Uncategorized

Nyaya dzekushanya nekushungurudzwa kwevana dzowanda

20 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Nyaya dzekushanya nekushungurudzwa kwevana dzowanda

Kwayedza

GWARO rekurwisa kushungurudzwa kwevana munyaya dzepabonde, reSub-Saharan Africa Study Report on the Sexual Exploitation of Children in Travel and Tourism (SECTT), rakaparurwa muHarare nguva yadarika negurukota rinoona nezvekushanyirwa kwenyika, Dr Walter Mzembi.

Dr Mzembi, avo vari kukwikwidza kutora chigaro chaUnited Nations World Tourism Organisation (UNWTO) Secretary-General, icho chakasara chisina munhu gore rapera, ndivo zvakare sachigaro weboka reUNWTO Regional Commission for Africa.

Chirongwa cheSECTT ichi chakaparurwa kuburikidza nemushandirapamwe weECPAT International neZimbabwe National Council of the Welfare of Children (ZNCWC) pamwe nebazi rinoona nezvekushanyirwa kwenyika.

Gwaro iri rakaparurwa zvichitevera ongororo yakaitwa kunyika dziri mudunhu reSub-Saharan Africa dzinosanganisira Ghana, Kenya, South Africa neZambia pamusoro pemitemo inoona nezvekuchengetedzwa kwevana, yeAfrican Child Policy Forum (ACPF).

Magwaro eUNWTO anoratidza kuti nyaya dzekushanyirwa mudunhu reAfrica dzasimukira zvakapetwa mumakore maviri adarika apo muna 2015 vashanyi vakapinda muAfrica vaive 54 miriyoni.

Nerimwewo divi, magwaro eSuB-Saharan Africa SECTT anoratidza kuti kuburikidza nenyaya dzekushanyirwa, nyika dziri muAfrica dzinogona kusimukira zvikuru munyaya dzeupfumi.

Zvisinei, mikana yekushungurudzwa kwevana nenzira yepabonde inowandawo nekuda kwevanoshanya kune dzimwe nyika nokudaro hurumende dzenyika dzose dzinofanira kutora matanho anodzivirira kumbunyikidza kwevana uku. Izvi zvinoitwa kuburikidza nekutevedza zvisungo zveGlobal Code of Ethics for Tourism, zvikuru Article 1 neSection 3 izvo zvinorambidza kushungurudzwa kana kumbunyikidzwa kwevanhu nenzira dzose, kunyanya nenzira dzepabonde nekurwisana.

Gwaro reSECTT rinoti, “Kunyangwe zvazvo nyaya dzekushanyirwa kwenyika kubvira nakare dzaitarisirwa kunyika dziri kuNorth neWest kweAfrica (dzakaita seMorocco neSenegal) vashanyi vanoda kupinda munyaya dzepabonde nevana, kusanganisira vamwe vanhuwo zvavo, vari kuonekwawo vachiwanda kune dzimwe nyika dzemuAfrica.”

Dr Mzembi vanoti chikamu chezvekushanyirwa kwenyika chine mukana mukuru wekusimudzira upfumi asi panofanirwa kutorwa matanho anodzivirira vana munyaya dzekushungurudzwa pabonde nevashanyi.

Gwaro reSECTT rinoti zvakare kunyangwe zvazvo paine shanduko huru yakaitwa kubvira pamusangano wekutanga wenyika dzepasi rose weFirst World Congress Againist Commercial Sexual Exploitation of Children (CSEC) kuStockholm, kuSweden muna 1996, kuuya kwenyaya dzekufambiswa kwemashoko nechimbi-chimbi sekuburikidza nedandemutande kuri kuita kuti nyaya dzekushungurudzwa kwevana dzinge dzichiwandawo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>