Uncategorized

Nyaya iri kuferefetwa nezrp

21 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
Nyaya iri kuferefetwa nezrp

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MAGWARO ane Kwayedza enyaya yemusikana wekuti akapiswa muviri wose nemukomana wake anoratidza kuti yakamhan’arwa kumapurisa eZimbabwe Republic Police ekuMabvuku, muHarare nenhamba dzinoti RRB-2832523 uye iri kuferefetwa.

“Nyaya iyi ndakanoimhan’ara ndoga ndabuda muchipatara ndokuzonzi ndiunze medical report affidavit iyo ndakaendesa kumapurisa ekuMabvuku ndikanopa Sgt Bonde. Ndakavimbiswa kuti nyaya yangu yaizoenda kudare redzimhosva munguva pfupi yaitevera,” anodaro Jarisoni.

Anoti akazodzokerako ashevedzwa apo anoti akanoona mukuru wekamba iyi, uyo akamuvimbisa kuti kuferefetwa kwenyaya yake kuri kuenderera mberi.

Jarisoni, uyo anogara panhamba 1105 kuEast View Phase 6, anoti akapiswa naTafadzwa Gibson uyo pashure waanoti akazomuvimbisa kumupa sitendi yakavakwa imba ine cottage yasvika pahwaro hwave kuiswa mahwindo nemotokari yake yerudzi rweBMW kuti akanzurise nyaya iyi kumapurisa izvo akaramba.

“Handina kukanzurisa nyaya iyi sekutaurwa kwazvinoitwa nevamwe vanhu,” anodaro.

Anoti akatoshamiswa achinzwa achiridzirwa nhare nevanhu vaiti vashandi vekudare reHarare Magistrates’ Courts kuRotten Row, muHarare, vachiti sei airambira negwaro rekukuvara kwaakaita zvisinei kuti anoti akariendesa kumapurisa kumavambo emwedzi waKurume gore rino.

Jarisoni anoti vakamuridzira nhare ava vakati kushaikwa kwegwaro rekukuvara kwake ndizvo zviri kumisa kutongwa kwenyaya yake.

Amai vake, Mai Martha Zulu (77), vanotsinhira nyaya yekuti Gibson nehama dzake vakaenda kumba kwavo vachikumbira kuti nyaya iyi ibviswe kumapurisa izvo vanoti vakaramba.

“Vanoti vaida kupa Alice sitendi yakavakwa cottage chidimbu nekumupa motokari, kuzomupa zvekudya nekumurapisa asi isu tikaramba,” vanodaro.

Zvakadai, Gibson akatsvagwa zvakare neKwayedza nemusi weChitatu svondo rino kumba kwake kuTafara pamwe nekuridzirwa nhare asi haana kubatika.

Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, vanoti vanoda nguva yekuongorora mafambiro akaita nyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links