O-LEVEL — MAKUNUN’UNU MAODZAMWOYO: Mujubheki anopa Monika rokwe

23 Jan, 2015 - 09:01 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 2 (Nyaya yacho: Enderero mberi)
Mbatya dzaaitengera mukadzi wake anoti dzaipfekwa nevakadzi vevaRungu vakakwirira chete. Anoda kuroora mukadzi wekunogara naye Jubheki. Monika anobvunza kuti zvino mukadzi wacho aizogona here zvinoitwa Jubheki kana Mujubheki aenda naye murume ndokupindura achiti ainodzidza nekuti mukadzi waari kufunga akangwara zvokuti hazvimbomunetsi zvakare ane gwaro rechikoro serina Monika. Vaendako, mudzimai uyu achanodzidzira ukoti.

Monika ashayei, kusaita mukoti zvake hakusi kuda. Monika anomboti mari yacho aizoiwana kupi, nzvimbo yacho yaimunetsa uye anoshaya kuti vabereki vake angasiya vanaani sezvo baba vake vainge vachembera uyewo vachirwara ava amai havazogona kuvachengeta vari voga nepamusaka pemabasa emumunda.

Mujubheki anomunyengetedza asi Monika anoti achaona Mujubheki ndokuti pfungwa yakadai ndiyo inodzorera zvikuru mumashure. Monika anoti achambonzwa kuna amai avo Mujubheki anofunga kuti vanongoti ngaagare pamba. Panomboitwa karunyararo, Mujubheki ndokupinda mushishi yekukanga nyama. Monika anoona kuti Mujubheki ava munhu akadya maKisimusi akawanda zvokuti zvaigona kukodzera kuti amuti baba asi chete kuti aigara akashambidzika zvokuti vazhinji vaimupa zera riri makore gumi pasi perake chairo.

Monika anooneka achiti ava kuenda Mujubheki ndokuedza kumunyengetedza kuti ambomira agozoenda kana adya asi anoramba. Mujubheki anomumisa ndokuenda kumba yake yekurara, munhu kwava kudzoka ndokuyeuchidza Monika kuti handiti ainge atumwa mari naamai vake. Monika anobva aona kuti kukanganwa kwaainge aita uku kwaizomupinza mumatambudziko naamai vake ndokutenda Mujubheki. Monika asati aenda, Mujubheki anomupa kasumbu kakanga kakamoneredzwa netambo ndokuti izvi zvaive zvake. Aizovhura kana ayambuka rwizi Suka. Monika anobvunza kuti chii Mujubheki ndokumuudza kuti aizozvionera ega. Apo anoyambuka Suka, Monika anovhura kasumbu kaya kuti aone kuti kaiva nechii hana yake ndokurova apo anoona rokwe. Anombofunga kurikanda murwizi kuti rieredzwe asi moyo unoramba.

Anombofunga kuti achanetswa naamai vake vachimuti aridzosere kuna Mujubheki. Rokwe rinomufadza mupfungwa make, ava kutoona akaripfeka pataundishipi Timoti achitaura naye. Anozoshingirira kuritora kunyangwe amai vake vaizomutuka vachimuti ava pfambi.

Ongororo:

Mujubheki munhu anozvitutumadza achishandisa sarudzo yemazwi azere nekutsvinya. Tinomunzwa achipa zvisikana zvemumamisha mazita akafanana nekuti “Chigezamusoronebwe” (14), “Kunzekunerima”(14). Munhu anozvirumbidza nekuwana kwaanoita. Anoti kana zvinhu zvichinge zvakanganiswa kubikwa, kungozvitora kwava kuzvirasa, kwobikwa zvitsva. Anozvirova dundundu achiti, “E-e kurasa. Handidyi tsvina ini” (13). Tinomunzwazve achizvitutumadza achiti, “Mari matombo, tinotenga zvimwe (13).

Iri nyaya yevadzimai kwavo iyi, muverengi anombonzwiririra. Anoti munhu anofanira kuroora mukadzi waanodada naye, kwete uya wokuti kana ari pakati peshamwari dzake naye omuti “ndineni” (14) kana kuti mushandikadzi wemumba. Anovhaira chaizvo neizvo anoti akaitira mukadzi wake akazofa.

Tinomunzwa achiti mbatya dzaaimutengera dzainge dzisingaonekwi muzvitoro zvakafanana nezvekuti “pfumandiwe” (14). Mbatya dzacho “dzaipfekwa nevakadzi vevaRungu vakakwirira chete” (14). Muverengi anogona kuve nepfungwa dzekuti Monika ndiye ari kurehwa naMujubheki apo anoti, “Anonodzidza, mukadzi uyu akangwara zvokuti hazvimbomunetsi, uye akaenda kuchikoro. Ane J.C yake semi mainini. Kana taenda achanodzidzira unesi” (15).

Share This:

Sponsored Links