Uncategorized

Nyakudya moto ‘Nero’ akashaya

06 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Nyakudya moto ‘Nero’ akashaya FRANK ‘Nero’ Kariyadoro achidya moto

Kwayedza

FRANK ‘Nero’ Kariyadoro achidya moto

FRANK ‘Nero’ Kariyadoro achidya moto

Muchaneta Chimuka
FRANK “Nero” Kiriyadoro — murume wekuita mukurumbira achifadza vanhu munaFirst Street, pakati peguta reHarare, kuburikidza nekuita mashiripiti anosanganisira kudya nekusvipa moto achifamba pawaya —hakuchisina. Nero (48) akashaya svondo rapera mushure mekurwara nedenda regomarara reziso kwegore rose.

Nero, uyo aive chizvarwa chekuMozambique, akasiya mudzimai wake — Barbra Frashishko (45) — nevana vatatu vanoti Fison (20), Primrose (30) naSable (23).

Akaradzikwa kumarinda ekuMabvuku Cemetery nemusi weChishanu svondo rapera.
Asi musi uyu, vanhu vachingobva kumakuva mudzimai waNero, Barbra anonzi akabva anzi atute twake apo akadzingwa pamba nehama dzemurume wake.

Kwayedza svondo rino yakashanyira pamba paigara mushakabvu nemhuri yake, panhamba 1182 Old Tafara.
Barbra anoti ave kugara kumba kwevabereki vake zvichitevera kudzingwa kwaakaitwa nehama dzemurume wake.

“Ini ndave kugara kumba kwevabereki vangu, panhamba 255 Tafara, nekuti ndakadzingwa natete, hanzvadzi yemurume vanonzi Petronella Kabrito, vachiti hapana chandakange ndichagarira mushure mekufirwa.

“Zvinhu zvangu zvakatosendekwa nemadziro emba pazviri kunaiwa nemvura. Ndakadzingwa tichangobva kumakuva kunoradzika murume wangu asi ndinofara kuti vabereki vangu vakanditambira. Vave kundivakira kamuri yekugara pamba pavo,” akadaro Barbra.

Anoti akagara nemurume wake kwemakore anodarika 15 uye pamba paakatandwa apa ndepatezvara vake avo vakashaya.
“Tete ava vakaroorwa vakachata asi vakazotizwa nemurume, saka vari kugarawo pamba apa nevana vavo.

“Murume wangu akarwara kwenguva refu tikamuendesa kuParirenyatwa uko akazoonekwa kuti akange aine gomarara reziso asi chakatanga chiri chitsanga chidiki. Vanachiremba vakati vanoda US$600 kuti ziso rake rivhiiwe saka zvakatitorera nguva refu kuti tiwane mari yacho,” akadaro.

Barbra anoti pavakazowana mari yaidiwa iyi gomarara iri rakange ratodzika midzi izvo zvakaita kuti ziso racho rizobviswa.
“Pavakabviswa ziso riye, marwadzo akabva awedzera nekuti ronda rakange rakadzika zvikuru uye necheparutivi peziso pakange pave kumera kabundu zvekuti chiremba akati zvakange zvisingachaite kuti vavhiiwe zvekare. Vange vasichadye zvakanaka,” akadaro.

Baba vaBarbra, VaFaranando Frashishko (66), vanoti vakarwadziwa zvikuru nerufu rwemukuwasha wavo zvisinei nekuti akange asina kana kobiri raakabvisa reroora.

“Mwana wangu akadzingwa musi watabva kunoviga mukuwasha wangu pamwe nemwana wake. Saka ini ndakaona kuti angashungurudzika zvakanyanya akadzamara azviuraya, ndikamuti auye agare pano. Ndiri kumuvakira kamuri yekugara zvinhu zvake ndizvo zviri pamadziro izvo,” vakadaro tezvara vaNero.

Mumwe wevana vaNero, Fisoni, anoti ari kutarisira kusimudzira pakasiirwa nababa vake mumutambo wekuvaraidza vanhu.
“Baba vachiri vapenyu taitoenda navo kunaFirst Street, kuHifa, Namibia Popular, Reps Theatre nekunze kwenyika vachindidzidzisa. Mutambo wavaiita uyu waitipa chouviri uye hapana kana mishonga yaishandiswa sefungidziro yevanhu. Zvinotoverengwa mumabhuku ekushandisa, kanenge kahutsotsi kekungovhiringa pfungwa dzevanhu kuti vafunge kuti mashiripiti. Tarasikirwa zvikuru semhuri,” akadaro.

Akatsinhirawo nyaya yekudzingwa kwaBarbra natete vake.
“Amai vangu ini vakashaya asi ivava ndivo amai vangu nekuti vakandirera kubvira ndiri mudiki uye vakagara nababa kwemakore mazhinji zvekuti kana kurwara kwese kwavakaita ndivo vaimira-mira. Nhasi baba vafa vonzi havana maturo? Zvisinei, zvinowanikwa.”

Anoti vamwe vaive panhamo pababa vake vanosanganisira Freddy “Kapfupi” Manjalima, uyo waakati mukuwasha sezvo akaroora mwana wemukoma wababa vake uyo anozivikanwa sa “Mai Nga”.

“Vanhu vakauya nehuwandu hwavo uye zvigure nemadzisahwira avo zvikatamba usiku hwose. Vamwewo vaitevedzera zvaiitwa nababa sekufamba pawaya asi mumwe akange ave kutevedzera zvekufuridza moto akazotsva rurimi,” akadaro Fisoni.
Sahwira wepedyo, Trust Joseph (33), anoti Nero aive munhu airemekedzwa munharaunda uye aitandadza vanhu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey