Njuzu chaiyo kudya zviwitsi nemabhisikitsi?

13 Jun, 2014 - 00:06 0 Views
Njuzu chaiyo kudya zviwitsi nemabhisikitsi?

Kwayedza

kwayedza
NYAYA dzen’anga nemaporofita enhema dziri kugara dzichibuda munhau nguva nenguva, apo veruzhinji vanenge vachipihwa yambiro kuti vangwaririre vanhu vakadai, zvisinei nekuti kune vamwe vanoramba vakaisa zvimiti munzeve. Kune vamwe vanhu vakagarira kudya zvemarema kuburikidza nechikuruku. Zvinorwadza kunzwa kuti vanhu vachiri kudyirwa mari neupfumi vakasvinura sematemba nemaporofita nen’anga dzenhema. Muenzaniso wakanaka ndewe imwe nyaya yatinayo svondo rino, iyo yakaitika kuChirundu, yemhuri inonzi yakabva kuMasvingo ikaenda kurwizi rwaZambezi nen’anga ichida kunoburitsa hama yavo iyo inonzi yakatorwa nenjuzu apo yaive pabasa makore manonwe adarika. Vanhu ava vainzi munhu uyu achiri mupenyu murwizi umu. Sekutaura kwevemhuri iyi, n’anga yavakatora yakavati hama yavo aive achiri mupenyu ichiti akatorwa nenjuzu uye aikwanisa kumuburitsa ari mupenyu kumba mumvura. Vanhu vakazvibvuma.

Mhuri iyi yakatengeswa zvinhu zvakasiyana-siyana nen’anga iyi zvinosanganisira zviwitsi, mabhisikitsi, doro rechirungu nemachira. Zvinonzi zvimwe zvacho zvakanokandwa murwizi urwu sezvainge zvarehwa nen’anga iyi zvichinzi ndiko kuti njuzu yacho iburitse hama yavo ari mupenyu. Chimwe chikafu chakatengwa chakadyiwa nechaunga chakarara pasango vachiita bira, n’anga yacho ichitodzikisa doro remumabhodhoro. Inonzi yakazoguma yararadza.

Mhuri iyi yakaita mazuva maviri iri kumahombe-kombe erwizi Zambezi apo n’anga iyi yaivimbisa kuti hama yavo ichabuda izvo zvisina kuzoitika. Doro nezviwitsi zvimwe zvainge zvayedzwa nemvura. Semaonero edu, n’anga iyi yaitamba nepfungwa dzevanhu vemhuri iyi. Hongu, kubvira kare nyaya dzenjuzu dzakagara dziriko uye pane chivanhu chinotevedzwa kana munhu achinzi atorwa.

Asi, munyaya iyi chinoshamisa ndechekuti zvinonzi kwapera makore manonwe munhu uyu any’ura murwizi uye pakadai apa zviri pachena kuti haangabude ari mupenyu, hazviite. Chimwezve chinopa mibvunzo yakawanda panyaya iyi ndechekuti mhuri iyi yakanzi itenge zviwitsi, doro rechirungu pamwe nemabhisikitsi kuti zvinopihwa kufadza njuzu.

Pasichigare chikafu chechirunga chaakange zvisiko asi njuzu dzaiveko, dzichingotora vanhu. Njuzu dzaikandirwei kuti dziburitse munhu ari mupenyu? Mabhisikitsi nezviwitsi? Izvi zvinoburitsa pachena kuti n’anga iyi yaingopedzera mhuri iyi nguva yavo pamwe nekuidyira pfuma.Sekutaura kwevemhuri iyi, vakashandisa mari inodarika US$400 pakuhaya motokari kubva kuMasvingo vachienda kuChirunda pamwe nekutenga zvimwe zvaidiwa pachiitiko ichi.

Izvi zvinoreva kuti mari yakashandiswa iyi zvakangofanana nekuikanda murwizi muna Zambezi nekuti hapana chakabuda.
Chimwe chinoshamisa ndechekuti mhuri iyi ichiri kuvimba kuti hama yavo mupenyu uye vari kuda kuzodzokera zvakare kuChirundu vava neimwe n’anga nechinangwa chimwe chete. Kurudziro yedu ndeyekuti veruzhinji vanofanira kungwarira maporofita nen’anga dzenhema nekuti vanogona kudyirwa pfuma yavo nechikiribidi zuva rakacheka nyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey