Uncategorized

‘Ngirozi yangu inokuvadza’

17 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
‘Ngirozi yangu inokuvadza’ WENDY MATSIKA

Kwayedza

Daphne Machiri —
MUDZIMAI wekuHatcliffe, muHarare anoti ane ngirozi yenjuzu – kwete mweya – uye kana akatsamwiswa, hapabude chakanaka sezvo achidzosera moto nemoto (fire to fire).

Wendy Matsika (40) – uyo asina kuroorwa – anoti akatanga kubatwa nemweya wengirozi uyu achiri ndumurwa apo aiita Grade 5 achinzwa izwi raitaura naye kuhope.

“Ini ndine ngirozi yenjuzu inova yemhando yedona, inoda zvinhu zvakachena. Ngirozi iyi haidi varume vose-vose, inoda zvinhu zvinopenya kana kuti zve ‘bling bling’ zvakaita semabhenguro (bangles) nemhete uye haitodi zvetsvina,” anodaro.

Anoenderera mberi: “Ngirozi iyi haidi zvemishonga, inoda kunamata chete. Ndinogara nemupunga newaini mumba mangu izvo zvinodiwa nengirozi iri pandiri. Mupunga ndinoushandisa pakuchenura zvakaipa uye kazhinji ndinoupfumbata, ndonamata kana ndikangonyumwa kuti kune andibatira mushonga wakaipa.

“Ndinotoita fire to fire uye ngirozi iri pandiri haidi kutsamwiswa nekuti inokuvadza.”

Matsika anoti kana mumwe munhu akamushandisira mishonga yakaipa, anozviziva mushure mekunzwa mabayo pasi perimwe zamu rake.

“Kazhinji kunzwa kwandinoita kuti pane andibatira mushonga ndinonzwa mabayo pasi pezamu, ayo anobudira nekumusana. Ndipo pandinoita minamato yangu asi ndikatsamwa ndinoita fire to fire.

“Kunze kwaizvozvo, ndinofamba nechuma chehondo chine ruvara rwegreen icho chinodzivirira nekundirwira hondo dzeraramo,” anodaro Matsika.

Anoti pane nguva yavanomboenda kumadhamu akasiyana aine vamwe vake apo vanosvika vachipinda mumvura.

“Kana tasvika pangave padziva kana padhamu, tine anotikumbirira kuti tipinde mumvura uye handizivi zvimwe zvinozoitika nekuti pakarepo ndinobva ndasanduka kuva chimwe chinhu. Hatipinde mumvura umu tichifamba, asi tinoita zvekugwesha nemagaro kana kuzvonyongoka kunge nyoka,” anodaro Matsika.

Mukadzi uyu anotiwo pane chikafu chavanodya pavanenge vari pasi pemvura.

“Tine chikafu chatinodya asi handikwanise kutaura mhando yacho, madyiro amunongoita ndiwo atinoitawo tichifara,” anodaro Matsika.

Anoti rimwe redhamu raanomboenda iMazowe Dam, kuMashonaland Central. Anoti paanofamba kunzvimbo dzakaita semuguta reHarare, kana akasangana nemumwe ane ngirozi yenjuzu anozviziva kuburikidza nezvaanonzwa mumuviri wake.

“Ndinotonzwa kudyidzana kwemumweya (spiritual connection) kana kuzuzuma kuratidza kuti pane werudzi rwangu apa. Asi, zvakadaro, njuzu idzi hadzipindirane sezvo dziine marudzi akasiyana, yangu ndeyedona uye kune inonzi Ganyamatope ine hutsvina asi ichifarira kutamba nevana,” anodaro Matsika.

Anoti zvakare pane imwe nguva apo mwana wake akamborwara nemakumbo aive akazvimba kwemwedzi wose zvekutadza kuenda kuchikoro, uyo akazopona mushure mekunge arotswa zvekuita. Anoti mwana uyu akazopona apo akaenda naye kunonamatirwa kune imwe kereke.

“Ndakarota ndichinzwa izwi rainditaurira kuti mwana wako dambudziko rake rinopera nekunamata nekuti hurwere hwake hwaikonzerwa nechivanhu. Ini handaikwanisa kubatsira mwana wangu nekuda kwekuti dare rangu rengirozi yenjuzu rinotodawo kuyambutswa,” anodaro Matsika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey