Ngwarirai makonye: ZFU

06 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Ngwarirai makonye: ZFU

Kwayedza

SANGANO rinomirira varimi munyika reZimbabwe Farmers Union (ZFU) royambira kuti vangwarire dambudziko remakonye netumwe tumbuyu tunoparadza zvirimwa munguva ino yekunaya kwemvura.

Mashoko echenjedzo aya akataurwa naVaPaul Zakariya vanova ZFU executive director zvichitevera dambudziko remakonye ari kuparadza zvirimwa zvakaita sechibage kune mamwe matunhu enyika.

“Tine vamwe varimi vedu vekumatunhu akasiyana vakatarisana nedambudziko rekudyirwa zvirimwa zvavo nemakonye netumwewo tumbuyu, zvikuru kunzvimbo dzeMatebeleland, Masvingo neManicaland.

“Saka isu sesangano rinoona nezvebudiriro yevarimi tinoti ngavagare vakagadzirira nekuda kwedambudziko iri nekuti makonye anowanda zvikuru munguva yezhizha,” vanodaro.

VaZakariya vanoti zvakakosha kuti varimi vapote vachifamba muminda yavo kunze nemukati vachiongorora zvirwere nemakonye uyewo tumwe tumbuyu twakasiyana.

“Padambudziko remakonye iri hatitarise kuti chibage here, soya bhinzi kana zvimwewo zvirimwa nekuti makonye anodya zvirimwa zvose pasina kusarudza. Varimi vanofanirwa kuziva kuti makonye emhando yoga-yoga ane mishonga inoauraya zvinoda kuti vagoziva mishonga yacho yekutenga vorega kuenda kumakoronyera,” vanodaro.

Vanoti zvirimwa zvikasangana nedambudziko rekudyiwa nemakonye kubva zvichiri zvidiki zvinoita kuti goho ridzikire zvikuru izvowo zvinodzosera varimi kumashure mubasa ravo.

“Semuenzaniso, kana murimi aine munda wakatandavara hekita imwe chete webhinzi uyo anokwanisa kuwana matani gumi asi mukapinda makonye goho iri rinogona kudzikira kusvika pamatani matanhatu kana mashanu. Izvi zvinobva zvatadza kuwirirana nezvakashandiswa mukurima zvoreva kuti murimi anenge atorasikirwa,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti varimi vanofanira kushandisa mishonga yerukonye inokurudzirwa iyo vanotenga kuzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey