Nyota inokokotesa kapu

20 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
Nyota inokokotesa kapu

Kwayedza

NDAKANGA ndaenda kunoisa maruva kuguva ramai vangu vave nemakore gumi vashaya. Takaenda nehama zhinji, madzisahwira nevamwe. Ndakagutsikana nekushanda kunoita hukama pakati pedu vanhu vatema.

Ana mbuya vekwaberekwa amai vakanga vakasimba kwazvo vachiti, nyangwe isu vana tiri vana vemufi, hatifanire kukanganwa kuti iye mufi aivewo akaberekwa. Vakati ndicho chikonzero chinoita kuti vanzi anaMwenewazvo, kureva kuti varidzi vezvose zvine chekuita nemwana wavo.

Vakanga vachida kusumwa zvakanaka, uye nekuti vapihwe mukana nechinzvimbo chavo.

Asi nyaya yandiinayo ndeyekuti vanhu vatema tinenge tisingazive zvatinoda – kunamata kwechiKristu here, kana kwechivanhu, kwemidzimu, kupira nekureverera.

Vanhu vakuru vakanga varipo pachiitiko chekuisa maruva paguva vakanga vakasangana – vanonamata nevasinganamate. Isu sevana, pfungwa yedu yaive yekuti tingoisa maruva toita munamato wekutenda Mwari nekutipa amai panguva yavakange vari panyika. Taidawo kuzongotaura zvishoma pamusoro pezvinhu zvatairangarira amai vedu nazvo.

Takaimba nziyo dzekuchechi kwaienda amai vangu vasati vafa. Tikaita munamato. Mushure mazvo tikabva taisa maruva. Ipapa ndipo pakatangira kuvhengana kwezvinhu.

Vakuru vakanga varipo vakati, zvakanga zvisingaite kuti maruva angoiswa vanhu vakanyarara. Zvakanzi vaifanirwa kutaura kuti, “Ndini nhingi, ndauya kuzoisa maruva ekukurangarirai.”

Asika, kana tichitaura neguva, tiri kutaura nani? Kana tichiti tiri vatendi vechiKristu, tichiziva kuti kunongova nemurevereri mumwe chete pakati paMwari nevanhu — Jesu Kristu —kutaura kwedu mashoko atinotaura kumakuva, tinenge tichiti mufi agoita sei iye akafa? Iye akatomirirawo kumutswa panorira hwamanda?

Pavanhu vaitaura, vamwe vakanga vave kukumbira kuropafadzwa nemufi, kuvhurirwa mikana, kupodzwa pahurwere, kuwaniswa mabasa, kugoneswa kwevana kuchikoro nezvimwe zvakadaro. Kana tichiine pfungwa dzekuti vafi vanogona kutiitira zvose izvi, saka hapana chikonzero chekuti timire tichiti tiri maKristu. Nekuti zvinoreva kuti kumakuva kwave kuchechi kwatinonotaurira vakafa zvichemo zvedu tigotarisira kuti vatigadzirisire zviri kutinetsa.

Hadzisi nungo dzedu isu vapenyu here kuti panzvimbo yekushanda nesimba, yekuronga hupenyu hwedu nekuti tiri vapenyu, yekuita sarudzo dzinotisimudzira — tinowanikwa tichiisa zvichemo nezvikumbiro zvedu kuvafi? Ko handiti ivo kutofa kwavo kwaive kubviswa panyika pano, saka simba rekubatsira nekugadzirisa zvevapenyu vanozoriwana kupi?

Bhaibheri rinoti, “Nekuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva, kunyange nemubayiro havachina, nekuti havacharangarirwi. Rudo rwavo, nekuvenga kwavo, negodo ravo, zvose zvanguva zvapera; havachina mugove nekusingaperi pazvose zvinoitwa pasi pezuva.”

Kana vakafa vasisina mugove nekusingaperi pazvose zvinoitwa panyika, saka isu tinoisirei tariro yekuti vachazonzwa zvatiri kuvakumbira? Tinokumbira kuwaniswa basa nemunhu akafa ari rovha? Kutofa kwavo kunoreva kuti pane mumwe ane simba rekuti nguva yako yakwana, chibva panyika.

Dai kwavakaenda ikoko vaine simba rekugadzirisa zvinhu panyika, havaizosiya mari dzavo dzezvikwereti dzichirova. Dai vakafa vaine simba panyika yevapenyu, dai nherera nechirikadzi dzisingacheme. Dai vakafa vaine simba panyika, dai hama dzangu dzakaenda kuhondo dzikanofira ikoko dzisina kurova.

Ngatiregei kutambura nenyota zvekusvika pakukokota mukombe, iye Jesu ari mvura yehupenyu. Jesu chete, ndiye akafa akamuka, uye nanhasi mupenyu, acharamba ari mupenyu nekusingaperi. Ndiye Jesu anoita kuti vanhu vave vapenyu nekusingaperi, nekuti, “Ane Mwanakomana ane hupenyu, asina Mwanakomana waMwari haana hupenyu.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>