Nyama yemombe ine muto

10 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Nyama yemombe ine muto

Kwayedza

SVONDO rino Mai Rosyline Mandebvu vekuBudiriro 5, muHarare, vanotsanangura mamwe mabikirwo enyama yemombe ine muto.

Zvinodiwa:

Chikari, nyama, matomatisi, hanyanisi, godzamuto, mafuta nemunyu.

Mabikiro:

Kana uchiita yekutenga, tenga nyama yemombe mumabhucha kana zvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo.

Cheka nyama kuita zvidimbu zvidiki woigeza nemvura yakachena.

Isa makomichi maviri emvura, wofashaidza nyama iyi kusvika yaibva.

Kana mvura yapera, isa munyu nekuwedzera imwe mvura shoma wosiya zvichikwata.

Isa chipunu chemafuta mupani, woikanga kusvika yatsvukira.

Chekerera hanyanisi wokanga zvakare, wozokanda matomatisi aunenge wacheka.

Kanga uchidira twumvura twushoma kuitira muto.

Isa godzamuto shoma wosiya zvichikwata kwemaminitsi angaita matatu.

Uchaona muto uchisara wakakora nekutsvukira.

Kana zvakadai, chibura zvako uzvirume rurimi nekunakirwa.

Nyama yemombe inogona kudyiwa nesadza jena kana mupunga.

 

Sununguka kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

 

Share This:

Sponsored Links