Ngwarirai kuvimbiswa mabasa emanyepo

14 Oct, 2016 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Tinashe Chitunhu
NYAYA dzekutengeswa kwevanhu kunze kwenyika vachinoitiswa mabasa akaomarara pasina muripo kana kuti vachipiwa mubhadharo wepasi-pasi dziri kukurumbira zvakanyanya, zvikuru takatarisa madzimai nevana. Kazhinji kacho vanhu vanonoshandiswa pasina muripo vachimanikidzirwa kupinda munyaya dzepabonde, kuitiswa chipfambi, kuroodzwa kana kutobviswa dzimwe nhengo dzemuviri.

Varumewo nevakomana vari kupinda munyatwa yemhando iyi. Kutengeswa kwevanhu kunogona kuitika munyika yavari kana kuti vachiendeswa kune dzimwe nyika. Vanhu vari kutengeswa ava havakwanisi kupinda muchibvumirano asi kuti vanonyengedzwa nekuvimbiswa mabasa neupenyu hwakanaka uyewo chero vakadzidza vari panyatwa yekusangana nedambudziko iri.

Zvikonzero zvekutorwa kwevanhu vachinotengeswa zvinosanganisira matambudziko anenge achisangana nevanhu pakurarama kwavo sehurombo, nzara, kushaikwa kwemari, kushaya mabasa nekushaya ruzivo maringe nenzira kwadzo dzekushanya uchienda kune dzimwe nyika.
Kutengeswa kwevanhu kwakamira sei?

Gwaro reArticle 3(a) of the UN Protocol rinodzivirira kushungurudzwa kwevanhu nenzira dzakadai sekutengeswa vachishandiswa mabasa asina muripo, zvikuru madzimai nevana.  Rinotsanangura zvakare kutengeswa kunoitwa vanhu vachiendeswa kune dzimwe nzvimbo kana nyika uko vanonodzvanyirirwa vachishandiswa zvakaomarara pasina muripo.

Nyaya dzekutengeswa kwevanhu hadzisi itsva nekuti kunyangwe mubhaibheri zvinotsanangurwa zvichinzi Joseph akatengeswa nemadzikoma ake uye zvakaitikawo zvakare kuma14th Century munguva yehunhapwa apo vanhu vaitengeswa vachishandiswa zvakaomarara pasina muripo.

Mazuva ano, vari kutengesa vanhu vari kutora mukana wekunetsa kwemabasa uye vanoita izvi vachikwezva vanhu nekuvavimbisa mabasa akanaka pamwe nekuvabhadharira mari dzezvifambiso nedzemagwaro ekushanya kune dzimwe nyika akaita semavhisa.

Kana vachinge vaendeswa kune dzimwe nyika, magwaro aya vanobva vangoatorerwa pavanosvika kunyika idzi uye vanotyisidzirwa kuti vasataurire hama dzavo kumusha kuti vari kupi nezvavanenge vari kuita saka vanosara vasina sarudzo asi kutoita mabasa anenge aripo.
Vamwe vanogona kutengeswa kakapetwa asi muripo uchipihwa kuvatengesi.
Mutemo unoti chii?
Kutengeswa kwevanhu vachinoshandiswa mabasa asina muripo kune dzimwe nyika imhosva huru sezviri mubumbiro remutemo wenyika iro rinoti munhu ane kodzero dzekuchengetedzwa zvine chiremera nerusununguko rwekuti asave nhapwa kana kushungurudza neipi zvayo nzira.

Mitemo yemuZimbabwe inosunga vapari vemhosva idzi pasi pemutemo weTrafficking in Persons Act Chapter 9:25 (2014) neCriminal Law (Codification and Reform) Act Chapter 9:23, Immigration Act Chapter 4:02 neweLabour Act Chapter 28:01.

Vapari vemhosva dzerudzi urwu vanopihwa zvirango zvekugara mujeri kwemakore gumi kana kudarika kana kweupenyu hwose. Munhu wose anobatsiridza mukutakurwa kwevanhu vachiendeswa kune dzimwe nyika kana mukati menyika iyoyo achishandisa chisimba kana kutyisidzira nemanyepo anobatwa nemhosva zvakare.

Kunyangwe vaye vanobatsira munhu kuti ange achiwana magwaro emanyepo kuitira kuti awane nzira dzekuti ange achiendeswa kune dzimwe nyika kunoshandiswa zvisiri pamutemo anobatwa nemhosva, kusanganisira vanodhindha magwaro acho pamwe nekushambadza zvinhu zvinobatsira mukutengeswa kwevanhu.

Kunyangwe zvazvo Hurumende iri kuedza nepose painogona kuti inge ichisunga vanhu vari mubhizimusi rekutengeswa kwevanhu kuburikidza nemutemo, veruzhinji vanofanira kuziva nezvemitemo ine chekuita nekutengeswa kwevanhu uku vachinoshandiswa mumabasa akaomarara pasina muripo kana kuti vachipihwa miripo yepasi-pasi.

Vanoda kubatsirwa mune zvemutemo munokwanisa kutishanyira pamahofisi edu ari panhamba 17 Fife Avenue, Harare, kana kuridza nhare paHotline numbers dzinoti 0782 900 900, 0776 736 873. Toll free number: 08080131 kana kutibata padandemutande rinoti [email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey