O-LEVEL — MAKUNUN’UNU MAODZAMOYO: Monika anozotaurira Tendai zvaimunetsa

16 Apr, 2015 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Chitsauko 11 (Ongororo: Enderero mberi)
Muchitsauko ichi tinoonawo munyori achishandisa musambo wetsumo kuti ape udzamu kune zvinenge zvichitaura. Izvi tinozviona papeji 59 vanhu kana tichiita zvinhu, zvinoda kuti tiise misoro pamwe chete toita muonerapamwe pane kuti tiite mazvake mazvake nekuti tikadai hapana chinobuda. Saka zvichinzi, “vakuru vakati zano ndega akasiya jira mumasese” uye “mazano marairanwa”.

Upenyu hwekugara naamainini vake uho Timoti akaita hwakare hwekutambura zvikuru. Izvi zvinoratidzwa nemunyori nemashandisirwo anoitwa enzaniso. Timoti omene anoti iye zvino kuita sadza rekutozoona nomusi “sehuku” (59). Rufaro chinhu chinofanira kuyerera muvanhu chichipararira saka munyori achiti rufaro rwakaita “sedzihwa rinozadzanwa” (61). Chinhu chinozivikanwa kuti kana munhu mumwe chete achinge aerekana abatwa nechirwere chedzihwa, vanhu vakamutenderedza vanobatwa nacho.

Tinodzidza nezvetsika nemaitiro aMonika. Mwanasikana uyu atsungirira kuramba kutaura zvinenge zvichimunetsa. Tinodzidzawo chimwe chinhu maererano nemhandara iyi kubva mune zvinotaurwa nemukoma wake Tendai. Tinomunzwa Tendai achiti, chinhu chinonetsa nemunin’ina wake “ndechekuti anonyara” (61).

Tichiri kutaura nezveenzaniso pange paita munyama wekuti imwe yainge yasiiwa. Vanhu tinofanira kunge tisina chatinovanzirana kana tichidanana. Moyo yedu yakafanira kunge yakati mbu kuchena isina zvinodzimaidza “sokunze kusina makore panguva dzamasikati” (60).

CHITSAUKO 12 (Nyaya yacho)

Asara oga mumba memukoma wake, Monika anofungisisa neizvo Timoti ainge akamutaurira zvinoti amai vake vainge vakafa nekutambudzika kwaakaita, kupedza uko ainge aita gore rose ari mutirongo, nekuitisa nhumbu kwaakaita mumwe musikana. Anoshaya kuti chivimbo chokuti amutaurire zvose izvi ainge achiwana kupi nekudaro anofanirawo kumutaurira zvaainge achingoti achataura.

Akarega kutaurira Timoti zvaizoita sezvinonzi haamude uyewo anototi azvizive chete, kunyange kudai akamuramba zvainge zvisina mhosva. Achiri pakati pepfungwa idzi, ndipo panobva padzoka Timoti naTendai.

Timoti anomboita zvenyn’ambo zvake achiti dai asvika Monika anwa putugadzike aisvikorasa achiti Monika ainge aiisa mupfuhwira oitazve nyn’ambo yekuti akaromba kuMaroro akanotora mushonga wekupetesa Monika.

Monika anodimbudzira nyn’ambo idzi achiti vakambotambira tsamba kubva kuMhondoro here Tendai ndokuti Tambudzai ndiye akanga anyora. Monika anotsanangurira Timoti ukama hwaTendai, murume wake nevana vake apo Tendai anenge aenda kunotora tsamba yainge yanyorwa naTambudzai, iyo Monika anoverenga kuti munhu wose anzwe.

Timoti anoshamisika kuti mwana ari mugwaro resitandadhi yokutanga ndiye anonyora tsamba yakaita saiyoyo. Vanhu vanozodya kunze kwaenda chaizvo ndokumbotandara kusvika machongwe arira. Tendai anoratidza kwaainge awaridzira Timoti kuti azorara iye Tendai anorara naMonika uyo anotaurira mukoma wake zvakanga zvichimunetsa.

Tendai anovhundutwsa nazvo ndokuti hazvisi zvinhu izvo angaudza Timoti otya kuti zvimwe munin’ina wake anogona kurambwa nemukomana wake asi Monika anoshinga achiti anofanira kutaurira Timoti chete. Monika aneta saka anokotsira asi Tendai anosara akasvinura achifunga zvaainge anzwa. Chaanogona kutaura kuti, “Monika, mwana wamai inga wanga wafa” (65).

ONGORORO:

Tinoona munyori achienderera mberi nekushandisa musambo uya wekutamba akaturika hana yemuverengi mumhepo (suspense).

Muverengi anozvibvunza kuti chii chaicho change chichinetsa Monika chinoita kuti Tendai asvike pokuti chokwadi akanga afa? Kungwara kwemunyori kwokuti havi yemuverengi yekuda kuziva zvakaitika iwedzerwe aone kuramba achida kuverenga bhuku!

Enderero mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>