O-LEVEL — MAKUNUN’UNU MAODZA MOYO: Monika anoshamisika nemaondero aTendai

27 Feb, 2015 - 14:02 0 Views

Kwayedza

Ticha Tichaziva
CHITSAUKO 6 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Vakangozvinzwa chete kuti ari kufambidzana nekakomana sekaanga achifambidzana nako vanozvisunga, vanoda kuti kubvira musi uyu Monika abve akanganwa nezvekakomana kaanga achitaura nako sezvo vachifarira murume akaita saMujubeki uyo anove makomborero. Mwana anoshaya zvekutaura neshungu ndokubika hake sadza asi haaridyi.

Mangwana acho tsamba inobva kuna Timoti inosvitswa nekamwe kamwana kainge katumwa ako kakati yaida mhinduro.
Monika anotarira amai vake vachinyatsa kuzvinzwa kuti hapana mhinduro iri kuzouya mukomana wako kana akanyora imwe tsamba kuparadza nguva, mwana aenda Monika ndokusara achichema neshungu .

Panopera mazuva matatu Monika asingadye sadza amai vake vofunga kuti pamwe kurwara asi iye anoti mutano.
NeMugovera wacho Timoti anobva aenda kuHarare.

Monika anofunga zvekuenda kwatete vake kunorara achizodzoka mangwana acho amai vake vakambomurambidza asi ndokuzobvuma zvavo.
Musikana anoti tande nenzira inonanga kwatete vake asi ave mberi anoisiya ndokutora yekuChivhumudhara uko aida kunoona mukoma wake kuti amubvunzewo kuti oita sei.

Uku kwaive kutanga kwaMonika kunyepera amai vake.

ONGORORO
Muchitsauko ichi tinoona kuti zvirunga mutauro zvishoma zvachose asi mutauro wacho nekutwasanuka kwawakaita nemusambo wekurondedzera (narrative style) unongonakidza kuuverenga.

Muverengi haasongani nemazwi anomutemesa musoro zvekuti anoguma otsvaga duramazwi kuti awane tsanangudzo dzemazwi.
Kudimikira kwatinosangana nako tinokuona kuchiuya nepaviri, kwekutanga tinokuona uko kunotiratidza zvimwe naamai vaMonika.
Amai ava vane muitiro wavo uyo Monika anonyatsoziva.

Apo vanoperekedza Mujubeki anoziva kuti kana vachingoera vasvika chete hapasisina chakanaka nekuti vanenge vave kupopota zvavanosiita mazuva ose zvinonzi Monika aiziva kuti vakangosvika chete “ngoma yemisi yese yaitangisa”.

Kwepiri tinosangana nako kuchiratidza kushunguridzika mumoyo kukuru apo Monika anotaurira kamwana kaye kekutumwa netsamba achiti ngaanotaurira nyakunyora tsamba kuti hapana mhinduro iri kuuya, ngaarege zvake kuparadza nguva yake nekunyora imwe tsamba nekutya nekuti hapana aipindura.

Mazwi aya anoataura kuitira kuti amai vake vanzwe asi anenge achirwadziwa moyo nekuti handizvo zviri mupfungwa make. Kudimikira kunoshandiswa kunoti “shoko racho raive pfumo mumoyo make” (36).

Enzaniso imwe tinozoinhonga paPeji 34 iyo inoratidza mafemero ainge ava kuitwa naVaMushayazano.
Murume uyu ambotaura nhuna dzake, tinonzwa zvonzi vakanga vava kufema “somunhu akadzivirwa mhuno”.

CHITSAUKO 7 (Nyaya yacho)
Monika zvaanoona achisvika haana kunge akazvigadzirira. Anosvika payadhi yemurungu panoshanda Tendai achiri kubasa ndokufanogara panze akamirira kuti akumuke kunze kwava kutotanga kusviba. Ndipo apo anoona kamwe kakadzi kakaperezeka muviri kachiuya ndokurohwa nehana apo anoona kuti kainge wani kakadzi ndiTendai mukomana wake. Vanokwazisana Monika achishamisika nemaondero ainge akaita Tendai.

Apo Tendai anomubvunza kuti amai varipo zvavo here, vaviri ava vanombonyarara nekuti mumwe nemumwe haazivi zvinofunga mumwe maererano nekurohwa kwaamai.
Enderero mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links