Nhetembo dzetsika nemagariro akare

20 Oct, 2017 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —

UGO hwamadzinza aVaShona ibhuku rine nduri dzechinyakare. Mubhuku iri nhetembo zhinji dzirimo dziripo pakusimudzira tsika namagariro aVaShona pasichigare. Munobudiswa tsika dzemutambidzanwa dzaikosheswa navakuru vedu dzinosanganisira kuvhima, kusuma doro, kupira midzimu, wanano nezvimwewo.

Bhuku iri rinopa muono kuvana kuti vakwanise kuona kuti manyepo chete aibudiswa nembongorori dzechichena dzaitsanangura kuti vanhu vatema havana nhoroondo yeupenyu, mutauro, dzidzo, chitendero pamwe netsika namagariro zvakajeka.

Nhetembo dzirimo dzinosimudzira tsika namagariro echitema zvinove zvinobudisa kuti vanhu vatema vakagara vaine maitiro avo akajeka, uye aienderana nemararamiro avo.

Madingindira mazhinji anobudiswa munhetembo dziri mubhuku iri ndeanoti:

Mhiramudzimu

Kusuma doro

Rairo/kuraya

Bembera

Ndyaringo

Rufu

Mibvunzo nemhinduro

1. Kubva munhetembo dzechinyakare tinodzidza zvakawanda pamusoro peupenyu netsika dzechinyakare. Tsigira pfungwa iyi zvizere uchishandisa nhetembo shanu kubva muzvikwata zvishanu zvakasiyana. [25]

Kutambira hombarume — Mufakose, p.17; kubva muchikwata chenhetembo dzemadzinza. Munhetembo iyi nyanduri anotenda muvhimi auya neusavi kubva mumasango. Tinodzidza kuti vanhu vaitendwa kana vaita basa guru pachishandiswa mazita emadzinza nezvidawo zvavo sokuti, “. . . Shava,” “. . . mwana waShirichirima.”

Kana munhu aita zvakanaka mbiri nokutendwa zvaipiwa vedzinza nokuti ndivo nhungamiri pakuita mabasa akasiyana.

Kuraya, p.45; kubva muchikwata chenhango dzapadare kana mudumba apo tinoona mbuya vachirayira muzukuru wavo, Raviro ava kunoroorwa kuti agone kubata murume wake zvakanaka sezvo uriwo mupfuhwira mukuru. Anoudzwawo zvokusaita mukugarisana nehama dzemurume zvakaita semakuhwa, kuba neunzenza.

Tinodzidziswa kuti pasichigare vanambuya vaiva nebasa rokuraya vazukurusikana sezvo varivo vaikwanisa kutaura zvinorema kuvanasikana.

Tinodzidzawo kuti rudo harwutengwi nemushonga werudo unonzi mupfuhwira, asi rudo rwechokwadi ndiwo mushonga wekuti mukadzi adiwe nemurume wake zvakanyanya.

Kutura chimutsa’mvi, p.48; kubva muchikamu chinonzi Kupira midzimu apo nyanduri anopira vadzimu kuti akanotora mumwe mukadzi nokuti waainaye achembera kuburikidza nokudira doro kumidzimu yake kuti ione kuti anoteerera zvirango zvetsika.

Tinodzidza kuti vanhu vaitendera muchitendero chekuti chose chaiitwa chaifanirwa kuziviswa vadzimu kuti vagotungamirira. Tinodzidziswa nyaya yebarika raiunzwa nekuda kwekuwana mukadzi anonzi chimutsa’mvi aiva mwana wehanzvadzi yavahosi.

Kurumwa nechokuchera, p.60 – chikwata, Kurova bembera – tinoona nyanduri achirova bembera kumunhu aizvikudza nekushandisa mishonga zvino yava kumudzokera sepanonzi, “Wakati uri muzivi, nhasi uzivi hwako hwakupindukira.” Izvi zvinoreva kuti mudetemberwi akafunga kuzvigadzirira zvinhu zvokuzvidzivirira nazvo asi zvazomudzokera.

Tinodzidza kuti kare vamwe vanhu vaitsvaga makona nezvitsinga zvokuzvidzivirira nazvo, asi kumagumo zvaizovakuvadzisa kana kupinzisa mhuri dzavo mumatambudziko.

Share This:

Sponsored Links