O-LEVEL — NDINOFA NDAEDZA: Chigange anoronga zvekutiza naRevai

24 Jul, 2014 - 09:07 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 5 (Ongororo: Enderero mberi)
Pfungwa iyi inosimbisiswa netsumo inoti, “Rega zvipore akabva murutsva” (50).  Vavariro yaRevai ndeyokuti avewo nerugare.  Anoziva kuti mberi kwaakananga kunyangwe kuri kure zvakadini, kwaizomuitira pedyo nekuti kwaive nechinhu chikurusa chaainanga. Zvechokwadiwo anozvitaura pachena achishandisa tsumo achiti, “Kure kwegava ndokusina mutsubvu” (52). Revai angoramba ari wemunyama achingowira mumatambudziko. Hapana chine maturo chinobuda kubva mukutambura kwose uko ari kuita. Saka achizoti, “Murombo haarovi chine nguo” (55).

Maererano netsika nemaitiro evanhu, tinodzidzawo zvimwe Chiremba gurukota guru raMambo Dendere aive munhu “ainzwisisa zvekuti kana dai mambo akatadza kutsetsa inenge yapinzwa mudare iye aipa mazano zvichiva nyore” (52). Ishe Dendera zvekunwa doro aizvifarira, mamwe mazuva achiriwanza ozvibaya nenyama yekugocha yakange yagadzirwa nemukadzi wake. “Izvi aizvifarira nekuti uku ndiko kubvisa chikaru chedoro raanenge awanza zuro racho” (51).

Iye mambo uyu anoshatirwa anzwa kuti Chigange naPondai vainge varega kusunga Revai mumba yavasungwa changamire ava vakatenge Watyoka. Aimudisisa kupfuura vanhu vose” (51). Zvinonzi zvakare, “wakange watove mugariro wake kuti kana ashatirwa otyorera tsvimbo yake pamunhu” (54) kuratidza kuwanda kwainge kwakaita mvura yainge yanaya.

Munyori anoshandisa pfekedza unhu (personification). Zvinonzi naye, “Kana tukoronga tudiki twakatadza kufema nemusunda wemvura” (53). Munyori anombopota achishandisa musambo uya wekudzidzisa (didactic tone).

Tinomunzwa achiti, “Mambo aikumbira mazano kuti nyaya itsetswe nemakurukota, pave paya oona kuti nhoroondo yenyaya, nezvaanofunga, zvapesana. Pakarepo aibva aita zanondoga” (58).

Kudimikira kushoma zvachose, kwatinosangana nakwo kwacho tichikuona kuchishandiswa kuti Mazvikokota aone kutumbura nyaya yaakatanga kana kuti, “Ndiweka wakamutsa tsuro” (54) nekudaro vanhu vaida kunzwa kuti zvakafamba sei.

Kuenzanisa ndikwo kwatinoona kuchishandiswa zvakati kuti. Chigaro chamambo icho chakanga chakavezwa nemoyo wemuvanga change chakasviba kuti ndo “serongo raona nhamo nekukanga nyama” (51). Apo mambo anotarisa musungwa, anofinyamisa kumeso achiruma-ruma miromo “semunhu aidya vanhu” (51. Kasoro kamambo uyu “waiti idamba rakaoma” (51). Apo mambo anotarisa Revai anoita izvi “waiti ndimangoi ari kuhwandira makonzo” (52).

Apo Revai anopindira mukutaura asina kupihwa mvumo, mambo anoshinyira nehasha “sesamukange ratsikwa” (54). Kusungwa mawoko kunoitwa Revai anonzai “semuranda ari kuramba mirairo yatenzi wake” (55).

Panorondedzera Revai rungano rwake anoti vabereki vake vakamusiya kuti atambure zvake, agofa “sembwa isina anodya” (55).

Mazvikokota apo anoona kuti mhosva yainge yava kumumomotera, apo anotariswa naMambo Dendera anenge ava kuita “setsuro yaona shato” (57).

CHITSAUKO 6 (Nyaya yacho)
Kutekeshwa kwakaitwa Chigange pabendekete nashe kunomurwadza zvikuru zvekuti munhu anotanga kuve nedzimwe pfungwa maererano neugaro hwake naishe ava. Murume anofunga zano, kwava kuenda kwainge kuna Revai kunorondedzera chinangwa chake icho Revai anotsinhira vaviri ava ndokutenderana.

Chigange anoti mangwana acho manheru voparadza musha uyu, votiza zvekuti hapana anozokwanisa kuvatevera.

Vanotenderana kuti manheru emusi waitevera vaizopisira mambo mukazumbu kake nekuuraya mauto ashe kuti pashaye anotevera.

Share This:

Sponsored Links