro akasangana naro nguva yadarika. Mwana uyu ane makore gumi nemana uye achiri kuenda kuchikoro. Baba vemwana uyu vari kutosvimha misodzi chaiyo nekuti oramba chikoro achiti ava kuda kuwanikwa.

“Tine nhau yemusikana ane makore gumi nemana okuberekwa uyo oramba chikoro. Baba vake vakatizivisa uye vaitochema. Mari dzechikoro nemabhuku zvese vanazvo asi mwana oti ave kuda kuve mudzimai.

Mukomana wemwana uyu ane makore makumi maviri nerimwe uye akambotiza kumba akanogara naye. Baba vemusikana vakasungisa mukoma akatongwa apo akapihwa chirango chekushanda achibva kumba yavanoti pachirungu community service. Akatopedza uye musikana oti odzokera kumukomana, apa zvingabatsirike sei nekuti mwana apanduka?” Savadye akabvunza padandemutande reFacebook.

Vamwe vakapindura vachiti mukomana ngaasungiswe zvakare kusvika arun’a. Vamwe ndovakati mwanasikana ava kutoda kunamatirwa nekuti akaraira kuve amai naizvozvo haachakwanisa kuve mwana. Kumanikidza mwana uyu kuenda kuchikoro ritori dambudziko nekuti zvechikoro zvakatomubuda uye anonofurira vamwe vana vasati vaziva varume.

Vamwe ndovakati yadeuka yadeuka haihorerwi, asi veduwe zivai kuti muri kutaura nhau yemwana nemwoyo wekubereka.
Ndakazvitora ndikapinda mushangu dzababa ava, ndakanzwa kurwadziwa kwavo. Kuti zvakadai zvisaitike kune mumwe wedu zvakare ndinoona mwana achifanira kuve nehukama hwakatwasuka nemubereki. Panhau iyi handizivi kuti amai vake vapenyu here. Ndombotora sekuti havapo, zvinhu zvakangooma kuti baba vataure nemwanasikana nhau yemuviri nekukura.

Baba vanogona kunge vasina kuona kuti mwana ava kuita zvevakomana nekuti mwanasikana haawanzotauri kunyangwe nhau yekutevera nababa.

Handina kuzonzwa kuti mwana akazotizira here kana kuti baba vakakwanisa kuti adzokere kuchikoro.
Ngatitaure nevana vedu pane kuzochechuka mwana apedza nhau yekurara yese iwe semubereki wochida kumudzivisa. Zvinhu zvakaoma. Ngatipei vana chinangwa chekuda dzidzo nekuda nekuve neramangwana rekuti anozovei.

Wenyu:[email protected]

Share This:

Sponsored Links