Uncategorized

Nhaka yekamba, matatya nezvikwambo . . .

08 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Nhaka yekamba, matatya nezvikwambo . . . GOODNESS CHIMETU

Kwayedza

— ‘handirambwe nemukadzi’

Kingstone Mapupu —
MURUME wekuChecheche, kuChipinge, ari kuita kuimba chaiko — achireurura kuti ane mishonga yaakapihwa senhaka nevabereki vake iyo inomuita kuti ashinhe nevakadzi vehukama nevamwe vemunharaunda asi vanhu ava vasina chavanoziva.

VaGoodness Chimetu (62), avo vanobva kwaMambo Garahwa, nemusi weChipiri svondo rino vakapotera kuKwayedza nekuchirongwa cheTilda Live Show icho chinoitwa panhepfenyuro yeStar FM vachiperekedzwa nemimwe “midziyo” yavo yebasa — matatya, mazunguzurwa, kamba, zihari rizere zvinhu zvine maziziso, mishonga, machira nemabhurugwa echikadzi hobho nefararira.

Onai vhidhiyo iyi:

Vanoti nhaka yavakasiirwa iyi yava dambudziko.

Musharukwa uyu akaratidza Kwayedza mabhurugwa echidzimai anodarika 40 emhando nemavara akasiyana achiti anoashandisa kushereketa nevakadzi vasingazive — kusanganisira vehukama nevamwewo.

Pamusoro pezvishongedzo zvemukati zvechidzimai izvi, aiva nekamba mbiri nematatya aidarika 35, mazunguzurwa — zvose zvipenyu — nehari mbiri dzaiva dzakamonerwa nemachira eretso dziine mishonga nezvimwe zvinhu mukati. Muhari idzi anoti ndimozve maanogarisa zvipfeko zvemukati zvechikadzi izvo zvaanoti zvinonotorwa kuvaridzi vazvo nezvikwambo.

MuziChangani bhegi dzvuku remurume uyu anotiwo ndimo munogara hungwanda-ngwanda hwemishonga, kusanganisira zvidhoma zvechirume zvine ndebvu zviviri, izvo zvaanoti anozvishandisa mukuroya.

Mutori wenhau uno paakadongorera muzibhegi iri, maziso ake akagashirwa nezvinhu zvaingopfakanyika, zvinosemesa kutarisa — ndokuzoona kamba mbiri dzaivamo nehari. Kusina chinguva adongorera umu, maziso ake akabva aita chadzimira.

VaChimetu vanoti matatya aya zvose nekamba zvinochengeterwa muzibhegi imomo, zvichiberekana zvirimo, ivo vachingozvipa hupfu pamwe chete nezvimwe zvikara zvavo.

Murume uyu anoti pamatatya aya, mumusha make mukafiwa kunobva kwabuda datya rimwe chete iro rinomuzivisa nezverufu vamwe vanhu vasati vaziva.

Anoti hakuna mukadzi anomuramba kana kupikisa kushereketa naye kana iye amuda nekuti “zvimwe zvose ndinoitirwa netunhu twangu”.

“Vakadzi vehukama – ana nhingi (achitaura nemazita) vekuChipinge nevekuno kuRuwa nekuHarare kwandiri kugara — ndinoita zvandinoda navo, vose vakadzi vangu. Kungoda kuvachipisa nekuvawachisa bedzi, hapana chandinowana uye havazondivhairira.”

Murume uyu anoti akasiirwa mishonga iyi nevabereki vake achinzi ndeyekuchengeta musha nekuti awane upfumi.

“Ndakasiirwa zvinhu izvi zvichinzi zvinoita kuti tiwane chikafu tichitora zvirimwa muminda yevamwe nekudzimba kwavo nekuitawo mombe dzakawanda. Vana ndine 9 nevamwe vemusango. Izvozvi ndine mudzimai ane vana 4 nemimba,” vanodaro VaChimetu.

Vanoenderera mberi: “Ndikafarira mukadzi wandisina zvivindi zvekutaura naye, zvidhoma zvangu zvinondibatsira zvichibva zvangoita — ndotodanana naye iye asingazive.

“Kuno (kuKwayedza) ndangouya nezvimwe zvidhoma asi zvimwe zviri kumusha, hazvidi kuuya. Pandinongoronga kukwira nazvo bhazi chete, zvinondirova haikona zvekutamba. Ndaona nhamo nekurohwa, izvozvi nzeve dzangu hadzichanzwa, dzakavhara nekurohwa nazvo.”

VaChimetu vanoti vakambotukana nemumwe muroora wavo nekuda kwemunda zvikazopa kuti arwiswe nezvinhu izvi zvatsamwa.

“Zvinhu zvangu izvi zvinonotora mabhurugwa evakadzi, zvouya nawo ayo ndinochengetera mudura, ndichizoaisa mubhegi. Kana ndave kuda kushereketa nemukadzi, ndinopfeka bhurugwa rake kumeso ndoenda kumba kwake uko gonhi rinosvikovhurika roga ini ndotopinda. Murume wake haamuke kusvikira ndapedza zvandinenge ndafambira – anorara hope dzekufa chaidzo, kuita kunge danda rehuni,” vanodaro VaChimetu.

Murume uyu akaburitsa mabhurugwa ane chitsama, mamwe ndokuayanika pajekerere muKwayedza kutsigira nyaya yake.

Asi tuvarume tuviri twainzi tudhoma haana kutuburitsa mubhegi rake uye akavhundutsira mutori wenhau uno achiti anogona kuita kuti arikitwe nezvidhoma izvi.

“Hakusi kuda kwangu, ndinongoda kubatsirwa chete, kwete zvekuti nyaya iyi ishambdzwe munhau. Ndakamboda kuzviuraya nenyaya iyi, muzukuru wandaida kuti azvitore azviramba.”

Kwayedza yakataura nedzimwe hama dzepedyo dzemurume uyu idzo dzisina kuda kuti mazita adzo aburitswe vachiti vari kushungurudzika zvikuru nekuda kwekushereketwa navo naVaChimetu.

Rangarirai Bundo Chigava (40), anove muzukuru waVaChimetu, anoti akaramba kusiirwa zvinhu izvi nasekuru vake.

“Sekuru vave kutambudzwa ne- zvinhu izvi, vakamboda kuzvisungirira mushure mekunge ini ndaramba kutambira mishonga yavo. Izvozvi mbuya, mudzimai wavo, vari kugara voga kumusha,” anodaro.

Anoti sekuru vake vaiva nemombe dzaisvika kuma 100 asi pari zvino vangosara ne12 sezvo humwe upfumi hwapera kuparara.

Murume uyu pari zvino ari kushandirwa nemumwe muporofita wekuChitungwiza — Madzibaba Stephen.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey