‘Ngwarirai korera’

24 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
‘Ngwarirai korera’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
BAZI rezveutano nekurerwa kwevana rinoyambira veruzhinji kuti vatore matanho ekudzivirira kupararira kwechirwere chekorera (cholera).

Yambiro iyi inouya zvichitevera kufa kwevanhu vaviri nechirwere ichi, icho chakanyuka kune dzimwe nzvimbo dzenyika dzinosanganisira Chiredzi neChipinge.

Mashoko aya akataurwa nemutevedzeri wegurukota rebazi iri, Dr Aldrin Musiiwa, pamusangano wakavakaita nevatori venhau kumahofisi avo muguta reHarare nguva ichangodarika.

“Kune nyaya dzekunyuka kwechirwere chekorera idzo dzakaonekwa paRupangwana Clinic, kuChiredzi mudunhu reMasvingo, nomusi wa10 Kurume gore rino, kuchizoti nemusi wa14 mwedzi wekare paChinyamukwakwa Clinic, kuChipinge mudunhu reManicaland.

“Pari zvino munhu mumwe chete akaonekwa aine chirwere ichi kuMasvingo uye vanhu vatatu vari kufungirwa kuve nacho vari paChinyamukwakwa Clinic uye vaviri vakatorasikirwa neupenyu,” vanodaro Dr Musiiwa.

Vanoti pavanhu vatatu vakaonekwa vaine chirwere ichi kuChipinge, vakabvuma kuti vakambosangana nevanhu vainge vabva kumuganho weZimbabwe neMozambique, rekuChipinge, nomusi wa9 Kurume.

“Dunhu reChipinge rakatambudzwa nemafashamu emvura munguva pfupi yadarika izvo zvakasiya vanhu vakawanda vemunharaunda iyi vokundikana kuchengetedza utano dzakakwana. Vanhu vazhinji vari munharaunda iyi havana mvura yakakwana uye yekunwa yakachena nekuda kwemafashamu, zvikuru avo vari pedyo neMozambique. Zvakarewo, kune nyaya dzakawanda dzechirwere chekorera kuMozambique,” vanodaro.

Chikwata cheRapid Response Team chemumatunhu maviri aya chiri kuita ongororo maringe nechirwere ichi uye varwere vari kurapwa muzvipatara zviviri kuChipinge neChiredzi.

“Mishonga nezvimwe zvekushandisa zvakatoendeswa kumatunhu akasangana nedambudziko remafashamu. Bazi rezveutano, rakabatana nesangano reWorld Health Organisation (WHO) nevamwe vatsigiri, vakabatsira nezvekushandisa munyaya dzezveutano apo vakaendesa midziyo inobatsira vanhu mukurwisa manyoka mudunhu rimwe nerimwe uye sipo nemishonga yekuchenesa mvura, migomo nezvimwe,” vanodaro.

Dr Musiiwa vanokurudzira veruzhinji kuti vachengetedze nharaunda dzavo dzakashambidzika senzira yekurwisa zvirwere zvemanyoka.

“Vanhu ngavasiyane netsika yekuitira tsvina mumasango, edzai kuchera zvimbuzi. Mvura yese yamunonwa inofanira kunge yakaiswa mishonga kana mapiritsi ekuichenesa. Marara ose ngaaiswe mumabhini kana mumakomba uye michero nemiriwo ngazvitange zvagezwa musaiti madya,” vanodaro.

Vanokurudzira zvakare veruzhinji kuti vachengetedza mvura yekunwa mumigomo yakachena uye yakapfidigirwa pamwe nekumbomira kukwazisana nemawoko panzvimbo dzinenge dzakaungana vanhu.

“Kugeza mawoko chinhu chiri nyore uye zvakakosha zvikuru mukudzivirira zvirwere zvemanyoka, zvikuru mushure mekunge mapedza kushanyira zvimbuzi. Gezai mawoko nesipo nemvura inomhanya musati mabata kudya kana mushure mekubvisa vana minapukeni.

“Chikafu chamunodya ngachive chakabikwa zvekuibva uye kana muine fungidziro yekuti munharaunda menyu mune munhu ane chirwere chekorera, kasikai kuzivisa vezveutano vari pedyo nemi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey