Uncategorized

Ngozi yakaripwa . . .

20 Feb, 2015 - 00:02 0 Views
Ngozi yakaripwa . . .

Kwayedza

ISAAC MHEMBERENGOZI yemurume wekuMadziva, kuMashonaland Central, uyo akapondwa nevanhu vemumhuri mbiri mugore ra1978 inonzi yakazoripwa sezvayaida – imbwa shanu, mombe 32, rekeni nenhava.

Ngozi iyi haina kuripwa nemukadzi kana nemari sezvinoitwa nedzimwe tsika.

Imbwa, nhava nerekeni zvakabviswa sezvo zvichinzi mufi aive muvhimi uye musi waapondwa aive nazvo.

Mweya wengozi yaBhaureni Chiimbira, uyo anonzi akapondwa nevarume vaviri – hama yepedyo yemumhuri yekwaChiimbira nasahwira wayo wekumhuri yekwaMhembere, uyo ava nemakore 70 okuzvarwa – ndiwo wakati unoda kuripwa nezvinhu izvi.

Mushakabvu aiitwa munin’ina nemumwe wevanonzi vakamuponda sezvo baba vavo vari vamwe chete, asi vakasiyana kwaamai bedzi.

Ngozi yemurume uyu inonzi yakabhebha izvo zvakaita kuti vari kupomerwa ava, wemumhuri yekwaChiimbira newekwaMhembere, varipe sezvaidiwa nemweya waBhaureni.

Pamombe dzose 32 idzi, hama yemufi yekwaChiimbira iyo yakabatsira mukuponda inonzi yakabvisa ina ndokudzipa ishe wavo, Mambo Mutumba, dzekuripa amai vemufi Bhaureni avo vakadzingwa pamusha mushure mekunge vabvunza kuti mwana wavo akanga aendepi. Vekwasahwira wacho Mhembere vakaripawo nemombe imwe chete nembudzi izvo zvakapihwa ishe.

VekwaChiimbira vakaripa mombe 19, ava vekwaMhembere ndokubvisa 13 idzo dzakazoita 32 dzose pamwe chete.

Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi musi wapondwa Bhaureni, mukoma wake akamushevedza mumunda umo aisakura naamai vake, Mai Jesi Kamudyariwa, ndokunomuponda aina sahwira uyu.

Ngozi iyi inonzi yakatanga kupfuta ichiuraya mombe nezvimwe zvipfuyo kumhuri yekwaMhembere, ukuwo kumusha kwemufi kwaChiimbira ichipedza vanhu zvisinganzwisisike, kusanganisira rufu rwevana vaviri avo vakaita tsaona nengoro.

Vamwewo vanonzi vaingofa vasina kurwara.

Mweya wengozi yaBhaureni unonzi wakaita chibvuribvuri kumhuri mbiri idzi kusvikira mwana wasahwira wekwaMhembere asvikirwa nemweya wemutorwa uchitaura zvawaida.

Ngozi iyi inonzi yakataura muripo wainoda, kusanganisira mombe, imbwa, mudzimai, nhava nerekeni sezvo pakauraiwa Bhaureni aiva nembwa dzake shanu idzo aifamba nadzo. Mombe dzose 32 dzakabviswa.

Akataurwa naye kumhuri yekwaMhembere, VaMark Ziumbwa (40), akatsinhira nyaya achiti mumhuri mavo mune akaponda Bhaureni achibatsirana nasahwira wavo wekumhuri yekwaChiimbira. Akati vakatopedza kuripa.

“Ndivo (wemumhuri mavo) vakapara mhosva iyi neshamwari yavo yekwaChiimbira. Ngozi iyi yakatanga kurwisa mhuri dzose kusanganisira kwedu nekwaChiimbira. Munin’ina wangu akangotanga kubatwa nemweya wengozi iyi vanhu vakazozvifambira,” akadaro Mark.

“Imbwa shanu dzakabva kwatiri isu vekwaMhembere dzikanogovaniswa mudzimba dzekwaChiimbira, mombe gumi nembiri dzikabviswa nesu. Mhuri yekwaChiimbira yakabvisa mombe gumi neshanu dzaisanganisira nhatu dzekutsiva mhandara yaidiwa nengozi idzo dzakazokwana 27 pamwe chete,” akadaro Mark.

Vanoitwa babamukuru naMark, VaIsaac Mhembere (75), vakatsinhirawo vachiti: “Mweya wemufi uyu wakatanga kubata kumwana wedu muno, ukarondedzera maponderwo akaitwa Bhaureni uchiti akaurairwa kudhibhi reKaziro. Vanonzi vakasiya mutumbi uyu uri pachena ndokuzovigwa nemumwewo munhu aidarika,” vakadaro VaIsaac Mhembere.

Vanotiwo ivo vakabvisa imwe yemombe dzakanoripa ngozi iyi zvisinei nekuti handivo vakapara mhaka yacho.

Mweya wengozi unonzi wanga uchibata pamwanakomana anonzi Daswess Ziumbwa (33), uyo anonzi pakangopedza kuripwa zvaidiwa, wakabva warega kubuda paari.

Muzukuru mumhuri yekwaMhembere, VaCaleby Mutsvairo (60), vanoti nyaya iyi yakazobuda apo Dasswess akaita makore maviri achiita seanorasika njere.

Vanoti vemhuri iyi vakazoungana mukupera kwa2014 ndokufamba kun’anga nekumaporofita.

“Sekuru ava (Dasswess) vakatosvika pakumboda kubaya munhu nepfumo ndokuzoguma vave kusungwa necheni vachinzi vaipenga. Panguva imwe chete iyi, Benjamin Mhembere, akazotangawo kubatwa nemweya uyu,” vakadaro.

“Mweya uyu waibuda pachena uchiti, ‘Ndini Bhaureni Chiimbira mwana wemuyera Shava amai vangu vari Thembo. Musandiise cheni ndakapondwa na*** Mhembere na*** Chiimbira.’”

Panguva yaibuda ngozi iyi, zvinonzi vaviri vakaponda ava vakambofenda zvisina kunzwisisika apo mweya uyu waivanongedza.

Ngozi iyi inonzi rimwe zuva zvakare yakamborovanisa vaviri ava misoro pamwe nekuvarova netsvimbo zvakaita kuti vabvume kuti ndivo vakange vaponda Bhaureni. Musi uyu, mumwe wevaviri ava anonzi akazviitira tsvina ari paruzhinji.

Senzira yekuedza kutsipika mweya wengozi uyu, sahwira wekuponda wekwaMhembere uyu anonzi akambogadzika ngozi iyi pamwanasikana wake achida kuti ave mudzimai wayo asi zvakashaya basa.

Uyuwo mukoma waBhaureni wekumuuraya anonzi akatumidzawo zita remufi kuhama yake, ndokumupa imbwa nedemo nemombe apo zita iri raibikirwa doro senzira yekutsipika mweya.

“Ngozi iyi yakatenge yaturikwa pamwana uyo akanga atumidzwa zita rekuti Bhaureni, vanhu vasingazive kuti zvakanga zvaitirwei,” vanodaro VaMutsvairo.

Pane imwe nguva, mweya wengozi unonzi wakaudza nyakuponda wekwaMhembere kuti asandure mutupo wake weSoko Murehwa onzi Shava Mutenhesanwa, unova mutupo wemufi.

“Hama dzakanga dzavati (sahwira wekwaMhembere) vachinogara kumhuri yekwaChiimbira sezvo vakanga vasandurwa mutupo izvo zvisina kuzoitwa nekuripwa kwakaitwa,” vakadaro VaMutsvairo.

Mweya unonzi zvakare wakaenda ukanoratidza vanhu panzvimbo yakavigwa Bhaureni apo pakawanikwa hembe dzaiva dzakapfekwa musi waafa asi mapfupa akashaikwa.

VekwaMhembere vanonzi vakatenga bhokisi raida kuvigirwa mapfupa iro rinonzi kusvikira nanhasi rakachengetwa kunzvimbo yemabhizimisi yeMadziva richimirira kuwanikwa kwemabhonzo acho.

Kune mashoko asina kutsinhirwa ayo anoti mukoma waBhaureni wekumuponda aina sahwira uyu akazochera mutumbi uyu usati waora akanouviga kumwe achishanda nen’anga. Pakatorwa mutumbi uyu zvinonzi pakasiiwa mbatya bedzi.

“Bhokisi iri rakachengeteswa kwatakaritenga tichimirira kuti Chiimbira ataure kuti paakatora mutumbi uyu nen’anga vakanouisa kupi. Mweya uyu sezvo wakashandisirwa mishonga hauchakwanisa kuziva chaiko kwakaendeswa mapfupa aBhaureni,” vakadaro VaMutsvairo.

Imwe nyaya iri kunetsa zvinonzi pakacherwa panzvimbo inonzi ndiyo yakavigwa Bhaureni paakapondwa, pakawanikwa paine mbatya dzaiva neropa zvaiita semunhu achangovigwa. Mbatya dzakafukunurwa muguva iri dzinonzi dzakanosungirirwa pamwe chete nedzimwe idzo dzaiva dzakachengetwa kumba kwake.

Guva raBhaureni rinonzi rakanga ratorohwa kare pakaitwa chivanhu ichi mweya wengozi uyu usati wabuda uye hazvizivikanwe kuti zvichafambiswa sei kana mapfupa ake akawanikwa sezvo pachivanhu achifanirwa achemwe patsva.

Musi unonzi wakagashidzwa mombe nembwa dzekuripa kumhuri yekwaChiimbira zvinonzi paiva nemapurisa uyewo makurukota aShe Mutumba.

Mombe dzakabviswa idzi dzinonzi dzakaendeswa kumba kwaFidelis Steven Chiimbira, uyo anova mwana kuna Bhaureni, uye dzakanzi ndedzemwana wake mukomana, Josbias Chiimbira (18). Jaya iri rakanzi richazoroora nadzo mumba make mozobuda zita remuchakabvu.

Mai Laiza Chiimbira (63), vanova mudzimai waFidelis, vakatsinhira kuti vane mombe dzakaripwa ngozi iyi.

“Hongu mombe idzi dziri pano, dzakapihwa mwana wangu mukomana asi hatisati tabika doro rekugashira. Zvave kunetsa nekuti dzimwe mombe dzacho shanu dzakatofa kare, hatizive kuti chii,” vakadaro.

Ishe Mutumba vanonziwo vakapihwa mombe yekusvibiswa kwedunhu ravo uye sahwira wekwaChiimbira aifambisa basa iri, Soda Nyamukondiwa, ndokupihwawo mbudzi.

Basa rose rekugashidzwa kwemombe dzengozi idzi rinonzi rakaitirwa musango apo pakavakwa dzimba dzematumba ehuswa.

Zvakadai, Ishe Mutumba vanonzi vari kuda kuripwa zvakare nekuda kwenyaya yekuti mapfupa aBhaureni ari kushaikwa uye varume vaviri vari kunzi ndivo vananyakuponda ava ndivo vakatarisana nekumira mudare.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nevarume vari kupomerwa uye vanonzi vakaripa ava sezvo vachinzi vakatama mudunhu iri.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Assistant Inspector Petros Masikati, vanoti vanoda nguva yekuti vaongorore mafambiro akaita nyaya iyi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey