Nharembozha dzobatsira pakurima

16 Apr, 2015 - 00:04 0 Views
Nharembozha dzobatsira pakurima

Kwayedza

KUPARURWA kwechirongwa chekushandisa nharembozha nevarimi pakudyidzana nekupanana mashoko akakosha kunonzi kwava nezvibereko sezvo vave kukwanisa kuwana zvavanoda nenguva.

Sangano reEMkambo — Musika rakaparura chirongwa chekupa mashoko kuvarimi vachishandisa nharembozha nguva pfupi yadarika. Zvakadai, kubva pakaparurwa chirongwa ichi chinodaidzwa kuti eMkambo Agricultural Mobile Application, varimi vanonzi vari kubatsirikana zvikuru nekuwana ruzivo runosanganisira mitengo yezvirimwa, nzvimbo dzinenge dzichidiwa zvirimwa zvavo pamwe nemhando dzembeu nenguva yadzinorimwa.

Chamangwiza wesangano iri, VaCharles Dhewa, vanoti donzvo ravo ndere kusimudzira mabasa ekurima kuburikidza nekuwanisa varimi ruzivo rwakakodzera.

“Tine mahofisi kumaguta ose nekumadhorobha uko vashandi vedu vanofamba vachiona mamiriro anenge akaita mitengo yezvinhu nekunzvimbo dzinenge dzichidiwa zvirimwa zvakasiyana. Varimi vedu vanongotsvaga masaisai edu panharembozha dzavo vowana zvose zvavanoda, kureva kuti murimi haachabirwa,” vakadaro VaDhewa.

Vakapa muenzaniso wekuti varimi vazhinji vanobirwa zvirimwa zvavo nemakoronyera anoenda kwavari achivatengera nemari shoma zvikuru nekuti vanenge vasina ruzivo rwakakwana.

“Semuenzaniso, munoona kuti nguva inowanda matomatisi kana dzingava mango nezvimwe zvirimwa, varimi vose vanogona kumhanyira kumusika weMbare kunova kwavanoziva chete kana kuSakubva kwaMutare.

‘‘Asi isu tinovazivisa kuti vaende kumisika ine vanhu vatinenge tataura navo vonovatengera nemari yepamusoro,” vakadaro.

Vanoti mubasa ravo, vanoshanda nenyanzvi dzezvekurima pamwe nevemamiriro ekunze.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey