Uncategorized

njuzu yakapfeka bra mumba

03 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
njuzu yakapfeka bra mumba

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
MUKADZI anogara mumusha weZengeza 2, kuChitungwiza, nemusi weChipiri svondo rapera akaridza mhere yakaita kuti veruzhinji vaungane pamba pake, apo anoti akapinda muimba yake yekurara ndokusangana nemanenji – njuzu yaive yakapfeka bhodhi (bra) yakagara pamubhedha wake.

Mashura aya anonzi akaitika ari masikati panhamba 11 Gunguwo Road.

Kwayedza yakashanyira mukadzi uyu – uyo anongoda kuzivikanwa saMai Taku (24) – akatsinhira nezvemasaramusi aya.

“Ingotii Mai Taku, handikupei zita rangu rizere nekuti pane zvinozokanganisika pakubatsirwa kwandiri kuitwa.

“Ichokwadi, ndakaona njuzu pamubhedha wangu iri yechikadzi yainge iine vhudzi rakaita seremurungu rakatsvuka asi rainge rakareba zvekuvhara chipfuva. Mutumbi wayo yakaenzana neni asi yakaita semurungu, iine besu rakaita serehove yemhando yebream uye yainge yakapfeka bhodhi,” anodaro Mai Taku.

Anoti paakaona njuzu iyi, akambofunga kuti airota, asi ndokuzoona kuti izvi zvaitoitika zuva rakacheka nyika.

“Njuzu iyi haina zvayakataura neni asi kuti yakangonditarisa kumeso. Pandakaitarisawo,yakabva yangonyangarika. Ndipo pandakaridza mhere vanhu ndokuungana pamba pano asi havana chavakaona.”

Mai Taku – uyo anopinda chechi yeRoman Catholic – anoti achikura akataurirwa kuti ane mudzimu kana kuti chivanhu chiri paari chinoda kugadziriswa asi iye aipikisana nazvo achida zvekunamata.

“Kumusha kwedu ndekwaMasembura, kuBindura, uye vabereki vangu vese vakashaya muna 1992 ini ndichiri mudiki. Pandaive kuchikoro, ndaiita dambudziko rekungodonha saka mukufamba ndimo mataiudzwa kuti ndine shavi rinoda kugadziriswa asi ndaizviramba.

“Aka ndekekutanga kuona njuzu asi ndaingorota ndiri pasi pemvura zvekuti kana nanhasi ndinongorota zvimwe zvinhu,” anodaro.

Mukadzi uyu anoti musi waakaona yaanoti injuzu iyi, murume wake akashevedza vamwe sekuru n’anga avo vari kuvashandira.

“Sekuru vari kutibatsira vakati tisataura nezvenyaya iyi, kune vamwe vakatombouya tikaramba kutaura navo. Vanoti zvinokanganisa kubatsirwa kwedu.

“Ndinotenda kuti varidzi vepamba patinoroja vakazvitambira nekuti tingadai takadzingwa nekuungana kwakaita vanhu pano,” anodaro achikumbira kumutori wenhau uno kuti nyaya iyi isabude muKwayedza.

Mai Taku anoti nyaya yechivanhu chiri paari akatanga kuiziva aine makore 15 ekuberekwa apo aiita Form 2.

“Hapasisina zvekuita, ndave kutambira nyaya dzechivanhu idzi nekuti vari kundishandira vanoti kana tikaramba tichizviramba, njuzu iyi ikadzoka kechipiri inogona kundiuraya nehasha. Vanoti apa yakatouya sechiratidzo chekutitondedza zvichatevera mberi,” anodaro.

Murume wemukadzi uyu – Tanaka Kazembe (29) – anoti haasi kunyatsoziva zviri kuitika kumudzimai wake.

“Ini hangu handizivi kuti zvii zviri kuitika, ndokusaka tiri kufamba kuchivanhu. Hatisati taziva ruvara rwemachira atakanzi titenge nasekuru vari kutibatsira asi vanogara muno muChitungwiza.

“Ini hangu handina kuiona njuzu yacho, ndakangonzwa mudzimai wangu achiti akaiona mubhedhuru medu iri pamubhedha,” anodaro.

Vamwe vagari vemunzvimbo iyi vakakurukurwa navo neKwayedza vanoti vanoshamiswa nechiitiko ichi.

Mumwe wevavakidzani, Mai Princes Chimbambaira, vanoti vakamhanyira pamba paMai Taku mushure mekunge vanzwa mhere yemunhu aibongomora kuchema.

“Kutaura chokwadi zvinhu zviri kunzi zvakaitika pamba apa zvinotyisa, kuti njuzu iwanikwe mumba here nhai? Chokwadi chinozivikanwa naivo Mai Taku nekuti isu hedu hatina kuiona, takangonzwa naivo pavakaridza mhere. “Sevanhukadzi, panguva yakazvakaitika takatya kupinda mumba mavo pamwe kudai takaionawo,” vanodaro.

VaWonder Chiherera (47), vanove muvakidzani waMai Taku zvakare, vanoti zvinoshamisa kunzwa kuti njuzu yaonekwa mumba.

“Chinotishamisa ndechekuti njuzu iri kunzi yakaonekwa mumba maamai ava pamubhedha pavo musi wacho kwakange kusiri kunaya. Ini ndinoona kunge masaramusi akaitika mumba umu, nekuti ndekekutanga muupenyu hwangu kunzwa kuti njuzu yaonekwa mumba,” vanodaro.

Tatenda Rutsito (37) anotiwo haana neremuromo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey