‘Ngwarirai chirwere chechitosi’

12 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
‘Ngwarirai chirwere chechitosi’

Kwayedza

VARIMI vanochengeta huku dzenyama vanokurudzirwa kuti vangwarire zvirwere zvakaita sechitosi (coccidiosis) icho chinokanganisa kukura hwehuku zvakanaka uye chichiita kuti dzimwe dzife kana chikasadzivirirwa pachine nguva.

Mumwe mazvikokota anoona nezvekuchengetwa kwehuku, Muzvare Brenda Kandiyero, vanoti zvakakosha kupa huku kudya kunenge kuine mishonga inokuridzirwa yakafanana neinogadzirwa nekambani yeNational Foods nedonzvo rekudzivirira kuti dzisabatwe nechitosi ichi.

Chirwere ichi chinonzi chinokanganisa hura hwehuku dzenyama chinokonzerwa neutachiona hunonzi Eimeria protozoa.

Chitosi chinonyanyobata huku dzinenge dzichiri diki uye chinogona kuve dambudziko guru mukuchengetwa kwehuku, zvikuru mumwaka wekupisa kwekunze.

Utachiona hunokonzera chitosi hunowanikwa pasi pechirugu uye hunokwanisa kutapurirwa kubva kuhuku imwe huchienda kune imwe kuburikidza nekudya kana kuti nematosi anenge aine utachiona uhu.

Apo utachiona uhu hunopinda muhuku, hunobva hwawanda hwotanga kudya mukati mehura hwehuku izvo zvinokonzera kuti mubude ropa.

Zviri pachena kuti chitosi chinokonzera kuti pave nekudzikira kwehuku muchirugu sezvo dzisingazokwanise kudya zvakanaka izvo zvinodzoserawo budiriro kumashure sezvo huku dzinogona kuzobatwa nezvimwe zvirwere zvakare.

Zviratidzo zvechirwere chechitosi zvinosanganisira kuti huku hadzikwanise kudya kana kunwa mvura zvakanaka zvinoita kuti dzishaye simba, kusashambidzika apo manhenga anenge akamira uye dzinogona kuita matosi asingapere anenge aine ropa kana kuti asina.

Pamusoro pezvo, huku dzinogona kusanduka ruvara rwadzo, kuita matosi anenge furo kana chirwere ichi chadingindira pamwe nematosi eropa.

Zvakakosha kudzivirira chirwere ichi pane kuchirapa uye ichi ndicho chikonzero kudya kwekambani yeNational Foods Stockfeeds kwakagadzirwa nemushonga wekudzivirira utachiona weEimeria protozoa muhuku dzenyama.

Kupihwa nemazvo kwezvekudya zvehuku dzenyama zvinogadzirwa neNational Foods zvinoita kuti huku dzisabatwe nechitosi.

Varimi vanokurudzirwa kuona kuti zvirugu zvavo zvinogara zvakachena uye mvura pamwe nezvekudya zvakachena zvakare.

Huku dzinogonawo kupihwa mushonga wekudzivirira chirwere ichi uye kana chitosi chikataridza kuti idambudziko guru kuhuku, varimi vanofanirwa kutsvaga rubatsiro nekuchimbidza kubva kunyanzvi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey