Nhomba yebonde yakadai inosembura

26 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
Nhomba yebonde yakadai inosembura

Kwayedza

Catherine Murombedzi
TSVUTUGADZIKE yese inopisa kana uchiinwa, unonwa uchifuridzira nekuti unenge uchitya kutsva mukanwa. Vana vadiki vanotarisira kutungamirirwa nevakuru kwete kupinzwa mudariro remutambo webonde nemunhu wavanenge vakatarisira semubereki.

Pazvinonzi regai dzive shiri mazai haana muto kutaura kwakadzamisisa kwakanangana neni newewo zvakare kusingadi kupoterera nepane mudimbudzirwa nekuti mangwana ucharebesa rwendo rwako rwehupenyu izvo zvinounza kukungura nekuchema wawira muna taisireva.

Mumwe mukadzi ane makore 38 ekuberekwa svondo rapfuura akawanikwa aine mhosva yekubata vakomana vaviri vane makore gumi nemana negumi nemashanu chibharo.

Amai ava vanonzi Faith Gona vanorarama neutachiona hweHIV vakatongerwa kugara muchitorongo kwemakore makumi maviri.

Inhomba rudzii kubata vana vasati vakura chibharo uye chinotyisa ndechekuti vaibhadharwa kubata kwavaita chibharo vana nemari yaibvira pa$3 kusvika pa$5 pamusoro pacho vachipihwa hembe dzaibiwa nevakomana ava kudzimba dzavo.

Dare rakaudzwa kuti Gona akaita bonde nevakomana ava kasingaverengeki zvekutoti mupfungwa dzake aitovaona sevarume vake.

Zvakadaro, Gona  akamboedza kuzvidzivirira nekutaura kuti haangaite zvakadaro nekuti ane murume uyo akati anogara aripo.

Chinhu chinofadza nemutemo ndechekuti iwo pachawo ibofu asi unoona murima.

Gona akadaidza waakati murume wake uyo ainge auya kuzomukotsvera panyaya yake asi zvese zvakakona n’anga murapwa achida nekuti vakabvunzwa zuva ravakaroorana, kwavakaroorerana kwacho uye kuti muchato wacho wakamira sei vakatadza kutaura zvakaenderana.

Mumwe wevakomana aibatwa chibharo naamai ava akaratidza kuziva muviri wavo apo akataura pamberi pedare kuti vane chinyorwa pagumbo (tattoo) icho akaona paaita bonde navo.

Rine manyanga hariputirwe, kuita kwakaipa uku kwakabuda apo ambuya vemumwe wevakomana aibatwa chibharo vamubvunzisisa pamusoro pekushaikwa kwehembe mumba mavo ndipo paakataura zvese zvaitika.

Nyangwe zvakataurwa mudare kuti pese paaibata vakomana ava chibharo Gona aishandisa makondomu, asi tinoziva kondomu rinogona kubvaruka zvinogona kuti vakomana ava vatapurire utachiona hweHIV.

Nyaya huru inoshungurudza ndeye kudzidzisa vakomana ava bonde nguva isati yakwana, vachazviregedza here izvi zvavaziva zviri mberi kwehupenyu hwavo, ndiwo mumwe mubvunzo.

Chechipiri, ndechekuti amai ava vasiya vakomana ava hupenyu nehutano hwavo hwava panjodzi nekuti zvichanetsa kuregedza zvavaziva bonde.

Pakashaikwa anogara pasi nekutaura navo zvakasimba yatinoti pachirungu counselling kuti guyu kutsvuka kutsvuka zvaro mukati rizere masvosve nekuti mhedzisiro kuzotapurira utachiona hweHIV vachine mukaka pamhino.

Ngaive chenjedzo kune munhu wese ari kurarama neutachiona hweHIV neasina kuti nhomba haipedzerwe pandumure.

Gona ana gona wake sezita rake mudzimai uyu rekuti Gona akagonekwa nemutemo uyo waratidza kumunhu wese kuti ukachachura zviri pamoto unotsva mukanwa ukazotadza kudya zvakare. Chimwe chinhu chinonyadzisa nevapari vemhosva dzakadai unonzwa vachiti handiite zvakadaro nekuti ndine mudzimai kana murume.

Ngatichengetedzei vechidiki, ndivo vabereki nevatungamiriri vamangwana tisavazore nekuipisa hutano hwavo nezvatinenge tavatapurira ingave HIV kana zvimwe zvirwere zvepabonde.

Share This:

Sponsored Links