Uncategorized

Nhamo yekuripiswa ngozi

06 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Nhamo yekuripiswa ngozi

Kwayedza

MUKADZI wechidiki wekwaChikwaka, kuGoromonzi, anoti akaripiswa ngozi yainge yanetsa mumhuri apo aive nemakore 11 okuberekwa kunzvimbo yeMuzezuru, kuNyamapanda, uko akazopona nekutiza.Anoti akanoripiswa ngozi kumusha kwakaroorwa vatete vake mugore ra1999 uko kunonzi kune munhu akafa mutsaona yemotokari nevamwe 40 mushure mekushandisirwa mishonga nevemhuri yake.

Mukadzi uyu anoti baba vake vekumubereka ndivo vakawirirana nehama dzake kuti vanomuripisa ngozi yaive yavatambudza semhuri.

Ngozi iyi inonzi ndeye mwanakomana watete vake, uyo anonzi akashandisirwa mishonga kuti abheuke nerori yaaityaira iyo yakazourayawo vamwe vanhu.

Netsai Benny (28) wemubhuku raChibhamu anoti baba vake vakashandisa mukana wekunomuripisa ngozi sezvo vakanga varambana naamai vake.

Anotizve akazokwanisa kutiza kumhuri yaakanga anoripiswa ngozi iyi mugore ra2001 ndokuenda kumusha kwaamai vake.

“Vamwe babamudiki, munin’ina wababa, ndivo vanonzi vakashandisa mushonga wekuromba kumwana watete uyo aityaira rori akazoita tsaona ndokufira panzvimbo nevamwewo vanhu. Ngozi yakazotanga kupfuka kumusha kwedu babamudiki vachirohwa nevanhu vavaisaona kudzimara vanhu vakafamba vakanzwa nezvengozi iyo yakanzi yaida kuripwa nemhandara,” anodaro.

Tsaona yemotokari iyi inonzi yakaitika kuMelfort, mumugwagwa weHarare-Mutare, apo panonzi pakashaika vanhu wakawanda vaibva kumusangano wechechi. Rori rakaita tsaona rinonzi raityairwa nemurume ave kumuka ngozi uyu.

Sezvo Benny achiti aigara naamai vake, anoti baba vake vakazoudza amai vake kuti vaida kuti anoripiswa ngozi izvo amai ava vanonzi vakaramba.

“Baba vakavimbiswa nababamudiki vainge vapara mhosva iyi kuti vaizopihwa mari kana vabvuma kuti ini ndiendeswe kunoripa ngozi. Vakanditsvaga, ndikambotizira kwasisi uko ndaigara mumunda wefodya ndichivahwanda. Ndaipirwa kudya ndakahwanda mumunda umo.

“Mukoma wangu aipota achindinzvengesa kuti baba vasandiwane uyu akabva atanga kupenga (kurasa njere) zvikazoita kuti ndiwanikwe nababa avo vakanditora pamwe chete nehama dzavo ndokundiendesa kuNyamapanda kumusha kwemurume ari kumuka ngozi uyu,” anodaro.

Benny anoti paakaenda kunoripiswa ngozi, haana kuziviswa nezvenyaya iyi sezvo akangonzi aienda kunogara natete vake.

“Vanhu vanosanganisira baba, babamudiki vaye vekupara ngozi natete ndivo vakaenda neni. Takasvikopinzwa muimba yehuswa nemapango apo vanababa vangu vari ivo vakasvikouchira vachibvuma mhosva yekuuraya munhu vachiti vainge vaunza mhandara yekuripa.”

Anoti zvakare musi uyu akasvikogariswa pabonde paiitwa zvirango.

“Ndiri ipapo, ndakafugidzwa nejira dzvuku nereblue raiva neruvara rweblack mukati apo vaideketa,” anotsanangudza Benny.

Anotizve akazosara ikoko apo babamudiki vake vakadzoka ndokusiya vamuvimbisa kuti vaizomutengera mbatya dzekudzokera kuchikoro.

“Husiku hwatakasvika, ndakarara natete ndokuzoendeswa kune vamwe vana vadiki mushure memazuva. Ndakazogumisira ndave kurara ndoga,” anodaro Benny.

Anoti akazotanga kufudziswa mombe nehwai apo anoti aiswedzwa nenzara.

“Ndakazotiza mushure mekupihwa mari nevamwe amai vandaimenyera chibage, ndikasvika kuHarare ndikaenda kumusha uko ndisina kunogara kwenguva refu ndichibva ndatizira kumurume.”

Mukadzi uyu anoti akazorambwa nemurume uyu ava nevana vatatu nekuda kwengozi iyi uyewo anorota achishereketa nevarume vaasingazive.

“Ndinoitwa mukadzi nevarume vakasiyana ndiri kuhope. Ivo baba vangu vanouyawo kuhope vachindiita mukadzi zvekutosara nyama dzangu dzave kurwadza, kusanganisa mudumbu,” anodaro.

Anoti kwose kwaanonozvitsvaga anonzi mudzimai wengozi, nekudaro anoda kubatsirwa kubvisa ngozi yaakaturikwa iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>