Uncategorized

Nyoka dzaimusveta ropa, uku n’anga ichimubhinya

14 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Munyori weKwayedza —
MUCHIITIKO chinokahadzisa zvikuru, imwe n’anga inonzi yakatema mumwe mudzimai nyora ichishandisa reza, ichibva yazosveta ropa raibuda, mushure ndokuburitsa nyoka idzo dzakasvetawo ropa iri senzira yekudzinga mamhepo, dare redzimhosva reHarare Magistrates’ Courts rakaziviswa.

Lyton Wisick (41) – uyo anova chizvarwa chekuMalawi uye achigara munyika muno pasina mvumo – anonzi akazobata mudzimai ane makore 35 okuberekwa uyu chibharo apo nyoka dzake dzemhando yemhungu (cobra) dzakange dzichitenderera mumba maaive, mushure mekunge akundikana kubhadhara $1 800 yaidiwa nen’anga iyi semuripo wekumuchenura.

N’anga iyi inonzi zvakare yakatora midziyo yemudzimai akaroorwa uyu inosanganisira chitofu chemagetsi, terevhizheni, home theater, decoder, gumbeze nekitchen unit semuripo wechikwereti icho akange akundikana kubhadhara “pakubvisa kwaakaita zvinhu mudumbu make”.

Wisick akamiswa pamberi pemutongi wedare iri, Barbra Chimbodza, uye ari kutongerwa mhosva yekubata chibharo.

Ari kupomerwa zvakare mhosva yekuba redhiyo inokosha $350 iyo akatorera mumwe murume aida kubatsirwa naye.

Pamusoro pezvo, Wisick ari kutarisana neimwe mhosva yekuchengeta mhuka asina rezinesi mushure mekuwanikwa aine nyoka mbiri.

Akanzi adzoke kudare nomusi wa19 Kubvumbi apo anenge ari muchizarira.

Muchuchisi Sebastian Mutizirwa akaudza dare kuti rimwe zuva muna Kurume gore rino, mumhan’ari akasangana nematambudziko muwanano yake pamwe nemubhizimusi zvikaita kuti atsvage rubatsiro kuna Wisick.

Wisick anonzi akabva amuudza kuti anofanira kubhadhara $10 yekubvunzira mushure ndokuzomuti abvise hembe dzake, izvo akaita.

Wisick anonzi akatora reza achibva atanga kumucheka nyora mumawoko, pachipfuva nemuchiuno ndokuzosveta ropa raibuda.

Anonzi akabva aratidza mudzimai uyu chinhu chaive nemvere achiti chakange chabva mudumbu make.

Wisick anonzi akazotora nyoka mbiri dzaive mubhegi raive mumba umu akaita kuti dzinanzve ropa remudzimai uyu iro raibuda panyora dzaakange acheka.

Anonzizve akamutaurira kuti anofanira kubhadhara $250 semuripo wechinhu chaaive “abvisa” mudumbu make.

Mudzimai uyu anonzi akamupa $75 asi ndokukundikana kubvisa imwe mari yainge yasara.

Wisick anonzi akamutaurira kuti anofanira kuzodzoka zvakare kuti anyatsochenurwa uye ndokumuti abvise mbatya dzake achibva atanga kumugezesa nemvura yakasangana nemishonga.

N’anga iyi yakaudza mudzimai uyu kuti mvura yayakanga yamugezesa nayo yaizonwiwa nenyoka.

Wisick akabva amuti zvakare aida $1 800 yekuti aparadze chinhu chaakange “amubvisa” mudumbu make.

Nomusi wa26 Kurume, Wisick anonzi akafonera mudzimai uyu achibvunza nezvemari yake mukadzi uyu ndokuti ari kukundikana kuiwana.

Vanonzi vakabva vatenderana kuti mudzimai uyu aripire mari iyi nemidziyo yake asi ndokuzoudzwa kuti midziyo iyi yakange yava yenyoka, nokudaro haaizokwanisa kuireva.

Wisick akataurira mudzimai uyu kuti aifanira kuzodzoka muzuva remangwana kuti azochenurwa zvakare uye anonzi akazomubata chibharo, apo nyoka dzakange dziri kungotenderera mumba umu.

Mune chimwe chiitiko, murume wemuHarare – VaHenry Harrison – vanonzi vakarasikirwa neredhiyo yavo inokosha $350 iyo yakatorwa nen’anga imwe chete iyi.

VaHarrison vanonzi vakashanyira Wisick vachida mushonga wekusimudzira bhizimusi ravo vachibva vanzi vabhadhare $100 yekubvunzira.

Dare rakaziviswa kuti pavakazodzokera kuna Wisick kuti vapihwe mishonga iyi, vakabva vaudzwa kuti vabhadhare imwe $1 200.

VaHarrison vakakundikana kubhadhara mari iyi vachibva vasarudza kumupa redhiyo asi havana kuzopihwa mishonga yacho.

Share This:

Sponsored Links