Nyenyedzi yaLindi-Marc yopenya

19 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Nyenyedzi yaLindi-Marc yopenya Lindi-Marc

Kwayedza

Abel Ndooka                        
Muimbiwechitendero – Lindiwe Phiri – uyo anonyanya kuzivikanwa saLindi-Marc, anoti anoona chiedza chakanaka mune remangwana mumhanzi yake zvichitevera kuparura kwaakaita dambarefu rinonzi “Vhurai Nzira” nguva pfupi yadarika kunyika yeSouth Africa. Lindi-Marc, uyo anove chizvarwa chemuno achigara kuSouth Africa, akatanga kutsikisa mhanzi mugore ra2008.

“Ndichikura muhupenyu hwangu ndakasangana nematambudziko anosanganikwa nevamwe vana vese vezera rangu saka ndipo pandakazofunga kuenda kunyika yeSouth Africa kunotsvaga mikana yakasiyana yekuti ndikwanise kuzviriritira uye nevanin’ina vangu.

“Kuenda kwandakaita, ndaive ndine chinangwa chimwe chete chekushumira shoko raShe uye kutsikisa mhanzi yangu. Ndinotenda Mwari vakandizarurira mikana yekuti zviitike,” anodaro Lindi-Marc.

Ari kuSouth Africa, muimbi uyu anoti akasangana nenguva yakaoma izvo zvakamuona achishanda mabasa ese ese kuti akwanise kurarama uye nekutumira mari kumusha yekuchengeta mhuri yaainge asiya. Anoti achiita mabasa aya ndipo paakasangana naproducer wake, Marcellus Moses, uyo akatanga kubika mhanzi yake uye akazomuroora zvakare.

“Munoziva kuita kwaMwari kunoshamisa, mutumwa wamwari Marcellus Moses akatumirwa kwandiri ndiye akabva atanga kutsikisa mhanzi yangu uye nekufamba kwenguva akazondiroora zvakare.

“Kubva 2008 kusvika parizvino takatsikisa nziyo dzakawanda pamwe chete uye ndipo pakuzosvika pakubura dambarefu rangu rinonzi Jesu Vhurai Nzira iro riri kufarirwa zvikuru nevatsigiri vangu,” anodaro.

Dambarefu iri rine nziyo dzakaimbwa nemitauro inoti Shona, Ndebele, Sotho nechiRungu. Muimbi uyu anoti ane hurongwa hwekutanga kuita mashoo munyika muno munguva inotevera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey