Nzwisiso inoda nguva

14 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
MUKUEDZA kutsvaga chaita kuti musoro uteme, donzvo redu rinenge riri pakuda kuwana nzira dzekupedza nadzo dambudziko. Ongororo yemapepa akanyorwa inotibatsira kuti tione pane mhosho uye tigogadzira mhosho idzodzo zvigofamba mutserendende.

Taramba vana vanopinda mumirwi yezvibodzwa zvisina maturo nekuda kwechiShona. Kotoro (temu) yapera zvikoro zvizhinji zvakanyora bvunzo, chero zvazvo vamwe vasina. Ongororo ino ndeyepepa rekutanga (paper 1) iro rinotakura zvibodzwa makumi mana (40 marks).

Iri pepa rinopa zvakare vana dambudziko kunyanya vaya vanosema nekutarisira chiShona pasi nekuti rinobata-bata twakawanda.

Pepa rino, iro rakanyorwa mune chimwe chikoro chikuru muZimbabwe, rakatanga nenzwisiso iyo yaida kuti vana vanyore mhinduro kumibvunzo misere mushure mekuverenga.

Chakakosha apa kuti mwana ange achigona kuverenga nokunzwisisa nekuti hatitarisiri vana kupotsa kana kudonhedza zvibodzwa panzwisiso nekuti mutauro ndiwo unotogozha apo vana vanogona kusangana nezvinhu zvavasingatozive.

Mibvunzo yose iri misere yanga yakapfava kusara kwemumwe chete wakabvunza kuti “Chinonzi “mhumbu” mundima chii? Vana vaitadza kupa mhinduro yakakwana asi chaidiwa apa kutora mhinduro kubva mumashandindisirwo akaitwa zita mundima (contextual use).

Kugona kutora zvinoreva izwi kubva mumashandisirwo zvinotodzidziswa vana nekudaro vanofanirwa kupota vachipiwa mibvunzo yakadaro kuti vajaire. Apa chinonzi “mhumbu” ihove.

Kupera kwenzwisiso kwakanga kune kachikamu kadiki kaiva kemutauro apo paiva nemubvunzo mumwe chete wakanetsa vashoma uyo waida kuti vana vadzidze matauriro edu chaiwo akadzama tichishandisa tsumo kana madimikira.

Mabvunzirwo akaitwa mubvunzo uyu anogona kupusisa vaya vajaira kuungana netsumo dzinoda kuzadziswa kana kutsanangudzwa. Apa pava kudiwa kushandiswa zvakadzidzwa (application of knowledge).

Pakange pakanzi, “Kana munhu akashaya mhuka yekuuraya aenda kunovhima anoti — (A) sango rinopa waneta (B) mudzimu wakombora (C) sango idema (D) murombo haarovi chinenguwo. Mhinduro yakanaka ndi (C) sango idema.

Chikamu chakatevera chaiva chenzwisiso zvakare. Nzwisiso iyoyo yakatakura zvakare mubvunzo misere. Izvi zvinobva zvaratidza zvakakoshera kuita nzwisiso nekuti ndiyo iri kutakura pepa rese. Hapana zvekare mubvunzo wanga wakaoma asi kuti waitofanirwa kukohwa zvibodzwa zvose zviri zvinomwe.

Mushure menzwisiso kunotevera zvakare mutauro uyo wakabata mazwi anoreva zvakafanana, tsumo dzinoreva zvakafanana, mazwi anoreva zvakapesana nemazita. Zvoreva izvo kuti gumbeze rakaputira mutauro rakakura chose uye rinoda munhu ane chido chekuita tsvagurudzo dzakadzama.

Paidiwa kupa izwi rinoreva zvakafanana namuboora rinova mutikiti uye tsumo inoenderana natotenda dzanwa dzaswera nebenzi. Iyi tsumo yaida kudyidzaniswa natotenda maruva tadya chakata. Gengezha mukombe hazvienzani nekunwira mudemhe inoenderana neinoti ane ganda ane nyama hazvienzani neasina.

Kuchipedza izvozvo kwakanga zvekare kuine nzwisiso nemibvunzo mitanhatu iyo yainge yakati pfavei kunyanya kune avo vanogona kuverenga.

Zvikamu zvekupedzesesa pepa zvaiva zvetsumo, madimikira uye kunyora kwakanaka. Mamiriro epepa aya anoratidza kuti tinofanirwa kupa nzwisiso nguva huru muzvidzidzo zvedu.

Share This:

Sponsored Links