‘Nzara muzvikoro bodo’

08 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
MUKURU wedzidzo mudunhu reHarare Metropolitan Province, VaChristopher Kateera vanoti chirongwa chekupa vana zvekudya muzvikoro chakakosha zvikuru sezvo chichiita kuti vadzidze vakasununguka pamwe nekuti vafarire fundo.

Vakataura mashoko aya svondo rapera paMukurumbira Primary School, kuMufakose pagungano rechirongwa chekupa vana chikafu kuzvikoro – cheHome Grown Feeding Programme apo paiva nezvikoro 44 zviri muGlen View-Mufakose District.

VaKateera vanoti kuwaniswa kwechikafu kuvana vechikoro kunoderedza matambudziko akadai sekurovha, kurwara uye kusiira chikoro panzira kwevana nekuda kwenzara.

“Ndinofara zvikuru nedingindira rechirongwa ichi rinoti, ‘Pfungwa dzine utano, Dziri mumuviri une utano’. Izvi zvinoreva kuti kana vadzidzi vakawaniswa kudya kune utano muzvikoro, zvinoita kuti vange vachisimukira mudzidzo dzavo. Vanodzidza pfungwa dzavo dzakanyevenuka.

“Kune vamwe vana vari kuuya kuzvikoro vaine nzara nekuda kwehurombo kumhuri dzavanobva. Vamwe utano hunenge husina kumira zvakanaka asi vakawaniswa kudya vanobata zvakanaka nevamwe mudzidzo yavo vachipasa,” vanodaro.

VaKateera vanoti kubvira kuvambwa kwakaitwa chirongwa ichi neHurumende gore rapera, vana vave kuenda kuchikoro zvakaenzana kusiyana nakare apo vamwe vairovha nekuda kwenzara.

“Ongororo yakaitwa pasi rose inoratidza kuti vana vanowaniswa kudya muzvikoro vanodzidza nesimba pasina kufunga zvimwe zvinhu zviri kure nedzidzo. Kushaiswa chikafu kuvana kunokonzera kuti vamwe vasiire chikoro panzira. Pakutanga kwechirongwa ichi, vana vaipihwa zvekudya ndeveECD A kusvika paGrade 3 asi iko zvino takachivandudza kusvika kuvana veGrade 7,” vanodaro.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, VaCloud Nyambuya vanove Glen View-Mufakose District Schools Inspector vanoti zvirongwa zvekuwanisa vana zvekudya muzvikoro zvinoda kurongwa zvine hungwaru pamwe nebhajeti rakasimba kuitira kuti vasazoshaiswa kudya uku.

“Tinotenda zvikuru nerutsigiro rwevabereki nekuti ndivo vanotouya vachibika pano. Matambudziko anogona kuzovapo ndeekushaikwa kwerutsigiro rwemari izvo zvinozoita kuti vadzidzi vakundikane kuwaniswa chikafu muzvikoro semazuva ese nokudaro zvirongwa zverudzi urwu zvinoda bhajeti kuti paonekwe huwandu hwechikafu chinodiwa nevana pamwedzi kana kuti pagore. Izvowo zvikoro zvinofanira kuita mabhindauko akadai sekuchengeta huku, hove, kurima miriwo nezvimwe kuitira kuti chirongwa ichi chirambe chichienderera mberi pasina kushandisa mari zhinji,” vanodaro.

Mukuru wechikoro cheMukurumbira Primary, VaNaison Mbara, vanotenda Hurumende nekuparura kwayakaita chirongwa chekupa vana zvekudya.

“Svondo radarika, Hurumende yakatiwanisa masaga 26 echibage nokudaro tinofara zvikuru nekuti vamwe vana vaisimborovha chikoro vave kuuya. Takaona kuti nzara chaiyo inogona kuita kuti mwana asade kudzidza. Kunyangwe panguva yataipa vana veECD kusvika Grade 3 chete, taitoona kuti vamwe vasiri mumagwaro aya vaitomira mumutsetse vachidawo chikafu asi tinofara kuti Hurumende yavandudza chirongwa ichi kusvika kuvana veGrade 7,” vanodaro.

VaMbara vanoti pachikoro pavo vane mabhindauko ekuchengeta hove izvo zviri kuita kuti vana vawane usavi hwesadza.

Share This:

Sponsored Links