Uncategorized

Ngozi tugu pashiri…Musikana wekuchekereswa opfuka ari gunguwo

02 Jul, 2015 - 20:07 0 Views
Ngozi tugu pashiri…Musikana wekuchekereswa opfuka ari gunguwo

Kwayedza

Kingstone Mapupu
KWAZIMUNYA kudunhu reMutare kwakaitika manenji nguva yadarika apo ngozi yemusikana akafa nekupondwa mugore ra1972 yakabudira pashiri yerudzi rwegunguwo ichataura kumhuri yanyakuponda zita rake zvose nemafiro aakaita. Mambo Zimunya, VaKiben Bvirindi (54), vanoti nyaya iyi yakatopinda mudare ravo mushure mekunge gunguwo iri raonesa moto mhuri yanyakuponda.

“Mudare rangu ndine nyaya inoshamisa, yengozi yakanobudira pasavara kana kuti gunguwo. Shiri iyi yakaenda kuvanhu ichiti ndiyo Susan Zengeni akafa nekupondwa. Yaimhoresa vanhu chikava chishamiso. Nyaya iyi yakazosvitswa kudare rangu uye haisati yapera kutongwa,” vakadaro Mambo Zimunya.

Mambo ava vanoti pavakanzwa nyaya iyi ichitaurwa vakambofunga kuti aiva manyepo ndokutuma machinda avo ayo akadzoka achiti ichokwadi.
“Gunguwo iri rakaenda kumhuri yekwaMuradzikwa iri kwaGombakomba richiti raiva Susan Zengeni uyo akapondwa nevanhu vekwaMuradzikwa vaaishandira muchitoro chavo,” vakadaro.

Shiri iyi inonzi yakaenda zvakare kumhuri yekwaZengeni kunova kuhama dzemufi ikanotaura zvimwe chete izvo zvakazoita kuti nyaya iyi ikwidzwe kwamambo.

“Kuno kuManyika zvinhu zvakadai hazvishamise, gudo, imbwa, tsuro kana imwe mhuka inogona kubatwa nemweya wemunhu kana kutumwa sechikwambo kunoreva pfuma kana chikwereti,” vakadaro Mambo Zimunya.

“Shiri iyi payakasvitsa shoko rayo, nyaya yave mudare rangu, haina kuzooneka zvakare. Ndakazounganidza mhuri yekwaZengeni ndokuvabvunza kuti vaiva nehama ine zita iri here vakabvuma vachiti vakangomushaya makore ekuma1970.”

Zvakazobuda mudare iri kuti musikana uyu aishanda muchitoro chemhuri yekwaMuradzikwa.
Dare ramambo rakanzwa kuti muridzi wechitoro ichi, uyo akashaika kare, nevamwe vake vakaponda Susan kuti vamuchekerese ndokubvisa mhuno nedzimwe nhengo dzemuviri pamutumbi wake.
Mutumbi wake vanonzi vakazonourasa musango kuHonde Valley.

“Mhuri mbiri idzi, yekwaZengeni neyekwaMuradzikwa, vakauya mudare rangu vakabvumirana kuti ngozi yakadaro iri kunetsa kwaMuradzikwa uye yapedza kuuraya vanhu, kusanganisira vacho vakapara mhosva iyi.”
Mapfupa aSusan anonzi ariko kuHonde Valley.

Mambo Zimunya vanoti mudare ravo makabuda kuti vemhuri yekwaMuradzikwa vanofanirwa kuripa ngozi yaSusan nemombe nomwe nembudzi uyewo kwobikwa doro apo mapfupa emufi anozonotorwa kuHonde Valley.

Mambo Zimunya vanoti chave kunetsa panyaya yengozi iyi ndechekuti vakaponda vacho vose nevana vavo vakafa.
“Nekudaro ini samambo ndakati vemhuri yekwaMuradzikwa vakasara vacho ndivo vachatoripa, ndakavati vaende vanotaurirana vozodzoka semhuri,” vakadaro.

Vanoti kune nyaya dzengozi dzine chitsama dzavari kutonga mudare ravo idzo dzakaparwa kare-kare nevamwe vaichekeresa mabhizimisi.
Vakayambirawo veruzhinji kuti kuponda munhu kuzvisikira moto muziso sezvo mweya wengozi uchizopedza dzinza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey