Uncategorized

‘nyoka 6 ihama dzangu’

21 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
‘nyoka 6 ihama dzangu’

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
NYOKA nhanhatu dzerudzi rweshato dzinonzi dzakonzeresa mumusha weStoneridge, kuWaterfalls, muguta reHarare uko dziri kushaisa vagari veruzhinji mufaro uye pane fungidziro yekuti dzingangodaro dziri dzevaroyi zvisinei nekuti vamwe vanhu vanoti ndedzemidzimu.

Panotova nemukadzi anoudza vagari vemumusha uyu kuti nyoka idzi ndedzake — achiti ihanzvadzi dzake dzaanodisisisa idzo dzaanogara nadzo pasi pemvura — uye haadi kuti dzikanganiswe.

Mikweshwa yenyoka nhanhatu idzi dzava nenguva inodarika mwedzi mitatu dzichionekwa pachikomo chiri pakati pedzimba, izvo zvave kutyirwa kuti dzichaguma dzave kudya zvipfuyo zvakaita sehuku kana vanhu.

Zvisinei nezviri kutyirwa neveruzhinji izvi, mukadzi anozviti anosvikirwa nemudzimu wenjuzu uyo waanoti ndiwo unochengeta nzvimbo ine musha weStoneridge, anonzi anoti zvikara zvesango izvi hazvifanirwe kukanganiswa, asi kungosiiwa zvichiita madiro muvanhu. Anonzi anoti nyoka idzo dzose ndedzake idzo dzaanogara nadzo pasi pemvura.

Mudzimai uyu anonzi anotaura nechiRungu choga kana achinge abatwa nemweya unosvika paari.

Svondo rapera Kwayedza yakasvika mumusha uyu apo yakawana vagari veko vakaungana vachibata nyoka idzi uye mbiri dzacho dzakatobatwa, asi pashure ndokuzoregedzwa dzichipinda mubako riri pachikomo chadzinogara — pakati pemusha.

Sachigaro wenzvimbo iyi, VaSimon Manzanga (36), vanoti nyoka idzi chishamiso chikuru sezvo dzisina munhu wadzinoitira hasha.

“Nyoka dziri kuonekwa dzinokwana 6, asi muno dzakawandisa zvikuru idzo tinoti ndedzemidzimu yemuno. Mune mashiripiti anoitika muno akawanda saka hatidi kuti dziuraiwe kana kudzitema nematombo hatibvumidze,” vanodaro.

VaManzanga vanoti nemusi weChitatu svondo rapera, pane mukadzi akasvika panzvimbo inoonekwa nyoka idzi apo vanhu vainge vakaungana vachidziona akatanga kukarara seasvikirwa nemweya unonzi ndewemudzimu achitaura nechiRungu kuti anogara nenyoka idzi mumvura.

“Ndakangonzwa kuti pakasvika mumwe mukadzi aiva akapfeka mbatya dzaiva nemifananidzo yehove nemagemenzi aipeny’a achiti nyoka idzi ihanzvadzi dzake idzo dzaaigara nadzo kumvura achiti dzaisafanirwa kukanganiswa. Ipapo anonzi akasvikirwa vanhu vakatiza uye nyoka idzi dzinonzi dzakatanga kusimudza misoro dzichimutarisa nekunanzvira zvinoratidza kuti dzinonzwanana naye,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Vanhu havachakwanisa kugara zvakanaka nekutya nyoka idzi, kuti dzimwe nguva dzingapinde mudzimba dzavo uyewo vana vave kutya kuenda kuchikoro vachidarika nepanzvimbo yadzinoonekwa. Tinokumbira vebazi reZimbabwe Parks and Wildlife Authority kuti vauye kuzotora nyoka idzi,” vanodaro VaManzanga.

Mashoko avo anotsinhirwa naMunyaradzi Mushinga (32) achiti pakasvika mukadzi wekuti nyoka idzi ndedzake panzvimbo yadzinoonekwa, iye aivepowo.

“Ini ndakaona nyoka idzi dziri 6 — diki nehombe idzo dzakareba zvakangosiyana. Dzimwe dzacho dzinogona kutosvika mamita mashanu nedzimwewo dzingangoita mamita 4.

“Mudzimai uyu akauya achimhanya ndokusvikotanga kukarara akatarisana nenyoka idzi, zvikapa kuti vanhu vadzvamuke vachitiza. Akati nyoka idzi ihanzvadzi dzake uye anogara nadzo kumvura uko vanopota vachiita mapira vari pasi pemvura,” anodaro Mushinga.

Anoti mukadzi uyu akazoenda akanotora jecha nyoro mudhamu riri padyo achiti nyoka idzi ndedzemidzimu uye hadzifanirwe kuuraiwa kana kukanganiswa.

“Ipapo akati aibva kuIndian Ocean, uko anogara achienda nguva nenguva kumisangano yenjuzu hombe. Akavhundutsira vanhu achiti kana paiva neane nharo naye vaende kudhamu riri padyo vanozvionera zvavanoita, achizviti injuzu. Aiva akazvimonera nemachira eruvara rweblue nemachena ayo aipeny’a zvikuru masikati machena,” anodaro Mushinga.

Violla Shonhiwa (23) anoti mumwe anogara achiona nyoka idzi uye musi wakasvika mukadzi uyu iye aivapowo pachaunga chevanhu vainge vakaungana.

“Mukadzi uyu akasvika ndokutanga kutaura nechiRungu achiita seasvikirwa apo vanhu nekutya zvaaiita, vakabva vatiza vachisiya nyoka idzi. Akazoudza nyoka idzi kuti dzipinde mubako izvo dzakaita sekunge aitaurira vanhu — isu tichitozvinzwa,” anodaro.

Panguva yaiva mudzimai uyu akasvikirwa, zvinonzi panzvimbo iyi pakauya chamupupuri chakapotsa chapunzira vamwe vanhu pasi.

Mukadzi uyu anonzi akabva ataura kuti chamupupuri ichi chakange chakonzerwa nevamwe vake vekumvura, avo vaanoti vainge vauya kuzoona nyoka idzi pamwe chete naiye.

Anonzi akati vanoenda vachinoita mapira nemisangano mumadhamu maviri ari munzvimbo iyi anoti reMakopasi neNyurongo.

Zvakadai, vagari vemunharaunda iyi vanoti vave kutyira vana vavo avo vanodarika nepanoonekwa nyoka idzi kana vachienda kuzvikoro zvinosanganisira Blackfordby neBradford Primary.

VaDavid Zata (50) — avo vanoti vakataura nemweya waive wabata pamukadzi uyu — vanokurudzira vakuru vemunzvimbo iyi kuti vagadzirise chivanhu mudunhu ravo.

“Ndakataura nemukadzi uyu ini apo ainge akasvikirwa, haapenge. Ngatimbotevedzai mashoko ake tione kuti nyoka idzi hadzibve here nekuti akati tikangoita zvinodiwa dzinobva dzoga,” vanodaro VaZata.

Vanoti vakuru vemunzvimbo iyi vanofanirwa kuita bira nechimwe chivanhu kuti nyoka idzi dzigobva.

Kwayedza haina kukwanisa kuona mukadzi anonzi ari kusvikirwa achitaura kuti injuzu uyu.

VaSimukai Nyasha, avo vakafanobata chigaro chemutauriri weZimbabwe Parks and Wildlife Authority, vanoti vachatumira vashandi vavo kunotora nyoka idzi dzigochengetedzwa zvakanaka.

“Regai nditi imhosva kuuraya shato, idzo dzinochengetedzwa nemutemo wenyika. Vanhu ngavasadzibate kana kutamba nadzo,” vanodaro.

Zvakadai, Sekuru Elisha Mutanga vekuUshewokunze, muHarare, avo vanova chiremba anoshanda ari pasi pesangano reZinatha, vanoti kuonekwa kwenyoka idzi kune zvakunodudzira pachivanhu uye panzvimbo yadziri kugara panoda kuiswa bute pasi nevakuru vachiteketa kuti dzigozobva dzoga.

Share This:

Sponsored Links