Nhare dzeWhatsApp kuzrp Support Unit

23 Jan, 2015 - 09:01 0 Views

Kwayedza

KAMBANI inogadzira nharembozha, yeBusiness Optimization Sytems – iyo inozivikanwa seBos – svondo radarika yakapa nharembozha shanu dzerudzi rweBOS Immerse X4 dzekushandisa paWhatsApp kumadistricts mashanu emapurisa eZimbabwe Republic Police Support Unit kuChikurubi.

Chipo ichi chinotarisirwa kubatsira zvikuru pakushambadza nekurwisa kuparwa kwemhosva munyika. Nharembozha idzi dzakapihwa kumadistricts anoti Chikurubi Urban (Greater Harare), Fairbridge (Matebeleland North neSouth), Buchwa (Masvingo neMidlands), Changadzi (Manicaland neMashonaland East), Chikurubi Rural (Mashonaland Central neWest).

Muhurukuro nevanoona nezvekushambazwa kwenharembozha nekutengeswa kwadzo kuBos, VaRonny Neshamba, vanoti kambani yavo yakatora danho iri nechinangwa chekubatsira kurwisa kuparwa kwemhosva munyika.

VaNeshamba vanoti kazhinji vamwe vanhu vanoona mhosva dzichiparwa asi kuti vamhan’are zvovaremera sezvo dzimwe nguva vanenge vasina mari yekufonera mapurisa kana kutya kuzokanganiswa nevapari vemhosva.

Vanoti kushandisa WhatsApp kwakareruka uye nharembozha idzi dzichabatsira kuti mashoko ekuparwa kwemhosva asvike kumapurisa nyore.

“Isu sekambani takaona zvakakosha kubatana nemapurisa kuti tirwise kuparwa kwemhosva nekuvapa nharembozha dzekushandisa WhatsApp idzo dzichabatsira kuti mapurisa ange achikurukura neveruzhinji zviri kuitika munyika.

“Kazhinji tinoona kuti vanhu vanogona kutya kumhan’ara mhosva kana ichiparwa kuburikidza nekufonera mapurisa asi neWhatsApp unongotumira mashoko muchihwande zvobatsira kuti mapurisa vasvike paparwa mhosva nekukasika,” vakadaro VaNeshamba.

Assistant Provincial Relations Liaison Officer weZRP Support Unit, Assistant Inspector Sisa Masengu, vakatenda zvikuru kambani iyi nerubatsiro urwu vachiti boka ravo range riine nharembozha imwe chete inoenda paWhatsApp iyo yaishandiswa Zimbabwe yose.

“WhatsApp yakanaka chaizvo uye yakareruka zvikuru. Zvataitirwa neBos zvichatibatsira mukurwisa kuparwa kwemhosva uye kushambadza zvirongwa zvedu,” vakadaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey