Uncategorized

nyoka ine ‘chiso’ chemunhu

04 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
nyoka ine ‘chiso’ chemunhu

Kwayedza

. . . zibuno, mazinzeve nemaziziso
. . . ini ichindiita mukadzi pamadiro’

Kingstone Mapupu —
MUKADZI wechidiki wekwaMwanza, kuGoromonzi ari kudunura achiti aoneswa nhamo nekuitwa mudzimai wezvidhoma zvinosanganisira nyoka ine musoro wevanhu, izvo zvamutadzisa kuroorwa.

Barbra Chitungo (27) — uyo anogara nevana vake vaviri mubhuku raMarimo — anoti arambana nevarume kaviri nekuda kwekuitwa mudzimai nezvidhoma.

Mukadzi uyu anoti anoona zinyoka guru iro rinoti kana romuvinga, “rinopfeka” chiso chinenge chemunhu — musoro zvose nemaziziso, mazinzeve nezibuno — roshinha naye pamadiro.

“Ndine dambudziko guru, kunyangwe ndikaroorwa handikwanise kumisa imba yangu. Ndinongorambana nevarume vachindisema. Ndakamboroorwa nevarume vaviri asi vakandiramba nekuda kwenyaya iyi.

“Ndinonzi ndine murume wezvidhoma izvo zvinorara neni uye pane nyoka yandinorota iyowo inondiita mukadzi. Nyoka iyi ine musoro wemunhu, iyo dzimwe nguva yandinoona pano pamba ndakatosvinura,” anodaro Barbra.

Mukadzi uyu anoti kwese kwaanofamba — kusanganisira kumaporofita echechi yeJohane Masowe weChishanu iyo yaanopinda — anongoudzwa kuti zvidhoma izvi ndizvo zvinoita kuti atadze kugara nevarume sezvo zvichinzi zvinomuitira shanje.

“Nyoka ine musoro wemunhu inoshinha neni iyi inotaurwa kwose kwatinofamba. Zvino ndashaya kuti ndoita sei, ndinoda kubatsirwa kuti ndigoitawo imba yangu.

“Dzimwe nguva ndinoita sekunge ndakarara nemurume, ndotofuma ndiine zviratidzo zvekunge ndashinhwa neni.”

Barbra paakashanyirwa neKwayedza pamusha pavo pedyo nenzvimbo yemabhizimisi yeJuru – apo paanogara naamai vake, Mai Laiza Chitungo (87) – akamboda kuramba kutaura nevatori venhau achitya zvinhu izvi, asi ndokuzobuda pachena achiti ari kuda rubatsiro.

“Chandisingade kunzi ini mumhuri yedu ndizonzi ndini ndakataura nemi (veKwayedza) nekuda kwedambudziko remusha. Pane zvakawanda zviripo, asi ini ndinoda kutaura zvangu chete zvezvidhoma zvinondiita mukadzi nezvenyoka idzi. Ndizvo zvinondiita kuti ndisaite imba saka ndinoda kubatsirwa ipapo,” anodaro.

Barbra naamai vake vakatombotizira muimba yavo yekurara apo vaida kutorwa mifananidzo asi ndokuzobvuma kuita hurukuro ino pava pashure.

LAIZA CHITUNGO

Pamusha apa panonziwo pane dambudziko rekufiwa zvakanyanya uye kusagara zvakadzikama kwemhuri iyi.

“Takaberekwa tiri gumi nevaviri naamai nababa vedu, asi vamwe vapera kufa tangosara vashanu. Svondo rakapera chairo, muzukuru wedu Daison Chitungo takamuviga.

“Taurai nevamwe vakuru vemusha pane zvimwe. Asi yangu nyaya ndeyekuti ndiri mukadzi wezvidhoma nenyoka bedzi. Zvandipfidzisa.

“Dzimwe nguva ndinoita zvekurota ndichiitwa mukadzi asi pamwe ndinotozviona ndakasvinura uye kwandinofamba zvinonzi varidzi vezvikwambo izvi ihama dzangu,” anodaro Barbra.

Anoramba kutaura zvakawanda nekuda kwezvimwe zviitiko zvinotyisa zvemumusha mavo achiti zvinofanirwa kutaurwa nehama dzake sezvo iye ari mwana mudiki “wekumakumbo” pakuberekwa.

Mbuya Chitungo vakarambisisa kutaura zvakawanda nezvenyaya iyi neKwayedza.

“Ini pano ndakatoroorwa, varidzi vemusha varipo. Ndinogara pano nemwana wangu nevazukuru ava chete, zvimwe taurai nevaridzi vemusha,” vanodaro vachitizira mumba.

Asi mumwe mwanakomana wepamusha apa – uyo anoti anonzi Leonard Chitungo achigara kuNorton – anotsinhira kuti mumusha mavo mune matambudziko makukutu.

“Hanzvadzi yangu Barbra anogara kumusha naamai vedu, tose hapana asina dambudziko mumusha. Tinochinjaniswa nezvikwambo izvi. Munofiwa zvakanyanya, tapera.

“Naiyewo Barbra ane dambudziko raainaro sezvo achiti anoshinhwa naye nezvinhu izvi uyewo anoona nyoka ine musoro wemunhu ichimuita mukadzi. Tine vamwe vakangotetereka kwatova nemakore.

“Tinoda kubatsirwa, izvozvi tinoda kuita nyaradzo asi zvinonzi isati yaitwa kuchafa munhu asingarware, saka takatombonzi tiimise,” anodaro Leonard.

Anoti pavakaviga mutumbi wemuzukuru wavo svondo rapera, imwe hanzvadzi yake inogara kuBulawayo yakatanga kunzwa mazwi aimutsiura achibva mudenga nekuda kweimwe hama yavo yavakangoshaya makore gumi nemaviri akadarika.

“Nyoka huru inoonekwa pamba pedu inoita madzimai vakadzi.

‘‘Inonziwo inosvipira vanhu zvinokonzera kuti vazodziuka mazironda kuita sevane gomarara uye izvi tiri kuzviwana kwatinofamba. Ini ndava kutotya nekuti zviri kunzi ndini ndiri pachidanho chekufa ndichiuraiwa nezvikwambo izvi,” anodaro.

Anoenderera mberi: “Tine anonzi Johannes Chitungo uyo akangotetereka makore 12 akadarika. Panhamo yadarika iyi, hanzvadzi yangu inonzi Miriam Chitungo akangotanga kunzwa mazwi aibva mumhepo achimuti, ‘Iwe, wakangwarisa! Unoda kuzviita ani? Munoti Johannes akatetereka, haana. Ndinaye ndiri kumufudzisa mombe’.”

Murume uyu anoti vamwe vehukama havadi kufamba kuti vagadzirise matambudziko avari kusangana nawo.

“Handizive kuti ndichararama kusvika rinhi sezvo ndichinzi ndini ndave kuda kuuraiwa. Tinoda kuti dambudziko rehanzvadzi yangu ripere, aroorwewo sevamwe. Tine hama yatinonzwa kuti akaromba. Vanokwanisa kutibatsira ngavapindire veduwe tapfidziswa,” anodaro Leonard.

Vemhuri iyi vanonzi vakafa zvisina tsarukano vanosanganisira baba vemusha uyu, VaDick Chitungo – avo vakashaika mugore ra1994, vachizoteverwa nevana vavo vanoti Thomas, Enock, Elliot naDaison.

“Tangosara tiri vashoma mumba medu, ndine munin’ina anonzi Dick Jnr nevamwe avo ndichataura navo kuti tigadzirise musha nekuti pamba pedu panonzi pane zvinhu – zvidhoma nenyoka nenyanga dzinotitadzisa kubudirira – izvo zvinoda kubviswa. Mabasa chaiwo ekuti tishande tiwane mari haawanike,” anodaro Leonard.

Vanoda kubatsira mhuri iyi vanokwanisa kuridza nhare dzinoti 0734 626 377 kana 0777 172 385.

Share This:

Sponsored Links