Nyunyuto nerayiro

24 Feb, 2017 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza —
13. NHETEMBO dzaTawanda Mushimbo dziri muna Mutakunanzva Wenhetembo dzinotevera dzine dingindira renyunyuto.

(i) Nyarai vanasikana!

(ii) Yambiro kunemi vachiri kukura

(iii) Mudzimai andishungurudza

(iv) Ndini Watsiapu muchandiona

Tsanangura zvinhu zvitatu zvinoburitswa mune imwe neimwe yadzo zviri maererano nedingindira iri. [25]

Kubva muna Nyarai vanasikana!, anonyunyuta pamusoro pevanasikana nekuti vari kufamba vakaisa nhengo dzemuviri yavo dzakavanzika pachena sepaanoti, “Munofamba mazamu ari panze, mava mombe here?” Nyanduri ari kunyunyuta maererano nekuzvishongedza kwevanasikana nekuti hakuna chimiro chakanaka sepaanoti, “Mapfekero enyu anonyadzisa.” Nyanduri anonyunyuta nekuti vanasikana vava kuita kuti vanhu vashaye pekupinda nekuvanyarira nemapfekero avo sepaanoti, “Munoda kuti tifambe takatarisa kupiko?”

Mudetembo rinonzi Yambiro kunemi vachiri kukura, anonyunyuta nekuti panguva yavaisunungura nyika vaishaya aivabatsira sepaanoti, “Tichirwira nyika taishaya chekubata nayo nyota hapana aitikanda ziso.”

Nyanduri ari kunyunyuta nekuti vechidiki vanoshuva kupandukira nyika sepaanoti, “Vemukaka pamhino munoda kutengesa ivhu nemhaka yei?” Nyanduri ari kunyunyuta kuti vechidiki vanoshuva kuvapinzazve mumarwadzo avakambobuda sepaanoti, “Munoda kutidzosera mushashiko nokuda kwei?”

Mudetembo retatu rinonzi Mudzimai andishungurudza, anonyunyuta nekuti haasisina rugare nemudzimai waakazvitsvagira sepaanoti, “Ndakaroora asi handina mufaro.” Nyanduri ari kunyunyuta nekuti anogarorohwa nemukadzi sepaanoti, “Mudzimai anondizvindikita siku nesikati.” Nyanduri anonyunyuta nekuti akasaita basa repamusha mukadzi wake haamupe chekudya sepaanoti, “Kurega kutsvaira mumba ndonyimwa tsvutugadzike.”

Mudetembo rinonzi Ndini Watsiapu muchandiona, anonyunyuta nekuti ari kupomerwa huparadzi sepaanoti, “Vanhu vanonditi ndiri mharadzi, asi ini ndinongove mutumwa chete.”

Nyanduri anotsutsumwa nekuti ari kushandiswa kufambisa mashoko ekupesanisa vanhu sepaanoti, “Ndinoshandiswa kutumira manzwi ekurwisanisa.” Nyanduri anotsutsumwa nekuti haana simba rekuranga vanhu vanomushandisa kuputsa dzimba dzevamwe sepaanoti, “Dai ndiine masimba acho, ndairanga vanoparadza misha yevamwe.”

14. Kubva muna Mutakunanzva Wenhetembo, sarudza nhetembo shanu dzerayiro dzakanyorwa navananyanduri vakasiyana. Zvino chitsanangura rayiro nhatu dzinoburitswa mudetembo rega rega rawasarudza. [25]

Ndasarudza nhetembo idzi; Hokoyo nekorera! naTawanda Mushimbo, Zvakapera zvokungochema naNyevero Maruzani, Chimandamanda chaMuchareva naAbel Mauchi, Murimi wanhasi naTineyi Chipise uye Yambiro yangu kuna Chiedza naIgnatius C. Musonza.

Detembo rekutanga nderaTawanda Mushimbo rinonzi Hokoyo nekorera!, anotirayira kuti tikatora matanho ekupedza chirwere chekorera taganhura kufa kwevanhu sepaanoti, “Mukadzinga korera madzingawo rufu.” Nyanduri ari kutirayira kuti tikatenga zvekudya tinofanira kutanga tazvishambidza tisati tadya, zvinotibatsira kupedza chirwere chekorera nendufu sepaanoti, “Pawatenga michero igeze usati wadya, ukadaro wadzinga korera nerufu.” Nyanduri anotirayira kuti tikashambidza zvimbuzi taganhura kupararira kwechirwere chekorera sepaanoti, “Mukachenesa chimbuzi madzinga korera.”

Mudetembo raNyevero Maruzani rinonzi Zvakapera zvokungochema, anotirayira kuti tinokwanisa kuvambawo mabhizimusi edu uye hazvinei nezera sepaanoti, “Newewo unogona kutangawo mhindu yako, zera harina basa.” Nyanduri anotirayira kuti tikazvitangira mabhizimusi tinenge tichikwidziridza budiriro yenyika sepaanoti, “Pinda mumhindu usimudzire nyika yako!”

Nyanduri anotirayira kuti tive nepfungwa dzakarodza, tiitewo mabasa emaoko sepaanoti, “Shandisa njere upinde mumhindu.”

Detembo retatu ndariwana kuna Abel Mauchi rinonzi Mari ingwarirei, anotirayira kuti mari inofanira kusevenzerwa nenzira dzakanaka dzisiri dzeutsotsi sepaanoti, “Inoda kutsvagwa negwara, kwete zvechitsaudzira.” Nyanduri anotirayira kuti tikatsvaga mari nenzira dzakaipa tinopinda muusungwa sepaanoti, “Jere unoriravira ukaitsvaga usingazivi.” Nyanduri anotirayira kuti mari inoda kungwarirwa nekuti inoputsa dzimba sepaanoti, “Munorambana kana mukasaziva mari muitiro wayo.”

Mudetembo rinonzi Murimi wanhasi, nyanduri Tineyi Chipise anorayira murimi kuti arime chikafu chinozadza dura sepaanoti “. . . rima chinhu chinopa maguta.” Nyanduri anorayira murimi kuti ashinge kurima nekuti ndiko kwakatsigira raramo yake sepaanoti, “Upenyu hwako hwakabatwa nako kurima.” Nyanduri anorayira murimi kuti ashinge kurima agopa vanhu vakawanda maguta sepaanoti, “Shanda nesimba ugutse ruzhinji rweZimbabwe nevamwe vekunze.”

Mudetembo rekugumisira raIgnatius C. Musonza rinonzi Yambiro yangu kuna Chiedza, anorayira mwanasikana kuti ngaazvichengetedze pese paari sepaanoti, “Iko kuzvibata ngakugare uri musimboti wazvose zvauri.”

Nyanduri anorayira mwanasikana kuti ngaateramire uye agone kutaura nevamwe zvakanaka sepaanoti, “Zvininipise, nyorovesa mashoko.” Nyanduri anorayira mwanasikana kuti kuba kwakaipa uye kunopinza mujere sepaanoti, “Kuita ruoko hachisi chipo kana unyanzvi, asi kutokota tirongo kuti rikupfigire!”

Share This:

Sponsored Links