Uncategorized

NZIMU: MATE ERUFU!

22 May, 2015 - 00:05 0 Views
NZIMU: MATE ERUFU! Mai Nerris Mapika

Kwayedza

  • Ukamedzerwa mate wotofa

  • ‘Huroyi hwacho pfuti iri nani’

Mbuya Easther Kambudzi

Mbuya Easther Kambudzi

UHWU ndihwo hunonzi huroyi hwepamusoro – munhu kungokumedzera mate bedzi kana kukusvipa – unobva wamonywa mutsipa wotarisa kumashure kana kuti maziso anovindinuka wotofa.

Asi munhu anokwanisa kufefemuka bedzi ndokunge nyakuridza tsamwa uya amusvipira mate.

Huroyi hune musiyano uhwu hunonzi hunoshandiswa nevamwe vanhu kuRushinga, kudunhu reMashonaland Central.

Veko vanoidaidza kuti “nzimu”

VACharles Mashange

VACharles Mashange

Panotaurwa mhando yehuroyi uhu vanoziva zvazvinoreva vanobva vatanga kutaramuka nekuti hunonzi ndehwemhando yepamusoro.

Hunonzi kana munhu akahushandisirwa anogona kufa pakerepo achiita zvekumonywa mutsipa, kuendeswa muromo parutivi kana kutsveyamiswa maziso achibuda furu nemukanwa nemumhuno.

VaEdmore Mabhugu (26) vanoti vane ruzivo nehuroyi uhwu, uhwo hwavanoti hunowanikwa kuRushinga.

“Zvisinei nekuti huroyi uhwu hwakapararira mudunhu rino reRushinga, hwakadzika midzi kwashe Rusambo, uko kunotova nemisha yakagariswa vanhu vane nzimu voga sezviya zvaiitwa kare kuti vanhu vane maperembudzi vaigariswa kwavo voga.

Mai Nerris Mapika

Mai Nerris Mapika

“Huroyi uhwu rinenge shavi zvekuti anadzo haafanirwe kutsamwiswa. Akangotsamwa, akaridza tsamwa kana kusvipa mate akakutarisa kana kuamedza, munhu amushatirisa anobva amonywa mutsika wotarisa kugotsi muromo uchienda parutivi pamwe nemaziso kana kutofa ipapo,” vakadaro VaMabhugu.

“Munhu anenge arohwa nenzimu, sezvo zvichishandisa zvidhoma zvemhando yepamusoro, haarapike kunze kwekurapwa neanenge amurovesa wacho. Anogona kupfunda mvura mukanwa wozosvipira anenge arohwa nazvo kumeso kana kumusvipira mate, anobva avhumuka ipapo otomuka,” vakadaro.

Zvinonzi nekuda kwemhando yehuroyi uhu, vadzidzisi vezvikoro munzvimbo iyi vanotya vana vechikoro vanonzi vanobva kumhuri dzine mashavi enzimu.

Mbuya Easther Kambudzi (80) vekuNyamasanga vakatsinhira vachiti nzimu huroyi hwemhando yepamusoro.

“Mwanangu (kureva mutori wenhau), kasi ndine mhosva here kundibvunza nyaya yehuroyi uhwu? Hazvitaurwe, nzimu dzinogona kukurova iwe uye dzikarova munhu haararame. Kana n’anga dzepamusoro hadzizvikwanise. Dzinomonya mutsipa ugoreba.

“Kuno kune imwe n’anga yakarohwa nechamboko chaibva mumhepo ichiedza kuchenesa mumwe musha ikazobvapo yakafenda ndokuzonofefemukira kumasowe,” vakadaro Mbuya Kambudzi.

Vanoti vanhu vane huroyi nemashavi enzimu vane ruchiva zvikuru sezvo vasingade kuona chakanaka chinoitwa nevamwe.

“Munhu ane nzimu akakuchiva, anoramba akakuyeva asingabwaire. Ingava huku kana chimwe chinhu chaaona kumba kwako, anokumbira. Iwe kana uchiziva usamunyime, mupe asi haanogara nacho, anobva anodzoka ipapo okupa. Nyaya inoipa ukamunyima uye kana dziri huku dzinomonywa mitsipa, dzikava mombe dzinopera kufa pasina kurwara.

“Ukaziva kuti munhu ane nzimu, mutuke zvine hasha uchimuti, ‘Iwe pfutseke nenzimu dzako! Hauna chaunondiita’, dzinonyara,” vakadaro Mbuya Kambudzi.

Mai Nerris Mapika (35) vekudunhu rimwe chete iri vakatsinhira vachiti:

“Kurohwa nenzimu zvakangofanana nekupfurwa nepfuti, kurumwa nenyoka kukange nani. Mudzimai akaroorwa nemurume anadzo iye asina vana ndivo vanobatwa nadzo.”

Munhu anorohwa nadzo anonzi anopunzika pasi sezvinoita uya anenge abatwa netsviyo.

“Nzimu mashavi ehuroyi anoshandisa mishonga yakasimba uye paine zvidhoma zvemberi. Shavi renzimu harirove mumwe munhu anadzo nekuti mashavi aya anozivana.

“Kune nzimu dzinoita zvekutorwa kun’anga, idzo dzinonzi unokwanisa kudzosera kana usisadzide asi unonobhadhara mombe dzakawanda uye kazhinji dzinotorwa kuMozambique,” vakadaro.

Zvinonzi mafiro anoita munhu anenge arohwa nenzimu kana chipfuyo zvakangofanana. Anopupa furo, omonywa mutsipa, muromo nemaziso zvoenda parutivi.

VaCharles Mashange (36), avo vanobva kuMuronda B, kwaMambo Gwangwava, vanoti vamwe vanhu vari mudunhu iri vakapihwa nzimu nevapoteri vaigara kuNyamatikiti Refugee Camp, avo vakange vatiza hondo kuMozambique makore adarika.

“Kare munzvimbo iyi maisava nehuroyi hwemhando iyi, hwakatoita kuunzwa. Vanhu vaienda vachinopihwa mishonga nen’anga dzaive dzapotera muno vasingazive kuti vaipihwa huroyi. Izvozvi vamwe havachahuda asi n’anga idzi dzakadzokera, dzimwe dzakafa. Asi kune vamwewo vane dzedzinza avo vakasvikogara kuRushinga vainadzo,” vakadaro.

Vanoti avo vari kuedza kudzosera huroyi uhu kuMozambique vari kunzi vabvise mombe dzakawanda izvo vari kukundikana.

“Vanhu vane nzimu kana vachifamba, kunyange vaine tsoka vachipfumbura guruva, tsapfu dzavo netsoka hadziite shena. Zvinonzi nzimu kana kuti zvidhoma zvavanofamba nazvo zvinenge zvichivapukuta nguva nenguva.

“Saka kunyange munhu achifamba rwendo rurefu ukaona bhutsu yake kana tsoka isina guruva woziva kuti ane nzimu,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links