Nhoroondo yemurimi mudiki

14 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Nhoroondo yemurimi mudiki

Kwayedza

Buhle Nkomo —
“NDAKATANGA kurima fodya ndiine makore 23 okuberekwa. Makore matatu andarima fodya ange azere nekushanda nesimba pamwe nekuzvipira. Kurima fodya kune pundutso,” anodaro Simbarashe Nyakurimwa (26) uyo anorima fodya ari kuBindura kupurovhinzi yeMashonaland Central.

Nyakurimwa akatanga kurima fodya mushure mukuenda kumisangano yezvekurima yaiitwa pakambani yaaishandira.

“Kuve kwangu pakambani yaiita nezvekurima kwakandikurudzira kuti nditange kurima fodya. Ndaiwanza kufamba nenyanzvi dzezvekurima (agronomists) idzo dzaidzidzisa varimi. Uku ndiko kudzidza kwandakaita kurima fodya,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Nekuda kweruzivo rwangu, kurima kwangu fodya kuri kuvandudzika nekufamba kwenguva. Gore rino ndakakohwa fodya ingangosvika 3 500 kgs kubva pamunda wakareba hekita imwe chete nechidimbu. Mari yandakatengesa fodya nayo yaive pakati pe$1.10 ne$5.10 pakg. Gore rapera, kubva pamunda mumwe chete, ndakakohwa fodya yairema makgs ari pasi pe2 000.”

Nyakurimwa anoti chimwe chakakosha pakurima fodya kudyara nenguva yakatarwa uye kutevedzera zvinodiwa pakuirima.

“Panofanirwa kungwarira pakuita mibhedha yembeu yefodya nekuti hudyi nezvirwere zvinogona kuwanikwa panguva iyi izvo zvinozodzikisira mhando yefodya pakukohwa. Murimi anofanira kunge achigona kurwisa hudyi nezvirwere kuitira kuti chirimwa chake chikure zvakanaka.

“Mishonga pamwe nefetereza zvinofanira kuiswa zvine mwero sezvo kana zvikawanzwa zvakare zvinokanganisa hunaku hwefodya. Muchidimbu, zvakakosha kuti murimi atore ivhu rake roongororwa nenyanzvi dzezvekurima,” anodaro Nyakurimwa.

Anoti kubva pamari yaari kuwana mukurima, ari kusimudzira basa rake mune zvakasiyana zvakaita sekuvandudza madhirihora ekupisira fodya.

Mashoko ake anotsinhirwa naMichael Tigere (29) uyo anorimira ari kuMvurwi achiti zvakakosha kutevedzera zvose zvinodiwa pakurima fodya.

“Kurima fodya kunoda kutevedzera zvose zvinodiwa. Hapana zvekudimbudzira. Ndinoronga uye ndogadzirira nguva ichiripo,” anodaro Tigere.

Anoenderera mberi achiti, “Kugadzirira mumunda nekurima pamwe nekuitwa kwemibhedha yembesa kwakakosha zvikuru. Kufiritwa kwembeu kunofanirwa kuitwa kubvira pakutanga ichifeswa.

“Mishonga yekudzivirira muchenje inoiswa mazuva matatu mbeu isati yafeswa. Kana mbeu yafeswa mumubhedha, inofanirwa kugara ichidiridzwa kwemazuva anoverenga kuchizotevera kuisa fetereza yepamusoro.” Mbesa dzinokwanisa kubviswa masaka mushure memwedzi miviri. Kucharika rimwe rematanho aya kunogona kudzikisa goho pamwe nemhando yefodya inozokohwewa.

“Pakurima fodya, kudzidza hakuperi.

Ndinokurudzira vamwe varimi kuti vaende kumisangano inoitiswa neveTIMB vakabatana neveAGRITEX kana mimwe inoitwa kunzvimbo yeKutsaga,” anodaro Tigere.

“Ndinoshanda pamwe chete nevarimisi vemudunhu redu veAGRITEX kana ndikaona zvandisina ruzivo nazvo zvave kuitika pafodya yangu. Mumakore mashanu andarima fodya – kunze kwekuwana raramo – ndakwanisa kutenga rori yangu yemhando ye2 tonne truck, chimudhudhudhu nemuchina wekukuyisa dovi izvo zvinondiwanisa imwe mari. Ndinokurudzira vamwe varimi kuti vaite zvimwe chetezvo uye vatange kurima fodya,” anodaro Tigere.

Zvakadai, kambani yeTIMB inokurudzira varimi kuti vanyorese kurima fodya mumwaka wa2017/2018 pamwe nekupinda misangano yakasiyana yainokotsvera kumatunhu ari kumativi mana enyika.

Kana pachine madzinde efodya asati aparadzwa kana kuti ari kudungira nekuda kwezvikonzero zvakasiyana, varimi vanokurudzirwa kuti vaparadze madzinde aya nekukasika.

Kuti munzwe zvakawanda ridzai nhare kumahofisi eTIMB panhamba dzinoti 08677004624/6, 0772145166/9, 0279-22082/21982, 025-3439, 067-24268/29246, 0277-2700, 064-7280 ne0271-6772.

Munogona kutibata pamanhamba eToll Free zvakare anoti 08006003 / 0731999999 / 0712832804.

Kana padandemutande rinoti: [email protected]

Share This:

Sponsored Links