Nyundo akabura dambarefu

13 May, 2016 - 00:05 0 Views
Nyundo akabura dambarefu

Kwayedza

MUIMBI wesungura David ‘Kagoza’ Nyundo, uyo anotsigirwa nechikwata cheThe Hilltop Sounds, akabura dambarefu rake rechitatu rinonzi Moyo Wangu iro anoti ane tarisiro yekuti richasimudzirawo zita rake sevamwe vaiimbi vane mukurumbira.

Nyundo – uyo vazhinji vanomuziva nenziyo dzakamboita mukurumbira dzinoti Kuita Chako uye neZororo – anoti ane tarisiro yekushanda nevaimbi vane mukurumbira vakaita saAlick Macheso, Jah Prayzah naSulumani Chimbetu.

“Ndakagara pasi ndikaongorora kuti vanhu vanofarira mhanzi yakaita sei, ndikatora nguva yangu ndichinyora mhanzi nekuibika.

“Iye zvino ndine chivimbo chekuti dambarefu rangu iri richandisimudzira zvikuru uye ndinoda kuzoshanda nevamwe vaimbi vanoti Alick Macheso, Jah Prayzah naSulu,” anodaro Nyundo.

Kunyangwe zvazvo Nyundo achiona kuti ari kukura mumhanzi, anoti kutengwa kwemaCD edambarefu rake pamwe neevamwe vaimbi kuri kudzikira nekuda kwekutengeswa kwawo pamusika wemukoto kuburikidza nepairesi pamwe nekunetsa kuri kuita kuwana mari munyika.

“Hatingambode kunyeperana, kunetsa kuri kuita mari kuwana kuri kudzorera basa redu revaimbi kumashure. MaCD ari kutengwa mashoma zvichiwedzerwawo nepairesi uyewo kumashoo vanhu havachauye sezvavaimboita kare. “Tinovimba kuti kana zvikagadzirika tingadzokere kwataimbove kare,” anodaro Nyundo.

Dambarefu idzva remuchinda uyu rine nziyo dzinoti Mukoma, Tishande Tose, Murume wangu, Zvemumusha muno naKuchema kwenherera.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey