O-LEVEL — MUTAKUNANZVA WENHETEMBO… Dingindira rehuori

29 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza

  1. SARUDZA vananyanduri vana vari muna Mutakunanzva Wenhetembo vanonyora nezvedingindira rehuori. Zvino chitsanangura zvinotaurwa maererano nehuori mudetembo rega rega rawasarudza. [25]

Ndasarudza nhetembo dzinoti; “Kumaruva Kwedu” naAlouis T. Sagota, “Mutsvene Ndiani?” naToyindepi M. Musiyiwa, “Kuvachairi Vemakombi” naNyevero Maruzani uye “Chiremera Chakatiremera” kubva kuna Francis Matambirofa.

Mudetembo raAlouis T. Sagota rinonzi “Kumaruva Kwedu”, anoti vamiririri venharaunda yavo vari kuita huori kuburikidza nekutsvaga mari nemazita everuzhinji vanotambudzika sepaanoti, “Vationa mifananidzo yedu ketye votora kuti vagonopemha kuwedzera pfuma yavo nehwedu urombo.” Nyanduri anoti rubatsiro rwavanopiwa sevanhu venharaunda harwusi kusvika mumaoko avo sepaanoti, “. . . netsitsi vobudisa dzisingasviki mangwana pasuro.” Nyanduri anoti zvinhu zvenharaunda zviri kudyiwa nevamiririri venzvimbo chete sepaanoti, “Pasuro dzinoenda kwasabhuku, kwadzinogoverwa nekuperera.”

Mudetembo rechipiri rinobva kuna Toyindepi M. Musiyiwa rinonzi “Mutsvene Ndiani?”, anoti vana vechikoro vave kuita mhirizhonga pamusoro pehuori huri kuitwa nevatungamiri venyika sepaanoti, “Vadzidzi havo bongozozo mumasitiriti nekuti vatungamiri venyika voparadza nyika nehuori.” Nyanduri anoti vanhu vakawanda havachadi huori huri kuitwa nevatungamiri venyika sepaanoti, “Maticha, magweta, marekichara, mapoka endudzi nendudzi vatomisa michinjikwa kuti varoverere vatungamiri.” Nyanduri anoti huori chirwere chinoparadza nyika sepaanoti, “Chokwadi iri idenda rinoodza musha.”

Kubva muna “Kuvachairi Vemakombi”, Nyevero Maruzani anoti vanhu vemutemo vari kupiwa vharamuromo mumigwagwa sepaanoti, “. . . nechiokomuhomwe chenyu yenyu miromo yavharwa.” Nyanduri anoti huori huri kuita kuti mhosva dzevanhu vanofamba nemakombi dzitsikwetsikwe sepaanoti, “Mhosva yomutyairi yavharwa nemari yefufuro?”

Nyanduri anoti huori huri kukonzera kuti vanhu varasikirwe neupenyu mumigwagwa sepaanoti, “Vanhu vose vari mukombi vofira mari yefufuro?”

Francis Matambirofa mudetembo “Chiremera Chakatiremera”, anoti vemutemo vakusiya vanhu vane mhosva nekuti vanenge vachipiwa mari sepaanoti, “Mapurisa, haiwa, ane mari nyangoikoromora, mugonyei?” Nyanduri anoti mukuferefetwa kwedzimhosva mave nehuori sepaanoti, “Nhasi vafeyi nevafeyewi unovawana vachiravana mikombe mumabhawa.”

Nyanduri anoti nhasi uno mabasa echiokomuhomwe aishoreka kare awandisa uye zvava kunetsa kuti abve muvanhu sepaanoti, “. . . uori nokuparara kwerudzi zvapfunya chisero.”

  1. Vananyanduri vari muna Mutakunanzva Wenhetembo vanofarira kunyora vachinyunyuta. Sarudza nhetembo shanu dzakanyorwa navananyanduri vakasiyana ugotsanangura kuti vanonyunyuta nezvei munhetembo yega yega. [25]

Ndawana nhetembo idzi: “Ndakushayai Amai” naBetty Mpofu, “Tinoda Ruyamuro Mwari” naNorlan Makwarimba, “Ndinongonzi Nyarara” naAbel Mauchi, “Mwana Wanhasi” naTineyi Chipise uye “Ndiri Chiiko mwanasikana?” naPeter Marimi.

Mudetembo raBetty Mpofu rinonzi “Ndakushayai Amai”, anonyunyuta kuti amai vake vave kukoshesa kutsvaga mari vachitadza kumupawo rudo rwaanoda sepaanoti, “Iyo mari chaiyo ingaita amai vangu here?” Nyanduri anonyunyuta kuti asuwa rudo rwamai vake sepaanoti, “Ndinoshuvira kubata rwaamai vangu ruoko.”

Kubva mudetembo raNorlan Makwarimba rinonzi “Tinoda Ruyamuro Mwari”, anonyunyuta achiti chipfambi chanyanyisa sepaanoti, “Takomberedzwa neruzhowa rweupombwe.”

Nyanduri ari kutsutsumwa kuna Mwari achiti vanhu vakupfeka mbatya dzinosiya miviri pachena sepaanoti, “Zvipfeko zvopfekwa kwave kushambadza zvakavanzika.”

Detembo retatu nderaAbel Mauchi rinonzi “Ndinongonzi Nyarara”, anotsutsumwa nekuti kushaya dzidzo kwake kwakuita kuti asave nechiremera sepaanoti, “Kusadzidza kwandiparira, handina rukudzo rwandinopiwa panyika.” Nyanduri anonyunyuta kuti ari kushanda zvakapfurikidza sepaanoti, “Nhasi basa hariperi kwandiri masikati nousiku, ndichatsvukira.”

Mudetembo rinonzi “Mwana Wanhasi”, Tineyi Chipise anonyunyuta pamusoro petsika dzemazuvano dziri kuita kuti vanhu vasaremekedzane paukama sepaanoti, “Vatezvara voitwa zvavo babamudiki.” Nyanduri anonyunyuta nekuti mazuvano pwere dzakutsvagawo bonde sepaanoti, “Bonde nhasi rozibwa nechana chine mukaka pamhuno.”

Ndinopedzisira nedetembo raPeter Marimi rinonzi “Ndiri Chiiko Mwanasikana?” Nyanduri anonyunyuta nekusawaniswa mukana wakakura wekuti aende mberi nechikoro sepaanoti, “Chomwanasikana chikoro chinoguma ndisina chitupa.” Nyanduri anonyunyuta nekugarwa nhaka nemunhu akura zvakanyanyisa kumudarika sepaanoti, “Kana yauya nhaka, chigaramapfihwa, ndinopiwa dana rine zera nababa vokubereka.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey